RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/96 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJanuary

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJanuary
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naJanuary 1
  • Vhiki Inotanga naJanuary 8
  • Vhiki Inotanga naJanuary 15
  • Vhiki Inotanga naJanuary 22
  • Vhiki Inotanga naJanuary 29
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 1/96 p. 2

Misangano Yebasa yaJanuary

Vhiki Inotanga naJanuary 1

Rwiyo 133

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Paridza Nenzwisiso.” Kurukurai mapfundo makuru, uye itai kuti mharidzo imwe kana kuti mbiri dzienzanisirwe. Itai kuti ungano izive mabhuku akare amunawo mudura parizvino.

20 min: “Nyaradzo nokuda kwaavo vane ‘mweya wakaputsika.’ Hurukuro inopiwa nomukuru yakavakirwa paNharireyomurindi yaNovember 1, 1995, mapeji 25-9. Tsanangurai musiyano uri pakati peyeuko dzechokwadi ne“yeuko dzakadzvinyirirwa.” Simbisai kuti ane “yeuko dzakadzvinyirirwa” anofanira kubata sei akamubata zvisina kufanira anofungidzirwa. Chii icho vakuru vanogona kuita kana vakasvikwa nanyajambwa we“yeuko dzakadzvinyirirwa?”

Rwiyo 28 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 8

Rwiyo 13

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi. Ipa rumbidzo yakakodzera nokuda kwetsigiro yemari yebasa romunzvimbo muno kana kuti renyika yose rokuita kuti mashoko akanaka aparidzwe.

15 min: Ukoshi Hunodzivirira hweAdvance Medical Directive/Release Card. Mukuru anokurukura neungano ukoshi hwokuti mumwe nomumwe azadze zvakafanira kadhi reAdvance Medical Directive/Release uye kuritakura panguva dzose uye dikanwo yokuti vana vave neIdentity Card nguva dzose. Sezvo musoro wekadhi racho unokarakadza, rinogovera ziviso yapachine nguva mberi yechinodikanwa (kana kuti chisingadikanwi) pamusoro pokurapa. Nei ikoku kuchiitwa gore rimwe nerimwe? Kadhi razvino uno rinopwisa zvikuru kupfuura iro ringarangarirwa kuva risingawirirani nomusi kana kuti risingacharatidziri zvitendero zvomunhu. Chinyorwa chacho chinokutaurira kana usingakwanisi kuzvitaurira umene. Makadhi achapiwa manheru ano. Anofanira kuzadzwa nenzira yokungwarira kumba, asi haafaniri kusayinwa. Sezvave zvichiitwa kwamakore maviri apfuura, kusayina uye kupupura kuchaitwa panzvimbo dzeFundo dzeBhuku dzeUngano, zvichitarisirwa nevaitisi vefundo yebhuku. Avo vanosayina sezvapupu vanofanira chaizvoizvo kuona muridzi wekadhi achisayina chinyorwa chacho. Ikoku kuchaitwa pashure pefundo yebhuku mukati mevhiki yaJanuary 15. (Ona peji 2 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 1994 nokuda kwamashoko oudzame pamuitiro wacho.) Vaparidzi vose vakabhapatidzwa vangazadza kadhi reAdvance Medical Directive/Release. Vaparidzi vasina kubhapatidzwa, kupfurikidza nokuchinjira mutauro uri pairi kadhi kumamiriro avo vamene ezvinhu uye zvitendero, vangashuva kunyora directive yavo vamene. Vabereki vanogona kubetsera vana vavo vasina kubhapatidzwa kuzadza Identity Card.

20 min: “Ivai Vaiti—Kwete Vanzwi Chete.” Mibvunzo nemhinduro. Kana nguva ichibvumidza, kurukurai ukoshi hwokuteerera, hwakavakirwa pabhuku raInsight, Vhoriyamu 2, peji 521, ndima 1 ne2.

Rwiyo 70 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 15

Rwiyo 77

12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukurai nokupfupikisa chinetso chinokura chavasiri pamusha. Kurudzirai vaparidzi kutenga nguva kupfurikidza nokutanga kusvika vanhu vangava vachipfuura, vakamira panzira, kana kuti vakagara mumotokari.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. (Kana kuti “Chengeta Pfungwa Yako Yekurumidziro,” hurukuro yakavakirwa paNharireyomurindi yaOctober 1, 1995, mapeji 25-8.)

18 min: “Dzokera Kunoponesa Vamwe.” Hwirudzurai mharidzo dzakakarakadzwa. Rumbidzai nharidzano yokutanga fundo mubhuku idzva, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.

Rwiyo 156 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 22

Rwiyo 200

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurukurai “Mushumo Wezvokuyamura Kusina Kunaya Mvura.”

17 min: “Betserwa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari cha1996—Rutivi 1.” Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Hwirudzurai nhungamiro dzakagoverwa dzemigove yevadzidzi mumirayiridzo yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, iyo yakabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1995.

18 min: “Taura Noushingi.” Hurukuro uye kurukurirano inofanira kuitiswa nomukuru. Hwirudzurai gadziriro dzebasa dzomunzvimbomo dzeSvondo. Ipai rumbidzo yetsigiro yakanaka, uye goverai zvikarakadzo uko vandudziko inodikanwa.

Rwiyo 92 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naJanuary 29

Rwiyo 31

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

20 min: “Ungadzima Tambo Yemwenje Inopwititika Here?” Hurukuro inopiwa nomukuru nokutora rutivi kwavateereri, yakavakirwa paNharireyomurindi yaNovember 15, 1995, mapeji 21-4. Simbisai dikanwo yokudzivisa kutsoropodza kana kuti kuenzanisa navamwe. Simbisa ukoshi hwokuva anovaka kune mumwe nomumwe.

15 min: Govera Bhuku raZvakazarurwa Mukati maFebruary. Tsanangura nei bhuku raZvakazarurwa ranguve richirangarirwa sechakavanzika chatisingagoni kunzwisisa. Hwirudzura ndima 6 kusvikira ku9 papeji 8, uchiratidza nei iri bhuku richidikanwa. Kurudzirai vaparidzi kurangarira iyi mifungo kuitira kuti vagogona kuva nehwaro hwemapfundo okutaura pasuo. Nongedzerai ku“Chimiro Chebhuku raZvakazarurwa” pamapeji 98-9, uye ratidzai kuti ikoku kunogona sei kushandiswa kupa murangariro wose webhuku raZvakazarurwa. Nangidzira ngwariro kumifananidzo inonyandura iri mukati mebutiro rokumberi uye rokumashure uye kuti ingashandiswa sei kutanga kurukurirano. Yeuchidzai vose kuzviwanira makopi nokuda kwokushandisa mubasa kupera kuno kwevhiki.

Rwiyo 143 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe