Ndinogona Sei Kuwana Nzeve Inoteerera?
1 Muguta reFiripi, “mumwe mukadzi, wainzi Ridhia, mutengesi wenguo tsvuku, . . . akatinzwa; Ishe akazarura mwoyo wake, kuti ateerere zvaitaurwa naPauro.” (Mabasa 16:14) Iyi nhoroondo inotidzidzisei? Kuteerera ndiko kunozarura suo kukudzidza zvokwadi kwomunhu. Kubudirira kwedu mukugoverana shoko roUmambo kunotsamira zvikurukuru pakudisa kwasaimba kuteerera. Tikangova nenzeve inoteerera, kuri nyore zvikuru kupa shoko redu. Asi kuita kuti mumwe munhu ateerere kunogona kuva denho. Chii chatinogona kuita?
2 Tisati tagoverana mubasa, tinofanira kupa ngwariro kuchitarisiko chedu uye zvinhu zvatichave tichishandisa. Nei? Vanhu vanoda kuteerera mumwe munhu anozvipa amene nechiremera. Takapfeka zvakanaka bva zvine mwero here? Kunyange zvazvo kupfeka kwachero kungava kwakakurumbira munyika, tinodzivisa kusakendenga kwakadaro nemhaka yokuti tiri vashumiri vanomirira Umambo hwaMwari. Chitarisiko chedu chakachena uye chakatsvinda chinowedzera chipupuriro chakanaka kushoko roUmambo ratinoparidza.
3 Iva Anoushamwari uye Anoremekedza: Pasinei hapo nezvimiro zvendangariro zvanhasi zvinochinja, vanhu vakawanda vachiri kuremekedza Bhaibheri uye vachaita zvakanaka kukurukurirano yokuremekedza uye youshamwari pamusoro peicho Bhaibheri rinacho. Nyemwerero youshamwari, yapachokwadi inogona kudzikamisa saimba ndokuzarura nzira yekurukurirano inofadza. Uchokwadi hwedu netsika dzakanaka zvinofanirawo kuratidzirwa mukutaura kwedu uye mumufambiro, izvo zvinobatanidza kuteerera kwedu nenzira yokuremekedza kucherekedzo dzasaimba.
4 Chinangwa chedu ndechokugoverana tariro yeBhaibheri nevamwe. Tichirangarira izvi, tinofanira kuva nechokwadi chokuti kurukurirano yedu inofadza, kwete yoruvengo kana kuti inodenha. Hapana dikanwo yokupambadza nguva uchiitirana nharo nomunhu anoshora zvakajeka. (2 Tim. 2:23-25) Tinogona kusarudza mumhatsa yakakura yemharidzo dzinokurudzira uye dzinowirirana nomusi dzinotigoverwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo uye bhuku raKurangarira. Chokwadika, tinofanira kugadzirira idzodzi zvakanaka kuitira kuti tigogona kutaura nomutoo woushamwari uye unopwisa.—1 Pet. 3:15.
5 Pashure peshanyo yedu, vanasaimba vashomanene vanokwanisa kuyeuka chatataura chaizvoizvo. Zvisinei, vanodokuva vose zvavo vanogona kuyeuka mutoo wachakataurwa nawo. Hatitongofaniri kurerutsa simba rokunaka nomutsa. Zvirokwazvo pane vanhu vakawanda vakafanana namakwai mundima yedu avo vachapa nzeve inoteerera kuzvokwadi sezvakangoita Ridhia muzana rokutanga ramakore. Kupa ngwariro yokungwarira kuchitarisiko chedu uye mutoo wokutaura kunogona kukurudzira vanhu vapachokwadi kuteerera Shoko raMwari ndokurigamuchira zvakanaka.—Marko 4:20.