Kunzverwa naJehovha—Nei Kuchibetsera?
1 Munhu ari wose anoshuva utano hwakanaka. Hunoita kuti upenyu huve hunofarikanywa zvikuru kwazvo. Bva, vakawanda avo vanofarikanya utano hwakanaka vachiri kuongororwa muviri nguva nenguva. Nemhaka yei? Ivo vanotsvaka kuziva zvinetso zvoutano zvipi nezvipi zviri kutanga kuitira kuti matanho agogona kuitwa kuzvirapa. Kunotokosha zvikuru kutaviridza utano hwedu hwomudzimu. Tendero yaJehovha inotsamira pakuramba kwedu taka“ruram[a] pakutenda.”—Tito 1:13.
2 Zvino inguva yakakodzera kunzverwa naJehovha. Nemhaka yei kwakadaro? Nemhaka yokuti Jehovha ari mutembere yake tsvene, uye ari kunzvera mwoyo yavanhu vose. (Pis. 11:4, 5; Zvir. 17:3) Kufanana naDhavhidhi, tinokumbira Jehovha kuti atinzvere zvizere: “Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, natsai itsvo dzangu nomwoyo wangu.”—Pis. 26:2.
3 Tinofanira kungwarira tyisidziro kuutano hwedu hwomudzimu idzo dzingauya dzichibva mukati medu nemhaka yenyama yedu isina kukwana. Zvirevo 4:23 inopa zano, kuti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”
4 Utano hwedu hwomudzimu hunogonawo kutyisidzirwa nenyika yakaipa, younzenza yakatipoteredza. Kana tikazvibvumira timene kuva pedyo zvikuru netsika ino yakaipa, tingagona kuvamba kufunga sezvainoita ndokutanga zvimiro zvendangariro zvenyika. Kana kuti tingagamuchira mararamire enyika ndokukurirwa nomudzimu wenyika.—VaEf. 2:2, 3.
5 Satani angashandisa chitambudzo kana kuti chishoro chakananga munhamburiko yokutiparadza mumudzimu. Kazhinji kazhinji zvikuru, zvisinei, iye nenzira younyanzvi anoshandisa zvinokwezva zvenyika kutinyengedza. Petro anotikurudzira kuti ‘tisvinure uye tirinde,’ sezvo Satani ari ku“famba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.” Tinokurudzirwa ku‘mudzivisa, tichiramba takasimba mukutenda.’—1 Pet. 5:8, 9.
6 Pane dikanwo yokudzivirira utano hwedu hwomudzimu, tichichengeta kutenda kwedu kwakasimba kupfurikidza nokukusimbisa zuva rimwe nerimwe. Muapostora Pauro anorumbidza kuti tiedze kutenda kwedu nguva dzose. Kungofanana seizvo tinoteerera nokuchenjera zano rinoshanda rinopiwa kwatiri nachiremba anoziva, tinoteererawo Jehovha apo kunzvera Kwake kwomudzimu kunoratidza chinetso icho chinoda kururamiswa. Ikoku kunoita kuti kutibvirire kuti ti“kwaniswe.”—2 VaK. 13:5, 11.
7 Jehovha zvirokwazvo ndiye Munzveri mukuru. Kunzvera kwake kwakarurama nguva dzose. Iye anoziva chaizvoizvo chatinoda. Kupfurikidza neShoko rake uye ‘muranda akatendeka,’ iye anorumbidza kudya kwomudzimu kwakanaka. (Mat. 24:45; 1 Tim. 4:6) Kudya nguva dzose uku kudya kwakanaka kwomudzimu kunovaka muviri pamusha uye pamisangano yeungano kunotigonesa kuramba takasimba mumudzimu. Rovedzo yomudzimu yenguva dzose muushumiri uye mumwe mubato wechiKristu inobatsirawo. Naizvozvo, tinogamuchira nomufaro kunzverwa kwenguva dzose naJehovha, tine chivimbo chokuti iye achatichengeta tine utano hwakanakisisa hwomudzimu.