Chikoro Chebasa Roupiyona cha 1994
1 Sezvakadudzwa muchinyorwa chomwedzi wapera choUshumiri Hwedu hwoUmambo, mapiyona ave achibatira kwemwedzi isiri pasi pe 12 achapinda Chikoro chawo cheBasa Roupiyona kubvira pana October 3-14, 1994. Mubvunzo wakamutswa pamusoro pokuti zvokudya nenzvimbo yokugara zvinotarisirwa sei nokuda kwechikoro.
2 Sosaiti yakarayira vatariri vamatunhu kuita gadziriro dzakadaro kupfurikidza neungano dzomunzvimbomo. Kunodavirwa kuti ungano inoshandisa Horo yoUmambo uko chikoro chichaitirwa ichakurangarira kuva ropafadzo kupa mipiro inofukidza ndyiko dzezvokudya zvamapiyona. Kana ungano mbiri kana kuti dzinopfuura dzichigoverana Horo yoUmambo, vaparidzi vemuungano dzose dzinoshandisa horo yacho pasina pokanidzo vachada kupa mipiro yendyiko idzodzi.
3 Kwakafanana nepokugara; Sosaiti ine chivimbo chokuti hama nehanzvadzi vomunzvimbomo vachafara kuwanira nzvimbo mumisha yavo ava varume navakadzi vanoshanda zvakaoma avo vanozvishandisa vamene nokuda kwefariro dzoUmambo. (VaH. 13:1, 2) Sokuratidza kwe“chidakadaka [chavo] chouhama,” vachada “kutevera nzira yorupo.” (2 Pet. 1:7, 8; VaR. 12:13, NW) Chokwadika, kuva nomwero kunofanira kutekeshera uye hakuna piyona anofanira kufarira “kurarama kwoumbozha” uye haafaniriwo kukarira kubatwa nenzira yechienzi, chaiyo nehama dzake.—2 Pet. 2:13.
4 Chikomborero chaJehovha ngachive paungano dzose napavanhu vamwe navamwe vanopa mipiro nokuda kwokubudirira kweChikoro Chebasa Roupiyona cha 1994.—Zvir. 10:22.