RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/03 pp. 3-5
  • Shingaira ‘Kupupurira Kwazvo’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shingaira ‘Kupupurira Kwazvo’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Taura Pamsoro Pembiri Youmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Wagadzirira Here Kupupurira Zvisina Kurongwa?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Unogona Kuparidza Zvisina Kurongwa!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Rumbidza Jehovha Nokupupurira Zvisina Kurongwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 6/03 pp. 3-5

Shingaira ‘Kupupurira Kwazvo’

1, 2. Chii chinokufadza pamusoro pemaonero aPauro kuparidza mashoko akanaka, uye tingatevedzera sei muenzaniso wake ‘wokupupurira kwazvo’?

1 SaJesu nevamwe vashumiri vakawanda vakatendeka vekare, muapostora Pauro aiva muparidzi wemashoko akanaka anoshingaira, ‘achipupurira kwazvo’ pasinei nemamiriro ezvinhu. Kunyange paakanga akasungwa achigara mumba, “aigamuchira nomutsa vose vaiuya kwaari, achivaparidzira umambo hwaMwari uye achivadzidzisa zvinhu zvine chokuita naShe Jesu Kristu norusununguko rukuru rwokutaura.”—Mab. 28:16-31.

2 Isuwo tinogona kushingaira ‘kupupurira kwazvo’ nguva dzose. Izvozvo zvinosanganisira kupupurira vanhu vatinosangana navo pakuenda nepakudzoka kuKokorodzano Yoruwa inoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari” uye patinenge tiri muguta rinoitirwa kokorodzano.—Mab. 28:23; Pis. 145:10-13.

3. Tingaita sei kuti kupupurira kwedu zvisina kurongwa kusangova kwemasanga?

3 Kupupurira Zvisina Kurongwa Kudini? Kupupurira zvisina kurongwa hakusi chimwe chinhu chinongoerekana chaitika kana kuti pasina chinangwa, sokunge kuti kwakanga kusina kugadzirirwa kana kuti hakukoshi zvikuru.” Chokwadi izvozvo hazvisizvo zvakaita ushumiri hwedu. Kungofanana nezvakanga zvakaita muapostora Pauro, kupa mbiri kuna Mwari nokupupurira kwedu kunokosha kwatiri, uye chinofanira kuva chinangwa chedu kupupurira kwose kwakakodzera patinenge tichifamba gore rino. Zvisinei, nzira yatinosvika nayo kune vamwe ingagona kurondedzerwa zvakarurama kuti haina kurongwa—kureva kuti, yakasununguka, youshamwari, uye isina kufanogadzirirwa. Kusvika kwakadaro kungava nemigumisiro yakanaka.

4. Chii chakabatsira Pauro kupupurira kunzvimbo yake yaaigara?

4 Gadzirira Kupupurira: Pauro aifanira kutanga mikana yokupupura paakanga akasungwa achigara mumba muRoma. Ari kunzvimbo yaaigara, akatanga kukoka vatungamiriri vechiJudha veimomo kumba kwake. (Mab. 28:17) Kunyange zvazvo muRoma maiva neungano yechiKristu, Pauro akaziva kuti nzanga yechiJudha yomuguta iroro yaiva nemashoko chaiwo mashoma nezvokutenda kwechiKristu. (Mab. 28:22; VaR. 1:7) Haana kurega ‘kupupurira kwazvo’ nezvaJesu Kristu uye Umambo hwaMwari.

5, 6. Mikana ipi yatingava nayo yokupupurira zvisina kurongwa, uye igadziriro dzipi dzatingaita kuti tiite kudaro zvinobudirira?

5 Funga nezvevanhu vose vaungaonana navo pakufamba kwako vanongova nezivo shomanana pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Vangasatomboziva kuti tinodzidza Bhaibheri nevanhu tisingabhadharisi. Iva akangwaririra mikana yokupupurira vaya vaunosangana navo paunenge uchifamba, pakumbozorora munzira, pakunwisa motokari yako peturu, pakutenga, pakugara muhotera, pakudya mumaresitorendi, pakushandisa chifambiso chavose, zvichingodaro. Fanosarudza zvaungataura kuti mutange kukurukurirana uye kupupurira muchidimbu. Zvichida mumazuva ari mberi kokorodzano isati yasvika ungadzidzira nokupupurira zvisina kurongwa kuvavakidzani vako, hama, vaunoshanda navo, uye vamwe vaunozivana navo.

6 Uchada kuva nemabhuku okushandisa paunenge uchipupurira zvisina kurongwa. Api acho? Ungashandisa turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? Simbisa ndima shanu dzokutanga, apo panopiwa zvikonzero zvakasiyana-siyana zvokuverenga Bhaibheri. Ratidza kopani riri kuseri rokukumbira chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena. Paunowana munhu anoda, mugovere bhurocha raAnodei. Mukutarisira kusangana nevanhu vanotaura mumwe mutauro, takurawo kabhuku kaGood News for All Nations. Peji 2 inotsanangura kushandiswa kwakangaitwa pakupupurira. Kana uchifamba nemotokari, ungakwanisa kutakura mamwe mabhuku mashoma anokosha kuitira vaya vanoratidza kufarira mashoko oUmambo zvepachokwadi.

7, 8. Tinofanira kuteerera nyeveroi pamusoro pechitarisiko chedu uye mufambiro patinenge tichifamba uye panguva yokuzorora?

