RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/95 p. 2
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Maturakiti Pakuparadzira Mashoko Akanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Richiri Kutaridzika Zvakanaka Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • “Govera Magazini Yekare Kana Kuti Bhurocha Rine Nyaya Inofadza Saimba”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 3/95 p. 2

Bhokisi Remibvunzo

◼ Ingwariroi inoda kupiwa midziyo yatinoshandisa mubasa rokupupura?

1 Kunyange zvazvo angave achirangarira mharidzo yapaMagwaro yakakodzera, muparidzi wamashoko akanaka angava asina kugadzirira pakunouya kumidziyo yaanoshandisa. Paanenge ari pasuo, angasava nechinogoverwa chamabhuku chazvino uno. Magazini, mabhurocha namaturakiti angava akawunyana kana kuti kubvaruka mubhegi make. Angave asingakwanisi kuwana penzura kana kuti chinyorwa chapaimba neimba nokuti bhegi rake harina kurongwa zvakafanira. Kunokosha kupa ngwariro yeitiro hanya kumidziyo yako usati wagoverana mubasa romumunda.

2 Zvinhui izvo bhegi rokupupura rakanyatsoshongedzerwa rinofanira kuva nazvo? Bhaibheri riri madikanwa. Batanidza mugove wezvinyorwa zvapaimba neimba. Iva nechokwadi chokuti une chinyorwa chiri kugoverwa nokuda kwemwedzi. Zvinyorwa zvazvino uno zvemagazini, uyewo maturakiti nemabhurocha, zvinodiwawo. Takura kopi yebhuku raKurangarira. Kuva neUshumiri Hwedu hwoUmambo hwazvino uno kuchakugonesa kuhwirudzura mharidzo dzakakarakadzwa usati waenda pasuo. Pakushanda mundima yaune bviro yokusangana navanhu vanotaura mutauro wokumwe, kwaizova kwakanaka kuva nebhukwana raGood News for All Nations. Kuva nekopi yechimwe chezvinyorwa zvedu zvakagadzirirwa vanhu vaduku kuchakubetsera kuva akagadzirira kutaura nevachiri kuyaruka.

3 Chinhu chose chinoshandiswa chinofanira kurongedzwa zvakanaka mubhegi. Bhegi rimene harifaniri kuva idzva, asi rinofanira kuva rakachena uye riri mumumiriro wakanaka. Bhegi rako rokupupura rutivi rwemidziyo yako yokushandisa mukuparidzira mashoko akanaka. Richengete riri murucheno rwakanaka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe