RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/94 p. 2
  • Unoratidza Rudzii Rwomudzimu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoratidza Rudzii Rwomudzimu?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Kuti Ungano Irambe Iine Mafungiro Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Unoratidza Mafungiro Akaita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • “Pisai Nomudzimu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Paridza Mashoko Akanaka Omutsa Usina Kukodzera Kuwanwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 11/94 p. 2

Unoratidza Rudzii Rwomudzimu?

1 Pauro akagumisa tsamba yake kuungano muFiripi neiri zano: “Mutsa usakafanirwa waIshe Jesu Kristu ngauve nomudzimu wamunoratidza.” (VaF. 4:23, NW) Iye akavarumbidza nokuda kwokufarira kwavo kwechokwadi kuparidza mashoko akanaka pamwe chete neitiro hanya yavo youshamwari, yorudo nokuda kwegarikano yomumwe nomumwe.—VaF. 1:3-5; 4:15, 16.

2 Chinofanira kuva chishuvo chedu kuratidzira mudzimu mumwe chetewo muungano yedu. Apo vose vanoratidza shingairo, mutsa, uye kugamuchira vaenzi, ikoku kunoparira mudzimu uyo unooneka kuvacherekedzi. Mudzimu wakanaka nowerudo unounza chinzwano nefambiro mberi yomudzimu. (1 VaK. 1:10) Mudzimu wakashata unoparira kuora mwoyo nokusashingaira.—Zvak. 3:15, 16.

3 Vakuru Tungamirirai: Vakuru vane basa rokuchengeta mudzimu wakaisvonaka, wakanaka pakati pavo vamene uye mukati meungano yavo. Neiko? Nemhaka yokuti ungano inogona kupesvedzerwa nechimiro chavo chendangariro nomufambiro. Tinoonga kuva navakuru vanoshingaira mubasa romumunda, avo vanotikwazisa nenyemwerero youshamwari neshoko romutsa, uye avo vari vakanaka navanovaka muzano ravo, kana richipiwa pachivande kana kuti pachikuva.—VaH. 13:7.

4 Chokwadika, tose zvedu tinofanira kuita rutivi rwedu kuita kuti ungano ive ine ushamwari, ine mutsa, inoshingaira, uye inorangarira zvinhu zvomudzimu. Somunhu mumwe nomumwe, tinogona kuratidza ushamwari norudo musonganiro yedu navamwe. (1 VaK. 16:14) Hakufaniri kuva nemitsaukano yezera, dzinza, dzidzo, kana kuti mamirire ezvemari pakati pedu. (Enzanisa naVaEfeso 2:21.) Nemhaka yetariro yedu, tinogona kuratidzira mudzimu womufaro, mutsa worupo, uye shingairo muushumiri.—VaR. 12:13; VaK. 3:22, 23.

5 Vose avo vanosonganira nesu, kubatanidza vanhu vatsva, vanofanira kuitwa kuti vanzwe vachigamuchirwa uye kunzwa rudo nokuzvipira zvouhama. Kupfurikidza noushumiri hwedu uye kupfurikidza nokuratidzira mavara akaisvonaka echiKristu, tinopa ufakazi hwokuti ungano i“mbiru nechitsigiro chezvokwadi.” (1 Tim. 3:15) Tinowanawo chengeteko yomudzimu kupfurikidza no“rugare rwaMwari” urwo runorinda mwoyo yedu namasimba endangariro. (VaF. 4:6, 7) Tose zvedu ngativavarire nenzira yokushingaira kuratidza rudzi rwomudzimu urwo ruchativimbisa kufarikanya mutsa usakafanirwa waJehovha kupfurikidza naIshe Jesu Kristu.—2 Tim. 4:22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe