Gadziriro—Chinokosha Kukubudirira
1 Gadziriro yapachine nguva mberi nokuda kwoushumiri ichabetsera kukurira kuzengurira kupi nokupi uko mumwe anganzwa pamusoro pokugoverana mubasa romumunda. Sezvo unosvika pamasuo, uchaziva chaunoda kutaura kuna vanasaimba. Hausati uchizofanira kutya denho dzingananganwa nadzo. Pakudzoka kumba kubva kubasa, uchanzwa wakurudzirwa, uchiziva kuti waita nhamburiko yakanaka muushumiri. Hungu, gadziriro yakakwana ndiyo chinokosha kukuvandudza unyanzvi hwedu hwokuparidza nokudzidzisa.
2 Pauro akasimbisa kuva akagadzirira kupfurikidza nokutikurudzira kuva ta“kasunga patsoka dze[du] kugadzirwa kweEvhangeri yorugare.” (VaEf. 6:15) Ikoku kunobatanidza kugadzirira ndangariro yedu nomwoyo pamwe chete nokuwana murangariro une chivimbo uye chimiro chendangariro chokudisa. Apo tinenge takagadzirira kugoverana zvokwadi navamwe, kushanda kwedu kuchatuswa nechibereko choUmambo, kuchitiita vanofara.—Mabasa 20:35.
3 Nzira Yokugadzirira Nayo Nokuda Kwebasa Rokuparidza: Tinofanira kusarudza mharidzo yatinonzwa takasununguka kupa, zvichida pakati peidzo dzinokarakadzwa mubhuku raKurangarira kana kuti idzo dzinowanwa papeji yokupedzisira yoUshumiri Hwedu hwoUmambo. Rangarira nenzira yokungwarira rugwaro rwaunoronga kushandisa, uchisarudza kuti ndeapi mashoko kana kuti chikamu chamashoko chauchasimbisa kuti uite kuti pfundo rako guru rioneke. Hapana dikanwo yokudzidza nomusoro mharidzo yacho; panzvimbo pezvo, kwakanakisisa kupinza mufungo wacho mundangariro, kuuisa mumashoko ako umene, uye kuutaura nomutoo waunofunga kuti uchafadza muteereri wako.
4 Nzvera chinyorwa chaunoronga kugovera, uye sarudza mamwe mapfundo okutaura anofadza. Sarudza chimwe chinhu chaunorangarira kuti chichava chefariro kuvanhu vari mundima yako. Rangarira nzira yaungagadziridza nayo mharidzo yako nokuda kwavanasaimba vakasiyana-siyana—murume, mukadzi, munhu mukuru, kana kuti pwere.
5 Wati waedza kuita marusando erovedzo here? Iva pamwe chete nemitezo yemhuri kana kuti vamwe vaparidzi kuti mukurukure kuti ndedzipi mharidzo dzingava dzinobudirira, uye ipapo dzidzokororei zvinonzwika kuti vose vagodzirangarira zvakanaka. Edza kutevedzera mamiriro ezvinhu chaiwoiwo uye zvirambidzo zvingagona kusanganwa nazvo mundima. Muitiro wakadaro uchavandudza dekudzo yako mukutaura, kuwedzera kubudirira kwako mukuparidza, uye kuvaka chivimbo chako.
6 Mukuwedzera kukugadzirira uye kurovedza mharidzo yako, unofanira kuzvibvunzawo umene kuti, ‘Zvipfeko zvandinoronga kupfeka zvakakodzera ushumiri here? Ndine zvandinoda mubhegi rangu ramabhuku here, kubatanidza mabhuku andinoronga kushandisa? Riri mumugariro wakanaka here? Ndine bhuku rangu raKurangarira, maturakiti, zvinyorwa zvapaimba neimba, uye penzura here?’ Kuronga kune mufungo pachine nguva mberi kuchabetsera zuva rinobudirira zvikuru mubasa.
7 Tangoita zvakanakisisa zvatinogona kuzvigadzirira timene, tinofanira kunyengeterera mudzimu waJehovha kuti utibetsere kuva vanobudirira. (1 Joh. 5:14, 15) Kusanopa ngwariro kukugadzirira kuchaguma nokuwana kwedu mufaro mukuru zvikuru mubasa redu, sezvo tino‘ita zvizere ushumiri hwedu.’—2 Tim. 4:5.