Zviyeuchidzo Zvechirangaridzo
Dzinotevera inhau dzinoda ngwariro kuchengetwa kweChirangaridzo kusati kwaitwa paChipiri, April 2:
◼ Munhu ari wose, kubatanidza mukurukuri, anofanira kuziviswa nezvenguva chaiyoiyo uye nzvimbo yokuchengetera.
◼ Rudzi rwakafanira rwechingwa newaini rwunofanira kuwanwa ndokugadzirirwa.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, peji 19.
◼ Tafura yakakodzera, mucheka wapatafura, ndiro, uye magirazi zvinofanira kuunzwa kuhoro pachine nguva mberi ndokuiswa panzvimbo yazvo.
◼ Horo yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yomusangano inofanira kusanocheneswa pachine nguva mberi.
◼ Varindiri uye vafambisi vanofanira kusarudzwa ndokurayiridzwa pachine nguva mberi pamusoro pomuitiro wakafanira uye mabasa avo.
◼ Gadziriro dzinofanira kuitwa dzokupa upi noupi wavakasarira ari ndonda uye asingakwanisi kuvapo.
◼ Apo kuchengeta kunopfuura kumwe kunorongwa muHoro yoUmambo imwe cheteyo, panofanira kuva nokubatana kwakanaka pakati peungano kuitira kudzivisa kumanikidzana kusiri madikanwa mumukoto, mukoto wokupinda nawo, nzira dzokufamba dzavose, uye pokupaka motokari.