RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/95 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 2/95 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achashandiswa mukati maFebruary: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano nokuda kwe$15,00 (chinyorwa chiduku: $7,50). Kugoverwa kweiri bhuku kunofanira kuteverwa neshanyo dzedzokerero, uye nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokutanga fundo dzeBhaibheri. March: Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda nokuda kwe$7,50 kana kuti Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! nokuda kwe$15,00. April naMay: Kuzvinyoresa kumagazini eNharireyomurindi neMukai! kwegore rimwe nokuda kwe$25,00 kana kuti kwemwedzi mitanhatu nokuda kwe$12,50. (Mukai! inoita $12,50 pagore). CHEREKEDZAI: Ungano dzichigere kuodha zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuita saizvozvo paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.

◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuhwirudzura mubato wamapiyona ose enguva dzose. Kana vapi navapi vari kuva nechinetso chokusvitsa chinodikanwa chamaawa, vakuru vanofanira kuronga kuti betsero ipiwe. Nokuda kwezvikarakadzo, hwirudzurai tsamba dzeSosaiti (S-201) dzaOctober 1, 1993, uye October 1, 1992. Uyewo, onai ndima 12-20 dzewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1986.

◼ Kuchengetwa kweChirangaridzo kuchaitwa paChishanu, April 14, 1995. Kunyange zvazvo hurukuro ingakurumidza kutanga, tapota yeukai kuti kufambiswa kwechingwa newaini zveChirangaridzo hakufaniri kutanga kusvikira pashure pokunyura kwezuva. Nzverai namanyuko omunzvimbomo kuti muzive nguva apo zuva rinonyura munharaunda yenyu. Hapana misangano kunze kwebasa romumunda inofanira kuitwa pamusi iwoyo. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano paChishanu, mungada kuchinjira iyoyo pane rimwe zuva revhiki kana Horo yoUmambo ichiwanika.

◼ Pamugumo wemisangano yeungano pamwe chete nepurogiramu dzemagungano edunhu neezuva chairo regungano pana April 23, 1995, chiziviso chichaitwa pamusoro pebasa chairo richatanga rokuparadzira kwakafara turakiti ramapeji mana rine mashoko akakodzera nguva. Vaparidzi vachakurudzirwa kupa ngwariro chaiyo kuvanhu vane mwoyo yakatendeseka vanorangarira zvakakomba zvinetso zvinovhiringidza zvavakatarisana nazvo uye avo vanotsvaka nhungamiro yakavimbika. Muparidzi ari wose, kubatanidza vanhu vatsva avo vachatanga basa romumunda mukati maMarch, April naMay, vachada kutora rutivi zvizere ndokupa tsigiro kuiyi nhimbe chaiyo.

◼ Vaparidzi vanoshuva kubatira samapiyona ebetsero muna March, April, uye May vanofanira kuita rongedzero dzavo zvino ndokupinza kumbiriso yavo nokukurumidza. Ikoku kuchabetsera vakuru kuita gadziriro dzebasa romumunda dziri madikanwa ndokuva namabhuku akakwana.

◼ Ungano dzinokurudzirwa kusashandisa emvuropo dzebhuruu dzinogoverwa neSosaiti uye dzakadhindwa kuti “COMMITTEE” pakona rokumusoro rokuruoko rworudyi nokuda kwechikonzero chipi nechipi kunze kwenhau dzokutonga kana kuti kudzorerwa. Hakuna dzimwe tsamba dzeungano dzinofanira kutumirwa muchishandisa idzi emvuropo. Ngwariro yenyu pazviri pamusoro apa ichaongwa.

◼ Apo ungano dzinogamuchira mafomu eS-206 asina kuzadzwa pashure pokutumira rumbidzo dzokubviswa kwapiyona wenguva dzose, tapota REGAI kuzadza mafomu acho zvakare nokuda kwomunhu mumwe cheteyo. Tiri kutumira mafomu asina kuzadzwa iwayo kuti ungano dzichengete nokuda kwokushandisa kwomunguva yemberi apo kudikanwa kunomuka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe