Uri Kushandisa Shoko raMwari Zvakarurama Here?
1 Jesu Kristu akanga ari mudzidzisi mukurusa ati amborarama. Akataura nenzira yakabaya mwoyo yavanhu, yakanyandura mirangariro yavo, uye yakavasunda kuita mabasa akanaka. (Mat. 7:28, 29) Akashandisa Shoko raMwari nguva dzose sehwaro hwekudzidzisa kwake. (Ruka 24:44, 45) Akapa Jehovha Mwari mbiri yezvose zvaaiziva uye zvaaikwanisa kudzidzisa. (Joh. 7:16) Jesu akagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavateveri vake kupfurikidza nokushandisa Shoko raMwari zvakarurama.—2 Tim. 2:15.
2 Muapostora Pauro akabatirawo somuenzaniso wakatanhamara kupfurikidza nokushandisa Shoko raMwari nenzira inobudirira. Akaita zvinopfuura kungoravira chete vamwe Magwaro; akatsanangura uye akarangarira pane zvaakarava, achipa chibvumikiso kubva muShoko raMwari kuti Jesu akanga ari Kristu. (Mabasa 17:2-4) Nenzira yakafanana, mudzidzi aitaura zvakanaka Aporo akanga “ane simba pamagwaro,” uye akaashandisa zvakarurama mukupa chokwadi nesimba.—Mabasa 18:24, 28.
3 Iva Mudzidzisi weShoko raMwari: Vazivisi voUmambo vomuzuva razvino vakafarikanya kubudirira kwakaisvonaka mukudzidzisa vanhu vane mwoyo yakatendeseka kupfurikidza nokunongedzera uye kurangarira kubva muBhaibheri. Muchakaitika chimwe, imwe hama yakakwanisa kushandisa Ezekieri 18:4 pamwe chete naMagwaro anowirirana kurangarira nomumwe mufundisi navatatu vomuruwa rwake pamusoro pemugumo wevakaipa nevakarurama. Somugumisiro, imwe mitezo yechechi yacho yakavamba kufunda, uye mumwe wavo pakupedzisira akagamuchira chokwadi. Muchimwe chakaitika, imwe hanzvadzi yakakumbirwa kutsanangura kumurume anoshora wemunhu anofarira chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvisingapembereri Krisimisi nemazuva okuzvarwa. Sezvaakarava mhinduro dzapaMagwaro zvakananga kubva mubhuku raKurangarira, murume wacho akaratidza kubvumirana kwake. Mudzimai wake akafadzwa kwazvo nokugamuchira kwake zvokuti akati: “Tichava tichiuya kumisangano yenyu.” Uye murume wacho akabvuma!
4 Shandisa Betsero Inowanika: Ushumiri Hwedu hwoUmambo nepurogiramu yeMusangano Webasa zvinogovera nhungamiro yakaisvonaka yokutibatsira mukushandisa Shoko raMwari. Vaparidzi vakawanda vakaratidza kuonga mhatsa yemharidzo dzakakarakadzwa dzinoburitswa uye dzinoenzanisirwa nokuda kwebetserwo yedu uye ikoku kwakabvumikisa kuva kwakakodzera nguva nekunobudirira zvikuru. Kurangarira muMagwaro rine mifungo yakawanda pamusoro pematsanangurirwo akarurama enhau huru dzinopfuura 70 dzinopiwa muShoko raMwari. Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi rinogovera pfupiso yakananga yedzidziso dzose dzinokosha dzeBhaibheri idzo vatsva vanofanira kunzwisisa. Fundo 24 ne25 muBhuku rinoTungamira reChikoro choUshumiri choUbati-Ushe hwoUmwari dzinotiratidza nzira iyo vadzidzisi vane unyanzvi vanosuma, kurava, uye kushandisa nayo magwaro. Tinofanira kushandisa zvakanaka betsero iyi yose inowanika nyore nyore kwatiri.
5 Apo tinoshandisa Shoko raMwari zvakarurama, tichawana kuti “ibenyu, rine simba . . . rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo” zvaavo tinoparidza kwavari. (VaH. 4:12) Kubudirira kwatinofarikanya kuchatisunda kutaura chokwadi neushingi hukuru nguva dzose!—Mabasa 4:31.