Govera Nokushingaira Bhuku raKurarama Nokusingaperi
Kwaanopfuura makore gumi namatatu bhuku raKurarama Nokusingaperi rakabvumikisa kuva yamuro inokosha mubasa redu refundo yeBhaibheri. Gadziriro dzakaitwa kutsikirirawo chinyorwa chiduku cheiri bhuku rakaisvonaka kuchirangarirwa zvinodikanwa zvavanhu. Tine akawanda ari mudura eichi chinyorwa chiduku muHarare.
Uchafara kuziva kuti bhuku raKurarama Nokusingaperi richagoverwa mundima dzose mukati maJune kusvikira September. Simbiso chaiyo ichaiswa pachinyorwa chiduku kunyange zvazvo guru racho ringagoverwawo, kana rikasarudzwa.
Ungano dzinofanira kusarudza kuti dzinoda kuodha mabhuku akawanda sei kuitira kuti vaparidzi vose vave negoverano yakazara muichi chinogoverwa chaicho. Tapota tumirai maodha enyu izvozvi.
Kurudzirai vaparidzi kuchengeta zvinyorwa zvapaimba neimba zvakarurama kuitira kuti shanyo dzedzokerero dzine revo dzigogona kuitwa nomurangariro wokutanga fundo dzeBhaibheri.—Mat. 28:19.