RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/95 p. 1
  • Betseranai Kubatira Nguva Dzose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betseranai Kubatira Nguva Dzose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 9/95 p. 1

Betseranai Kubatira Nguva Dzose

1 Mubato womumunda wenguva dzose chiratidzo chesimba romudzimu. Zvisinei, apo mumwe anenge achirwara zvirongwa zvinokangaidzika, zvinhu hazvisati zvichizoitwa uye betsero inodikanwa.

2 Jehovha muenzaniso wakaisvonaka wokuva wenguva dzose mumibato yake yose. Iye anogovera zvinodikanwa zvedu zvomudzimu nezvokunyama nguva dzose. (Zvak. 22:2; Mat. 6:11) Kuvapo kwedu kumene kunotsamira pakurongeka kunowanikwa muchisiko chake uye, kunyange zvazvo tisingakodzerwi, iye haasati achitikanganwa asi ndewenguva dzose murudo rwake kwatiri.—Jak. 1:17.

3 Zvirokwazvo tinoonga betsero dzinobva mubasa rakadaro renguva dzose rinobva kuna Jehovha, hatidaro here? Kuonga kwakadaro kuchatisunda kuitawo nomutoo wakafanana kupfurikidza nokuwana nzvimbo muupenyu hwedu hwakabatikana yokumubatira nguva dzose, tisingaregi mwedzi uchipfuura tisina munzira ipi neipi kugoverana mukuparidza mashoko akanaka uye mukukushuma.

4 Panewo dikanwo, yokuti tibatsirane kuva venguva dzose mubasa, nokuti mishumo inoratidza kuti gore rapera vakawanda vakabvumira basa ravo romumunda kuva pakutanga risiri renguva dzose uye pakupedzisira vasingaiti basa. Kana pane vapi navapi muungano yenyu, unoziva kuti ndivanaani here? Asi, zvakakosha zvikuru, chii chinogona kuitwa kuvabetsera? Chokutanga chezvose, vakuru vanogona kutungamirira mukuvashanyira, sezvinobvira vachienda nevamwe vabatiri vanoshumira avo vangagona kudzokera nenzira inobudirira nebetsero yorudo. Somunhu mumwe nomumwe, kunyange zvakadaro, tinewo mutoro kuava vakadaro “veimba yokutenda.” (VaG. 6:10) Nokudaro tinokukurudzira kuzvipira kushanyira vamwe vavo pashure pekunzvera navakuru.

5 Kazhinji kazhinji, chinodikanwa ndechokungoti isu tive nefariro yomunhu oga mavari ndokuzvipira kuenda navo mubasa romumunda, zvichida kutiperekedza mukuita shanyo dzedzokerero kana kuti pafundo yeBhaibheri. Ikoku makuri kumene kungabatira kunyandurazve mufaro wavo uye rudo rwavakambova narwo nokuda kwebasa romumunda. Nokuda kwavamwe, kungava kunobetsera kusimbisa kuonga kwavo zvinhu zvomudzimu. Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokugoverana kwedu navo mashoko akati anofadza zvikuru ari muzvinyorwa, kana kuti mapfundo akati anofadza apaMagwaro akadzidzwa pamagungano edunhu kana kuti kokorodzano dzoruwa, kana kuti zvakaitika zvakati zvinokurudzira zvakanzwiwa kuHoro yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo. Ikoku kungavakurudzira kupinda misangano nguva dzose uyewo, vanogona kubatsirwa kugoverana mubasa romumunda.

6 Vaitisi vefundo dzebhuku dzeungano vanofanira kuvavarira kushanda navaparidzi vakasiyana-siyana vari muboka ravo nomurangariro wokuvabetsera. Ivo vanofanira kusvika vaparidzi avo vanoratidzika kuva vane chinetso chokugoverana nguva dzose mubasa ndokuronga kushanda navo. Kana ivo vasingagoni kushanda navo pachavo, vanofanira kuronga kuti vashande nevamwe vaparidzi vane ruzivo rwokuzviwanira. Ikoku kungava zvose izvo ava vose vanoda kuti vave venguva dzose mubasa romumunda.

7 Apo tinoshandisa nhamburiko yokubatira nguva dzose isu timene, “nguva dzose tichiva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe,” kutenda kwedu kuchava “kwakasimba” uye “kusingazununguki.” Tichakwanisa ipapoka kubetsera vamwe avo vangava vakava vasiri venguva dzose kana kuti vasingaiti basa. Tinogona kuvimbiswa kuti “basa redu harisi risina maturo munaShe.”—1 VaK. 15:58, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe