RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/94 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 9/94 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achashandiswa mukati maSeptember: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$23,00. (Chinyorwa chiduku: $12,00.) October: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi naMukai! kwegore rimwe pa$38,00 kumwe kana kuti $19,00 nokuda kwemwedzi mitanhatu. (Mukai! yeShona neChicheŵa inoita $19,00 kwegore). November: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$8,00. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama nokuda kwe$23,00 rimwe.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu akasarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana September 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure paikoko. Itai chiziviso kuungano apo ikoku kunenge kwaitwa.

◼ Vaparidzi vanoronga kubatira samapiyona ebetsero muna October vanofanira kupinza kumbiriso dzavo nokukurumidza. Ikoku kuchabvumira vakuru kuita gadziriro dziri madikanwa nokuda kwemabhuku nendima.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuita mirayiridzo yakapiwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, nezvevanhu vapi navapi vakadzingwa kana kuti vakabviswa musonganiro avo vangada kudzorerwa.

◼ Kubetsera Panzvimbo Yokuvaka yeSosaiti: Vose avo vanoshuva kubetsera neiri basa kwourefu hupi nohupi hwenguva vanofanira kuzadza fomu re“Construction Application” ndokuita kuti risainwe neDare ravo reBasa. Fomu rakasainwa rinofanira kutumirwa kuSosaiti pamberi zvikuru muparidzi wacho asati aronga kuva panzvimbo yedu yokuvaka kuzobetsera nebasa.

◼ Munhu ari wose anosonganirana neungano anofanira kutumira kuzvinyoresa kutsva nokwokumutsidzira, kwose kweNharireyomurindi naMukai! kubatanidza kuzvinyoresa kwomunhu oga, kupfurikidza neungano.

◼ Sosaiti haiiti odha dzamabhuku dzavaparidzi vamwe navamwe. Avo vanoshuva chinhu chakati vangazivisa mubatiri wamabhuku uyo achabatanidza nokukurumidza muodha yamabhuku yeungano yomwedzi nomwedzi. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga chiziviso mwedzi mumwe nomumwe odha yamabhuku isati yatumirwa kuSosaiti kuitira kuti vose vanofarira kuwana mabhuku omunhu oga vazivise hama inotarisira mabhuku.

◼ Sosaiti iri kuronga chimwe Chikoro cheBasa roUpiyona mumatunhu ose muZimbabwe. Munyika yose, misi yechikoro ichava October 3-14, 1994. Vatariri vanotungamirira vanofanira kuva nechokwadi chokuti vanozivisa mapiyona ose anokwanirisa nezvemisi, nzvimbo nedzimwe tsamba dzipi nedzipi dzinobva kumutariri wedunhu dzinopa nhungamiro pamusoro pegadziriro dzechikoro. Kwakashumwa kuti munguva dzakapfuura vamwe vatariri vanotungamirira havana kupfuudzira mashoko akadaro kuna avo vangakwanirisa. Tine chokwadi chokuti ichi chiziviso chapiwa pedyo nenguva yechikoro chichayeuchidza vatariri vanotungamirira nezvemutoro wavo kugadziriro dzechikoro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe