Chiyeuchidzo choMunyori noMutariri Webasa
Gore rimwe nerimwe chiziviso chomuchinyorwa chaFebruary choUshumiri Hwedu hwoUmambo chinorayira munyori nomutariri webasa ku“hwirudzura mubato wamapiyona ose enguva dzose.” Chii chiri chinangwa chouku kuhwirudzura? Ndechokusarudza vangada betsero yokusvitsa chinodikanwa chamaawa gore rebasa risati rapera.
Mapiyona enguva dzose anodikanirwa kupa maawa 1 000 gore rimwe nerimwe muushumiri. Panosvika mugumo waFebruary, mamwe mapiyona anowana kuti ava mumashure, uye ikoku kunogona kutungamirira kukuodzwa mwoyo. Kazhinji kazhinji vakuru vanogona kuva vanobetsera kumapiyona, vachivapa kurudziro uye zvikarakadzo zvinoshanda. Ikoku kunogona kuita musiyano pakati pamapiyona anosvitsa nenzira inobudirira zvinodikanwa zvavo nokuda kwegore kana kuti kubva pamutsara.
Zvirokwazvo mapiyona achaonga kuitira hanya kwapachokwadi kwavakuru muna ikoku. Ungano ichabetserwawo kupfurikidza nokuva namapiyona anofara muushumiri hwawo, achiomerera nenzira yokutendeka kumugove wavo.