Betserwa Nechikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwamwari cha1996—Rutivi 3
1 Muapostora Pauro akanga achida kuti hama dzake dzimunyengeterere kuti agowana mano okutaura mashoko akanaka noushingi. (VaEf. 6:18-20) Tinoshuva kusakurira mano mamwe chetewo. Kuti tiawane, tinoonga betsero inogoverwa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, umo vapindi vemisangano vakakwaniriswa vanokurudzirwa kunyoresa.
2 Savadzidzi, tinogamuchira zano romunhu oga rokutibetsera kuvandudza mano edu okutaura neokudzidzisa. (Zvir. 9:9) Tinogonawo kubetserwa nokuteerera zano iro vamwe vadzidzi vanogamuchira, tichishandisira zvatinodzidza kwatiri timene. Pakugadzirira mugove, tinofanira kufunda manyuko amashoko nenzira yokungwarira kuti tive nechokwadi chokuti kuatsanangura kwedu kwawo kwakarurama. Mapfundo makuru uye magwaro zvatinoshandisa zvinofanira kuwirirana nokukudziridzwa kwomusoro wacho wose. Kana mugove wacho uchibatanidza mumwe munhu, unofanira kusanohwirudzurwa pachine nguva mberi usati wapiwa muchikoro. Sezvo tinoita fambiro mberi, nhamburiko inofanira kuitwa yokutaura tisingaravi, tichishandisa zvinonyorwa panzvimbo pokurava manyoro.
3 Vose vane mugove muchikoro vanofanira kusvika nokukurumidza, kupa mutariri wechikoro kasiripi kavo kokupa Zano Rokutaura, uye kugara pedyo nepamberi pehoro. Hanzvadzi dzinofanira kuita kuti mutariri wechikoro azive pachine nguva mberi marongero adzo uye kuti dzichagara here kana kuti kumira nokuda kworutivi rwadzo. Kubatira pamwe muidzi nzira kunobetsera kuva nepurogiramu yakanaka uye kunobetsera avo vanotarisira chikuva kuti vafanogadzirira chinhu chiri chose.
4 Kugadzirira Mugove Nha. 2: Chimwe chinangwa chokurava Bhaibheri ndechokubetsera mudzidzi kuti avandudze mano ake okurava. Ikoku kunogona sei kuitwa zvakanakisisa? Kurava waravazve mashoko nenzwi rinonzwika ndiyo nzira yakanakisisa yokuawana. Kuti adzidze revo uye kududzwa kwakafanira kwamashoko api naapi asina kurovedzeka, mudzidzi anofanira kuanzvera muduramashoko. Ikoku kungadawo kuva akarovedzana nerevo yezviratidzo zvekududza mashoko zvinoshandiswa muduramashoko.
5 Wati wamboedza kuteerera kukurahwa kweBhaibheri mumatepi eBhaibheri eSosaiti pakugadzirira mugove wako here? Kupfurikidza nokudarozvo kushandisa pfungwa dzokuona uye kunzwa tinogona kukudziridza zvikuru nzwisiso yedu yamashoko. Ngatiregei kufuratira betsero yakaisvonaka iyo aya matepi anogovera nokuda kwehama dzinogoverwa kugadzirira Hurukuro Nha. 2. Kupfurikidza nokupa ngwariro kukududzwa kwamashoko kwakafanira, chimiro chenzwi, simbiso yomufungo, uye kuchinja inzwi, izvi zvinogona kuita kuti kurava kwavo kuve kwakajeka uye kune revo.
6 Vabereki vanogona kubetsera vana vavo vaduku kugadzirira mugove wokurava. Ikoku kungabatanidza kuteerera apo mwana anenge achidzokorora uye ipapo kumupa zvikarakadzo zvinobetsera zvokuvandudza. Nguva yakagoverwa inobvumira sumo pfupi uye mhedziso yakafanira iyo inoshandisa mapfundo makuru. Nokudaro mudzidzi anokudziridza mano ake okutaura asingaravi.
7 Wezvamapisarema akakumbira nenzira yokunyengetera, kuti: “Ishe, zarurai miromo yangu; ipapo muromo wangu uchaparidza kurumbidzwa kwenyu.” (Pis. 51:15) Kutora rutivi kwedu muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ngakutibetsere kugutsa chishuvo chimwe chetechi.