Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maNovember: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? nokuda kwe$8,00. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama nokuda kwe$23,00. Kana musina ichi chinyorwa mudura, shandisai Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$23,00 rimwe. January: Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? kana kuti Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda woRugare” nokuda kwe$8,00. Kana ungano dzine mabhuku api naapi amapeji 192 akabudiswa 1982 asati asvika ane mapepa orudzi rwakaderera anoita yero, iwaya angagoverwa pamutengo wakaderera we$4,00. (Ikoku kunoshanda kuvose vari vaviri vaparidzi namapiyona.) Ungano dzingakumbira kubvisirwa chikwereti nokuda kwaaya mabhuku paS-20 radzo pakupera kwaJanuary. February: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$23,00 (chinyorwa chiduku: $12,00). Kugoverwa kweiri bhuku kunofanira kuteverwa neshanyo dzedzokerero, uye nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokutanga fundo dzeBhaibheri.
◼ Zvikoro zviri kupfiga pana December 1, gore rino. Tinokurudzira vana vose vechikoro kuronga nokuda kwebasa roupiyona nokuda kwouyu mwedzi wakazara mukati maDecember. Tinokurudzira vose vanogona kukuita kurangarira basa roupiyona ndokushandisa nokuchenjera aya mazororo enyika. Tapota yeukai kupinza mushumo wenyu panguva kana muri kuronga kuenda kune imwe nzvimbo mwedzi usati wapera.