7 Funga Chitarisiko Chako uye Mufambiro: Tinofanira kuva nechokwadi chokuti mufambiro wedu uyewo mupfekero nechitarisiko chedu hazvizopi vamwe pfungwa yakaipa kana kuti kuvaita kuti ‘vashore’ sangano raJehovha. (Mab. 28:22) Izvi hazvingoshandi pakupinda kokorodzano asiwo patinenge tichifamba uye panguva yokuzorora. Nharireyomurindi yaAugust 1, 2002, papeji 18, ndima 14, yakapa zano rokuti: “Hatifaniri kupfeka zvinhu zvinoshamisira, zvinoratidza kupandukira, zvinokanganisa mafungiro evamwe, zvinosiya miviri yakashama kana kuratidza zviri mukati, kana kuti zvipfeko zvefashoni zvine mazita akakurumbira. Kuwedzera kune izvi, tinofanira kupfeka nenzira inoratidza ‘kutya Mwari.’ Izvozvo zvinotipa chimwe chinhu chokufunga nezvacho, handizvo here? Haisiri nyaya yokungopfeka zvakakodzera pakupinda misangano yeungano chete [kana kuti purogiramu dzekokorodzano] asi tichipfeka zvine uyanga pane dzimwe nguva. Chitarisiko chedu nguva dzose chinofanira kuratidza mafungiro okuremekedza, uye orukudzo nokuti tiri vaKristu nevashumiri maawa 24 pazuva.”—1 Tim. 2:9, 10.

8 Tinofanira kupfeka zvine mwero uye zvine rukudzo. Kana chitarisiko chedu nomufambiro zvichigara zvichiratidza kutenda kwedu muna Mwari, hatizombonzwi tiine mutoro wokurega kupupurira zvisina kurongwa nokuti chitarisiko chedu pachedu chinenge chisina kunaka.—1 Pet. 3:15.

9. Pauro akabudirira zvakadini pakupupurira muRoma?

9 Kupupurira Zvisina Kurongwa Kunobereka Zvibereko: Mumakore maviri ayo Pauro aiva akasungwa achigara mumba muRoma, akaona migumisiro yakanaka yokuedza kwake kupupurira. Ruka akashuma kuti “vamwe vakatanga kutenda zvinhu zvakataurwa.” (Mab. 28:24) Pauro pachake akayera kubudirira kwo‘kupupurira kwazvo’ kwaakaita paakanyora kuti: “Zvakaitika kwandiri zvakafambisira mberi mashoko akanaka panzvimbo pokuadzosera shure, zvokuti zvisungo zvangu pamusoro paKristu zvakazivikanwa pakati peVarindi vose voMuzinda waMambo nevamwe vose; uye dzakawanda dzehama munaShe, dzichinzwa dzine chivimbo nemhaka yezvisungo zvangu zvomujeri, dziri kutonyanya kuratidza ushingi kuti dzitaure shoko raMwari dzisingatyi.”—VaF. 1:12-14.

10. Mumwe murume nomudzimai wake vakabudirira sei pakupupurira gore rapera?

10 Gore rapera, pashure pokuswera pakokorodzano yoruwa, mumwe murume nomudzimai wake vakava nechiitiko chinobudirira chokupupurira zvisina kurongwa hweta wechikadzi uyo akavabvunza nezvemabheji avo ekokorodzano. Vakamuudza nezvekokorodzano uyewo nezvetariro ine Bhaibheri nokuda kweremangwana revanhu. Vakamupa turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? vakabva vatsanangura urongwa hwokudzidza Bhaibheri pachena. Mukadzi wacho akati aida mumwe munhu kuti amushanyire, akanyora zita rake nekero kuseri kweturakiti racho, ndokukumbira vaviri ava kuti vaite zvirongwa zvacho. Ungabudirira zvakadini gore rino nokuva anoshingaira ‘kupupurira kwazvo’?

11. Tinofanira kuva nounhu hwakadini kuti tirambe tichiparidza mashoko akanaka gore rino noku‘pupurira kwazvo’?

11 Ramba Uchiparidza Kwazvo Mashoko Akanaka: Fungidzira kuti Pauro akafara zvakadini paakanzwa kuti vamwe vaKristu vakanga vachitevedzera muenzaniso wake wokushingaira! Ngatiitei zvose zvatingagona kuramba tichiparidza mashoko akanaka nokupupurira zvisina kurongwa pamusoro pezvatinotenda zviri muBhaibheri sezvatinobatsirwawo nekokorodzano yoruwa yegore rino.

[Bhokisi riri papeji 4]

Mabhuku Anodiwa Pakupupurira Zvisina Kurongwa

■ Ungada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? (turakiti)

■ Mwari Anodei Kwatiri? (bhurocha)

■ Good News for All Nations (kabhuku)

■ Mamwe mabhuku anokosha

[Bhokisi riri papeji 5]

Musavakanganwa!

Kukanganwa vanaani? Vanofarira vose vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu kana kuti hurukuro inokosha. Takavakoka kuti vapinde kokorodzano yoruwa yegore rino here? Zvichida vakawanda vavo vangapinda, kana vakakurudzirwa nomutsa. Sezvavanonakidzwa noushamwaridzani hunokurudzira pakokorodzano uye purogiramu inokurudzira yokunamata, vachaswededzwa pedyo naJehovha uye nesangano rake. Wadii kuvakoka ndokuona zvinoitika? Vaudze zvose zvavanoda, kusanganisira misi yekokorodzano, mafambiro acho okuenda kunzvimbo yekokorodzano, nguva yokutanga neyokuguma kwepurogiramu dzacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe