Betserwa Nechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari cha1996—Rutivi 1
1 Wati warava here mirayiridzo yakagoverwa no“Rudungwe rweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari rwa1996”? Wakacherekedza chinjo dzakati here? Mugove Nha. 4 uchavakirwa pabhuku raKurangarira uye bhuku raVechiduku Vanobvunza Kuti.
2 Migove Yavadzidzi: Mugove Nha. 3 unopiwa kuhanzvadzi. Uyu mugove uchava wakavakirwa mugore rose pabhukwana, Misoro yeBhaibheri Yekurukurirano. Ikoku kunofanira kubetsera vaparidzi kuva vakarovedzana zviri nani neichi chinyorwa nokuda kwokushandisa mubasa romumunda. Mugove wacho ungapiwa seshanyo yokutanga pasuo nesuo kana kuti seshanyo yedzokerero.
3 Nomugove Nha. 3, kuronga kwakawanda kwave kuchishandiswa nebudiriro dzakasiyana-siyana. Zvisinei, tinofanira kurangarira chimwe chezvinangwa zvikuru zvechikoro, icho chiri chokutibetsera kupa zvokwadi nenzira yakarurama uye nenzira yakajeka. Naizvozvo kunodikanwa kuti kuronga kubatanidze basa romumunda kana kuti kupupura kusina kurongwa. Kuronga kwacho kunofanira kuva kunoshanda uye rutivi rwasaimba rwunofanira kuitwa nenzira chaiyoiyo.
4 Chii chinofanira kuitwa kana pane magwaro akawanda akarongwa mumugove wacho anopfuura ayo anogona kukurukurwa mumaminiti mashanu? Sarudza magwaro anokosha ayo anosimbisa mapfundo makuru. Kana pane magwaro mashomanene bedzi, mapfundo makuru muchidzidzo chacho angakurukurwa zvikuru kwazvo.
5 Mugove Nha. 4, paunenge uchitorwa mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, uchagoverwa kuvadzidzi vatsva kana kuti vaduku. Chokwadika, mudzidzi akagoverwa anofanira kuva anokwanisa kurava. Idzi hurukuro dzichachinjana vhiki imwe iri yose nemharidzo inobva mubhuku raKurangarira. Nemigove yose iri miviri Nha. 3 neNha. 4, mudzidzi anofanira kushandisa musoro wakaratidzwa.
6 Ngwariro inofanira kushandiswa apo kunouya kukupinza mashoko okuwedzera. Mamwe amashoko akagoverwa angabatanidza ndima imwe kana kuti mbiri bedzi. Asi mashoko acho anogona kungopiwa nenzira inobudirira munguva yakagoverwa kupfurikidza nokurava uye kutsanangura Magwaro, uchishandisa mifananidzo, uye zvimwe. Kazhinji kazhinji, hapana dikanwo yokupa mashoko omuraudzo mukuwedzera kuayo akagoverwa. Vateereri vanofanira kukwanisa kutevera muchinyorwa umo hurukuro yakavakirwa.
7 Vadzidzi vose vanofanira kusanogadzirira uye ikoku kunobatanidza kungwarira kuchengeta nguva. Mirayiridzo iri mu“Rudungwe rweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari” inoti: “Hapana hurukuro inofanira kupfuudza nguva.” Kana tikashandisa zvakazara rovedzo inogoverwa muchikoro, tichakwanisa zviri nani ku“paridza shoko” munzira inoratidzira unyanzvi hwakaisvonaka hwo“kudzidzisa.”—2 Tim. 4:2.