RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/94 p. 7
  • Kushandisa Bhurocha Idzva Nenzira Inobudirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Bhurocha Idzva Nenzira Inobudirira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Betsera Vamwe Kuwana Nyaradzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Nyaradza Vari Kuchema
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 10/94 p. 7

Kushandisa Bhurocha Idzva Nenzira Inobudirira

1 Takafara zvikuru kugamuchira bhurocha idzva raApo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, pakokorodzano yedu yoruwa yemisi ichangobva kupfuura. Rinofanira kufadza vanhu vamamirire ose oupenyu, sezvo vakawanda kwazvo vakachema kurasikirwa nomudiwa. Mapikicha aro anoyevedza nemifanikiso zvinofanira kuriita rive nyore kugovera. Papeji 29 mufanikiso unoorora waRazaro achimutswa kuvakafa unoratidza “chishuvo chakasimba [chaJesu] chokuchinja kuparadza kworufu.” Mufanikiso unotevera wakazadza peji unoratidza chiono chinofadza chorumuko munyika itsva. Ikoku kunofanira kuva kunofadza sei mwoyo yavanochema!

2 Bhurocha irori rinogona kuva betsero huru mukunyaradza vanofirwa. Rakarongedzererwa kurukurirano yokutaurirana. Mibvunzo yokubudisa mapfundo makuru inooneka mubhokisi kumugumo wechikamu chimwe nechimwe panzvimbo pepasi pepeji imwe neimwe. Unogona kushandisa “Mibvunzo Yokurangarira” iyoyi munzira ipi kana ipi yaunofunga kuti ichava yebetsero zvikurusa kumudzidzi wako.

3 Pakuita shanyo, iva anosarudza mukukurukura mapfundo anowanika mubhurocha racho. Ungarangarira kuti kwaizova kwakafanira kuratidza ndaza yezviri mukati papeji 2 ndokubvunza saimba kusarudza inomufadza. Ziva zvinodikanwa zvomunhu mumwe nomumwe. Ita kuti ataure mirangariro yake, uye ipapo ratidza nzira iyo bhurocha racho rinopa nayo nyaradzo. Chikamu chimwe nechimwe chinoshandisa magwaro eBhaibheri akaringana anopa hwaro hwetariro yedu.

4 Musoro muduku uri papeji 5 unoti, “Kune Tariro Chaiyoiyo,” unosimbisa tariro inonyaradza yakavakirwa paBhaibheri yavakafa. Iwowu unofanira kunyandura kuda kurukurirano ye“Tariro Ine Chokwadi Yavakafa,” unowanika papeji 26-31. Bhokisi riri papeji 27 rinopa mamwe “Magwaro Anonyaradza.” Saimba anochema achakurumidza kuona kuti zvirokwazvo Jehovha ndi“Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaK. 1:3-7.

5 Nenzira yokungwarira pakutaura, zviri pakati zvinofukidza kuita kwakasiyana-siyana kurufu rwomudiwa. Zvinoratidza nzira yokugonana nayo nokusuruvara uye nzira iyo vamwe vanogona kubetsera nayo munguva dzakadaro dzinotambudza. Papeji 25 pane bhokisi rine musoro unoti “Kubetsera Vana Kubata Norufu.” Irori rinofanira kuva betsero chaiyoiyo kuvabereki vanofanira kugonana nechinetso ichochi.

6 Iva nekopi yomuraudzo, uye ishandise nokuda kwouchapupu hwamasanga. Ungada kushanyira misha yavanoviga vakafa yomunzvimbomo mundima yenyu kuti uone kana ingada kuva namakopi okunyaradza mhuri dzinofirwa. Kana ungasvika nenzira yokungwarira pakutaura vanochema mumakuva panhambo dzavanodzoka kuzoshanyira guva romudiwa.

7 Tinofara kuti Jehovah ndiMwari “unonyaradza vakaora mwoyo.” (2 VaK. 7:6) Tinokurangarira seropafadzo kuva negoverano mu‘kunyaradza ava vanochema.’—Isa. 61:2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe