RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/94 p. 3
  • Kudzokera Kuchikoro Zvakare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokera Kuchikoro Zvakare
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Pwere—Shandisai Mukana Wokuva Kwenyu Kuchikoro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mwana Wako Anofanira Kuenda Kuchikoro Chebhodhingi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Vana Vechikoro Zvapupu Vanorumbidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Pwere dzechiKristu—Ivai Vakasimba Mukutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 9/94 p. 3

Kudzokera Kuchikoro Zvakare

1 Mumwedzi waSeptember, vanhu vedu vaduku vari kubatanidzwa muchikoro zvakare. Pane zvinhu zvinofarikanywa zvokukarira, asika panewo zvinhu zvishomanene zvinogona kuparira rutyo. Dzimwe pwere dzingagoverwa kuvadzidzisi vakasiyana. Vanhu vedu vaduku vanoda kuva vanobatira pamwe nezviremera zvechikoro nokuva noushamwari navadzidzi biyavo, asi vanofanira kuyeuka kuti vanofanira kudzivisa chinhu chipi nechipi chingagona kuva chinokuvadza mumudzimu.—1 VaK. 15:33.

2 Itiro hanya huru nokuda kwevana Zvapupu nepwere kudzivisa pesvedzero inoshatsa yenyika, iyo yakatekeshera mumasangano edzidzo munyika dzakawanda nhasi. VaKristu vaduku navakuru vanofanira kuva noushingi mukuramba mipimo yenyika nokufunga izvo zvino zviri kusimudzirwa pamusoro penhau dzetsika, uye vanofanira ‘kuramba vakarinda’ kupfurikidza nokutsvaka zano uye kutungamirirwa neShoko raJehovha. (Pis. 119:9) Vabereki vanoitira hanya vanofanira kuziva pamusoro pezvinobatanidzwa muzvinodzidzwa zvechikoro kuti vape nhungamiro yakakodzera kuvana vavo. Kana chinodzidziswa muchikoro kana kuti kumwewo zvako chichirwisana noutsvene uye rucheno zvinodikanwa kuvabatiri vaJehovha, chinofanira kudziviswa.—1 Pet. 1:15, 16.

3 Kunozivikanwa navose zvikuru kunangana nenhau dzinobatanidza mitambo yourudzi, kuchengetwa kwamazororo, mibato yemitambo, kana kuti kuungana kwokutandara. Bhurocha raSchool and Jehovah’s Witnesses rinobetsera kupwere dzechiKristu pamusoro penhau idzodzi. Migariro yakaoma inobvira ingakurirwa kana kuti kuderedzwa apo vabereki vevana vaduku vanotanga kusvika vadzidzisi nekopi yechinyorwa ichochi. Ivo vanogona kutsanangura kuti ichochi chichabetsera mudzidzisi kunzwisisa chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichisarudza kusatora rutivi mumibato yakati kuti. Kuita kuti mashoko iwaya awanike kumudzidzisi kunogona kuita zvakawanda kuparira mudzimu webatira pamwe.

4 Mukuwedzera, kwaizova kwakanaka kuti vadzidzi vechiKristu vachengete kopi yomunhu oga yebhurocha raSchool pamwe chete namabhuku avo okufunda kuchikoro. Mikana inowanzomuka yokupa uchapupu kuna vamwe vadzidzi vanobvunza mibvunzo apo ngwariro inonangidzirwa pazvitendero zvedu. Uyewo, vana Zvapupu vanofanira nguva dzose kuva nekadhi ravo reAdvance Medical Directive/Release kana kuti Identity Card rinowirirana nomusi, rakapupurirwa zvakafanira, uye rakasainwa. Avo vanoshandisa iri zano zvirokwazvo vachava vakafanana na‘akangwara akaona ngwavaira ndokupfuurira kuzvivanza amene.’—Zvir. 22:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe