Bhokisi Remibvunzo
◼ Ingwariroi inoda kupiwa midziyo yatinoshandisa mubasa rokupupura?
1 Kunyange zvazvo angave achirangarira mharidzo yapaMagwaro yakakodzera, muparidzi wamashoko akanaka angava asina kugadzirira pakunouya kumidziyo yaanoshandisa. Paanenge ari pasuo, angasava nechinogoverwa chamabhuku chazvino uno. Magazini, mabhurocha namaturakiti angava akawunyana kana kuti kubvaruka mubhegi make. Angave asingakwanisi kuwana penzura kana kuti chinyorwa chapaimba neimba nokuti bhegi rake harina kurongwa zvakafanira. Kunokosha kupa ngwariro yeitiro hanya kumidziyo yako usati wagoverana mubasa romumunda.
2 Zvinhui izvo bhegi rokupupura rakanyatsoshongedzerwa rinofanira kuva nazvo? Bhaibheri riri madikanwa. Batanidza mugove wezvinyorwa zvapaimba neimba. Iva nechokwadi chokuti une chinyorwa chiri kugoverwa nokuda kwemwedzi. Zvinyorwa zvazvino uno zvemagazini, uyewo maturakiti nemabhurocha, zvinodiwawo. Takura kopi yebhuku raKurangarira. Kuva neUshumiri Hwedu hwoUmambo hwazvino uno kuchakugonesa kuhwirudzura mharidzo dzakakarakadzwa usati waenda pasuo. Pakushanda mundima yaune bviro yokusangana navanhu vanotaura mutauro wokumwe, kwaizova kwakanaka kuva nebhukwana raGood News for All Nations. Kuva nekopi yechimwe chezvinyorwa zvedu zvakagadzirirwa vanhu vaduku kuchakubetsera kuva akagadzirira kutaura nevachiri kuyaruka.
3 Chinhu chose chinoshandiswa chinofanira kurongedzwa zvakanaka mubhegi. Bhegi rimene harifaniri kuva idzva, asi rinofanira kuva rakachena uye riri mumumiriro wakanaka. Bhegi rako rokupupura rutivi rwemidziyo yako yokushandisa mukuparidzira mashoko akanaka. Richengete riri murucheno rwakanaka.