RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/96 p. 2
  • Misangano Yebasa yaMarch

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaMarch
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMarch 4
  • Vhiki Inotanga naMarch 11
  • Vhiki Inotanga naMarch 18
  • Vhiki Inotanga naMarch 25
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 3/96 p. 2

Misangano Yebasa yaMarch

Vhiki Inotanga naMarch 4

Rwiyo 1

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Rumbidza Jehovha ‘Zuva Rimwe Nerimwe.’” Mibvunzo nemhinduro. Rava ndima 2-5 kana nguva ichibvumidza. Ipa kurudziro inovaka yebasa roupiyona hwebetsero nehwenguva dzose.

20 min: “Zivo yaMwari Wechokwadi Inotungamirira Kuupenyu.” Hwirudzurai mharidzo dzakakarakadzwa. Ivai nomuenzaniso mumwe kana kuti miviri. Goverai mimwe mienzaniso yenzira yatinogona nayo kuita nokungwarira kuti vanasaimba vazive nezvomukana wavo wokubetsera basa renyika yose.

Rwiyo 78 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 11

Rwiyo 164

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

20 min: “Betserwa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari cha1996—Rutivi 3.” Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Kurudzirai vose avo vanogona kunyoresa ndokuita migove yavo nenzira yokutendeka. Apo mumwe anogoverwa rutivi muchikoro, iye anofanira kururangarira nenzira yakakomba. Kunokonzera vhiringidziko huru kumutariri wechikoro kana vatori rutivi vasingauyi kuzoita migove yavo pasina ziviso yapachine nguva mberi. Uyewo, migove yechikoro haifaniri kugadzirirwa nokukurumidza panguva yokupedzisira. Gadziriro yakakwana inoratidza kuonga iyi ropafadzo.

15 min: Itai Zvinhu Pamwe Chete Semhuri. Baba vanotaura kumhuri yavo nenzira isina kurongwa pamusoro pedikanwo yokuva pamwe chete, kwakavakirwa paNharireyomurindi yaSeptember 1, 1993, mapeji 16-19. Isai ngwariro pafundo yemhuri uye basa rokuparidza evhangeri. Ratidzirai nzira iyo mhuri dzazvino uno dziri kuputsika nayo nemhaka yokuti dzinopedza nguva shomanene dziri pamwe chete uye dzinodokuva dzisina chimwe chinhu chinofanirwa navose. Kufunda Shoko raMwari uye kugoverana muushumiri pamwe chete chikomborero kumhuri yechiKristu. Simbisai dikanwo yokuti baba asanoronga izvi zvinhu uye yokuti mai vabatire pamwe. Vana vanofanira kufarira mibato yomudzimu, vachishanda vari pedyo nevabereki. Mhuri ichava yakabatana uye ichasimbiswa kuti igonane nedzvinyiriro dzinowedzera kukuva yenyika.

Rwiyo 211 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 18

Rwiyo 6

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Avo vari kuitisa fundo vanofanira kukurudzira vatsva vari kufambira mberi zvakanaka mufundo yavo yeBhaibheri kusvasvavirira kuva vaparidzi vasina kubhapatidzwa. Vabereki vanogonawo kubetsera vana vavo kuva vaparidzi. Hwirudzurai muitiro unorumbidzwa wakarongwa muna Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, mapeji 97-100.

15 min: Hwirudzurai mapfundo makuru e1996 Yearbook of Jehovah’s Witnesses. Boka remhuri rinokurukura mamwe amativi anofadza pamusoro pomubato wedu wenyika yose anofukidzwa pamapeji 3-5 uye 33. Ivo vanobvumirana kuti pamwe chete zuva rimwe nerimwe ivo vachaedza kurava mapeji mashomanene eYearbook pashure pokunge varangarira rugwaro rweBhaibheri rwakarongwa muna Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva.

20 min: “Betsera Vamwe Kuwana Zivo Inotungamirira Kuupenyu.” Hwirudzurai mharidzo dzakakarakadzwa dzokushandisa pashanyo dzedzokerero. Batanidzai muenzaniso mumwe kana kuti miviri. Simbisa nharidzano yokutanga fundo.

Rwiyo 130 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMarch 25

Rwiyo 5

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai “Zviyeuchidzo zveChirangaridzo.” Tsanangurai chikonzero nei kuchikosha kupinda. (Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, mapeji 18-20.) Hwirudzurai gadziriro dzokubatsira vakwegura, ndonda, uye vatsva kuvapo. Kurukurai gadziriro dzomubato webasa romumunda wakawedzerwa mukati mevhiki ino inotevera.

15 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru. Kurukurai zvikonzero zvinotisunda kuva vane rupo, sezvakarongwa muNharireyomurindi yaJanuary 15, 1992, mapeji 16-17.

15 min: “Gadziriro—Chinokosha Kukubudirira.” Mibvunzo nemhinduro. Dudzai kuti tichave tichigovera Nharireyomurindi neMukai! mukati maApril naMay. Itai gadziriro zvino kupfurikidza nokuodha makopi omuraudzo, kuwana masiripi okuzvinyoresa, uye kuita rongedzero dzokutsigira gadziriro dzeungano dzomubato Wezuva Ramagazini.

Rwiyo 7 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe