RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/94 p. 8
  • Vakurudzire Kuva Vateveri Vake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakurudzire Kuva Vateveri Vake
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Koka Vamwe Kuti Vatevere Munhu Mukurusa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Zivo Inobva Kuna Mwari Inopindura Mibvunzo Yakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • “Ikoku Kunoreva Upenyu Husingaperi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 12/94 p. 8

Vakurudzire Kuva Vateveri Vake

1 Pana 1 VaKorinte 3:6, Pauro akanyora, kuti: “Ini ndakasima, Aporo wakadiridza; asi Mwari wakameresa.” Pauro akashandisa uku kurangarira kubetsera hama dzake kuona dikanwo yokushanda nenzira yokubatana muumusoro hwaKristu. Neiyi nzira iye akavabetserawo kunzwisisa rutivi runokosha rwavakaita mubasa rinokosha rokusima nokudiridza.

2 Basa iroro rinoponesa upenyu richagumiswa muzuva rino rimene. SavaKristu vakazvitsaurira, tinogoverana basa rakakomba rokubetsera vamwe kuva vateveri vaJesu. (Mabasa 13:48) Iwe uchadzokerera sei fariro yawakakwanisa kunyandura kupfurikidza nokushandisa bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama?

3 Kana uchidzokera kundoshanyira munhu akagamuchira bhuku racho, ungagona kuti:

◼ “Apo takapedzisira kutaura, takakurukura zvakanga zvakaita Jesu Kristu somunhu. Ndakafara kukusiyirai bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Chii chakakuororai zvikurusa pamusoro pokudzidzisa kwaJesu napamusoro pounhu hwake?” Bvumira mhinduro. Tendeukira kuganhuro 113, uye kurukura muenzaniso wakaisvonaka waJesu wokuzvininipisa. Rava VaFiripi 2:8 kuratidza nzira iyo muapostora Pauro akarangarira nayo chimiro chendangariro chokuzvininipisa chaJesu. Ipapo ungagona kutsanangura nzira iyo zvakawanda zvinogona kudzidzwa nayo kupfurikidza nefundo yenguva dzose yeBhaibheri.

4 Ungada hako sumo iyi:

◼ “Takataura pamusoro pezvinhu izvo Jesu akaita ari pasi pano zvinoratidza kuti anotiitira hanya zvirokwazvo. Munofunga kuti achaitei pakupedzisira kunyaradza avo vakatambura zvikuru kwazvo?” Bvumira mhinduro. Tendeukira kuganhuro 133, uye kuhwirudzura tsinhiro dziri mundima yechishanu. Tendeukira kumufanikiso uri papeji inotevera, uye tsanangura zvakuchave kwakaita apo kuda kwaMwari kunoitwa pasi pano sezvakunoitwa mudenga. Onesa betsero dzichawanika kupfurikidza nokudzidza zvakawanda.

5 Kana munhu wacho akanga asina mari yebhuku racho asi akaratidza fariro, ungagona kutanga kurukurirano yako neiyi nzira:

◼ “Ndinofunga kuti tose tiri vaviri tinobvuma kuti vanhu vakawanda nhasi vanoita kuti upenyu hwavo hutevedzere mumwe munhu wavanorangarira kuva muenzaniso wavo wokutevedzera. Jesu Kristu muenzaniso wokutevedzera wakanakisisa uyo ani naani angagona kuva nawo. Ndingada kugoverana nemi chidzidzo chinokosha zvikuru chandakadzidza kupfurikidza nokufunda muenzaniso wakagadzwa naJesu. [Tendeukira kuganhuro 40 mubhuku raMunhu Mukurusa, uye rereudzira ngwariro kuchidzidzo chomutsa chaJesu pamusoro pengoni.] Ichochi chakandiyeuchidza zvakasimba kuti ndinofanira kuratidzira iri vara kuvamwe zvikuru sei.” Rava Mateo 5:7. Ungagona kugovera bhuku racho kana kuti bhurocha raMwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?

6 Kana kuti ungada kuedza uku kusvika kwakananga:

◼ “Nguva yokupedzisira yandakanga ndiri pano, takakurukura kukosha kwokuwana zivo pamusoro paJesu. Johane 17:3 inotaura kuti kuno‘reva upenyu husingaperi’ kupinza zivo yakadaro. Tinogona sei kudaro?” Bvumira mhinduro. Pfuurira kupfurikidza nokutsanangura gadziriro yedu yefundo yeBhaibheri uye nzira yokuishandisa nayo.

7 Pauro anotaura kuti mushandi mukukohwa “uchapiwa mubayiro wake, sezvaakabata.” (1 VaK. 3:8) Kana tikazvishandisa timene nesimba mukubatsira vamwe kuva vateveri vaJesu, mubayiro wedu une chokwadi chokuva mukuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe