Kubetserwa Nehurukuro Dzavose Dzakahwirudzurwa
1 Nhau yazvino uno yeZvapupu zvaJehovha inorondedzerwa nenzira yakarurama mumashoko aZvirevo 4:18: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”
2 Maererano naikoku, ungano yechiKristu inopfuurira kugamuchira kujekeswa kwamashoko kunowirirana nenguva uye nomusi pamusoro pedzidziso dzeBhaibheri. (Mat. 24:45-47) Pasina kupokana unogona kurondedzera mienzaniso yaikoku yawakacherekedza kubvira pawakavamba kusonganira neZvapupu zvaJehovha. Misangano yeungano, kubatanidza hurukuro dzavose, inotibetsera kuvambirana nechiedza chinowedzera chezvokwadi.
3 Ndaza Dzakahwirudzurwa: Misi ichangobva kupfuura, Sosaiti yakawiriranisa nomusi ndaza dzakati kuti dzehurukuro dzavose. Mashoko matsva akapinzwamo, uye mapfundo anokosha akajekeswa. Kana ungano ichizogamuchira betsero yakazara yamashoko iwaya akawiriraniswa nomusi, hama dzinopa hurukuro dzavose dzinofanira kushandisa bedzi ndaza dzazvino uno zvikuru.
4 Kuitira kuwana zvakawandisa kubva muhurukuro dzavose, rangarira misoro yehurukuro dzichapiwa. Usati wapinda Musangano Wavose, edza kuyeuka mashoko azvino uno anobva mumanyuko oubati ushe hwaMwari panhau yacho. Ipapo, uchiteerera, karira kukudziridzwa kwamashoko iwaya. Cherekedza nzira itsva dzipi nedzipi dzokupa nadzo zvokwadi idzodzi nokuda kwokushandiswa kwomunguva yemberi. Ikoku kunovimbisa kuti uchawana betsero hurusa muhurukuro dzavose dzakahwirudzurwa.
5 Hurukuro Dzavose Dzinofanira Kurayiridza Uyewo Kusunda Vateereri: Apo Jesu aitaura, aisvika mwoyo yavateereri vake. Pamhedziso yeMharidzo yapaGomo yaJesu, hurukuro yavose yakakurumbira zvikurusa yati yambopiwa, Mateo 7:28 inoshuma: “Vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake.”
6 Ichirangarira muenzaniso waJesu, mitumbi yavakuru inofanira kushandisa uchenjeri mukubvumira vakurukuri vapachena vatsva, ichigovera bedzi hama dziri vadzidzisi vakaisvonaka, vachasanoomerera kundaza dzeSosaiti, uye vanokwanisa kubata ngwariro yavateereri. Hama dzinogoverwa ropafadzo yokupa hurukuro dzavose dzinofanira kuvavarira nguva dzose kuvandudza mano adzo okutaura, dzichigamuchira zano ripi neripi nezvikarakadzo zvinogamuchirwa zvichibva kuvakuru.
7 Sezvakafanotaurwa pana Isaya 65:13, 14, budiriro yomudzimu yavanhu vaMwari inopfuurira kuva pachena zvikuru. Gadziriro yehurukuro dzavose imwe yenzira zhinji dzatino“dzidziswa naJehovha” nadzo.—Isaya 54:13.