Koka Vamwe Kuti Vatevere Munhu Mukurusa
1 Sezvakanyorwa pana Mateo 5:14, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Muri chiedza chenyika.” Vateveri vaJesu vaifanira kuudza vanhu kunzvimbo iri yose pamusoro poUmambo hwaJehovha negadziriro Yake yorudo yoruponeso kupfurikidza naJesu. Tichirangarira basa iroro, mukati momwedzi waDecember tinotarisira mberi kukugovera bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Hezvino zvikarakadzo zvakati zvaungada kushandisa.
2 Pashure pokuzvisuma umene, ungaisa zvinotevera mumashoko ako umene:
◼ “Vakawanda vakashamisika kuti Jesu akanga akaita sei apo akararama somunhu papasi rino. Munofunga kuti akanga akasiyana navamwe munzirai? [Bvumira mhinduro.] Bhuku rino rinofadza, Munhu Mukurusa Ati Amborarama, rinorondedzera mapfundo makuru oupenyu hwake noushumiri, uye rinogovera nzwisiso pamusoro porudzi rwomunhu rwaakanga ari. Pashure pokurirava, vamwe vanonzwa sokunge vakava nomukana wokusonganirana naye pachake, kugoverana kutambura kwake, uye kuzvicherekedzera vamene ushumiri hwake.” Nongedzera kumufanikiso wokutanga uri mubhuku racho, unosimbisa musoro. Ipapo tendeukira kusumo, uye rava ndima yechipiri pasi pomusoro muduku unoti, “Betserwa Nokudzidza Pamusoro Pake.” Govera bhuku racho.
3 Kana kuti ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Mukati menguva ino vanhu vari kufunga pamusoro paJesu. Zvisinei, nemhaka yokuti zvinhu zvakaipa zvakawanda kwazvo zviri kuitika munyika yose, vamwe vangashamisika kana Jesu achitiitira hanya zvomenemene. Imi munorangarira sei pamusoro paikoko?” Bvumira mhinduro. Tendeukira kuganhuro 24 yebhuku raMunhu Mukurusa, uye kurukura nokupfupikisa chikonzero nei Jesu akauya kupasi. Ipapo rava Johane 15:13, uchisimbisa rudo rwomwoyo wose rwaJesu nokuda kwavamwe. Yeuka kuva namagazini azvino uno, bhurocha, kana kuti turakiti rakafanira rinowanika rokugovera kana bhuku racho risina kubvumwa.
4 Hechino chimwe chikarakadzo:
◼ “Vanhu vaduku vazhinjisa vanotsvaka mienzaniso yokutevedzera, asika yakanaka yakaoma kuwana. Jesu Kristu akagadza muenzaniso wakakwana nokuda kwomunhu ari wose. [Rava 1 Petro 2:21.] Upenyu hwake hwose hwakanga hwakanangidzirwa pakunamatwa kwaBaba vake vokudenga. Munofunga kuti kwaizova kwakadini kudai vanhu vakawanda zvikuru vakaedza kuva vakafanana naye?” Bvumira mhinduro. Nongedzera kundima yechitatu iri papeji iri pedyo neyokupedzisira yebhuku racho, iyo inorondedzera mavara ake chaiwo. Tsanangura nzira iyo bhuku raMunhu Mukurusa rinogona kubetsera nayo tose zvedu kuti tive vaKristu vari nani.
5 Ungada kushandisa chimwe chinhu chakafanana neichi:
◼ “Apo mumwe munhu anodudza Jesu Kristu, vanhu vakawanda vanofunga nezvake somwana kana kuti zvimwe somurume anotambura ava kudokufa. Murangariro wavo pamusoro paJesu unobatanidza bedzi kuberekwa kwake norufu rwake. Zvinhu zvinoshamisa zvaakataura nokuita mukati menduramo yake zvinowanzova zvisingacherechedzwi. Zvaakaita zvinotapura munhu ari wose ati amborarama pasi pano. Ndicho chikonzero nei kuchikosha kuti tidzidze zvakawanda zvikuru sezvatinogona pamusoro pezvinhu zvinoshamisa zvaakatiitira.” Rava Johane 17:3. Tendeukira kupeji yokutanga yesumo yebhuku raMunhu Mukurusa, uye rava ndima yechina. Govera bhuku racho nokuda kwe$15,00.
6 Iva nechokwadi chokuchengeta chinyorwa chefariro nezvinogoverwa kuitira kuti ugogona kudzokera kupfurikidza nokuita shanyo dzedzokerero. Nguva ichiripo, ngatitsvakei nokushingaira vanhu vane mwoyo yakatendeseka ndokuvabetsera kuva vateveri voMuponesi wedu, Jesu Kristu.—Mat. 16:24.