Chiitiko Chinokosha Zvikurusa Munhau Yavanhu
1 Jesu akauya kupasi mukurayira kwaBaba vake kuzopupura zvokwadi iyo yaizotitungamirira kuupenyu husingaperi. (Joh. 18:37) Kutendeka kwake kusvikira kurufu kwakaunza rukudzo kuna Jehovha, kwakatsvenesa zita raMwari, uye kwakagovera rudzikinuro. (Joh. 17:4, 6) Izvi ndizvo zvakaita kuti rufu rwaJesu ruve chiitiko chinokosha zvikurusa munhau yose yavanhu.
2 Chibviro chokusikwa kwaAdhama, kwakangova bedzi navarume vaviri vakakwana vakararama papasi rino. Adhama aikwanisa kuunza zvikomborero zvinoshamisa kuvana vake vasati vaberekwa. Panzvimbo pezvo, iye akapandukira noudyire, achivashurikidzira kukuvapo kusingafadzi kwaizoguma norufu. Apo Jesu akauya, akaratidza ruvimbiko rwakakwana nokuteerera, achizarura mukana woupenyu husingaperi kuavo vose vanoshandisa kutenda.—Joh. 3:16; VaR. 5:12.
3 Hapana chimwe chiitiko chingagona kuenzana norufu rwokuzvibayira rwaJesu. Rwakachinja nhau yavanhu. Rwakagovera hwaro hwokumutswa kwamabhiriyoni avanhu kubva kuvakafa. Rwakavanzarika hwaro nokuda kwoUmambo husingaperi uhwo hwaizogumisa uipi ndokuita kuti pasi rive paradhiso. Ruchasunungura pakupedzisira rudzi rwose rwavanhu kubva muchimiro chiri chose chedzvinyiriro nouranda.—Pis. 37:11; Mab. 24:15; VaR. 8:21, 22.
4 Izvi zvose zvinotibetsera kunzwisisa nei Jesu akarayira vadzidzi vake kurangarira rufu rwake nokuchengetwa kweChirangaridzo gore rimwe nerimwe. (Ruka 22:19) Tichinzwisisa revo yacho, tinokarira kuungana neungano dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose pashure pokunyura kwezuva pamusi weChishanu, April 14. Nguva iyoyo isati yasvika, kwaizova kwakanaka kurava pamwe chete semhuri nhoroondo dzeBhaibheri dzamazuva okupedzisira aJesu pasi pano nokutsigira kwake kwoushingi pazvokwadi. (Ndima dzakarumbidzwa dzakanyorwa pa 1995 Karenda yedu, April 9-14.) Akatigadzira mufananidzo mukuzvipira kuMusiki wedu. (1 Pet. 2:21) Ngatiitei unanisa hwedu kukokera shamwari dzedu nemhuri, uyewo fundo dzeBhaibheri navamwe vanhu vanofarira, pane uku kuungana kunokosha. Tsanangura pachine nguva mberi chichaitika uye revo yezviratidziro.—1 VaK. 11:23-26.
5 Vakuru vanofanira kuronga pachine nguva mberi kwazvo kuva nechokwadi chokuti Horo yoUmambo yakatsvinda uye yakachena. Rongedzero dzinofanira kuitwa kuti mumwe munhu awane zviratidziro. Kugoverwa kwezviratidziro kunofanira kuva kwakasanorongwa. Zvikarakadzo zvinobetsera pakuti tinogona kuratidzira sei ruremekedzo nokuda kweChidyo chaShe chaMadekwana zvakapiwa muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, peji 17. Kwaizova kwakakodzera chose kuti ungano dzironge nokuda kwemibato yebasa romumunda yakawedzerwa mukati mamazuva akati kuchengeta kusati kwaitwa uyewo mazuva mashomanene pashure pako.
6 Gore rakapera, hwerengedzo yevane 12 288 917 vaivapo munyika yose nokuda kwokurangarirwa kweichi chiitiko chinokosha. Sezvo riri zuva rinokosha zvikurusa pakarenda yedu, tose zvedu tinofanira kuvapo.