Tine Basa
1 Jesu akarayira vateveri vake ku“ita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose.” (Mat. 28:19, NW) Munyika 232 nemapoka ezvitsuwa kupote pasi, varumbidzi vanopfuura mamiriyoni mashanu vaJehovha Mwari vanogoverana chipupuriro chipenyu chokuzadzikwa kwomurayiro waJesu. Asi zvakadiniko nesu somunhu oga? Tinorangarira nenzira yakakomba basa rokuparidza here?
2 Musengwa Wetsika: Basa “murayiro wokuita mabasa akarayirwa.” Tinorayirwa naKristu kuparidza. (Mabasa 10:42, NW) Muapostora Pauro akaziva kuti ikoko kwakaisa chinodikanwa, kana kuti musengwa wetsika, wokuzivisa mashoko akanaka. (1 VaK. 9:16) Kuenzanisira: Fungidzira kuti uri munhu ane basa rakati mungarava iri kunyura. Mutungamiri wacho anokurayira kunyevera vatakurwi ndokuvatungamirira kumagwa anoponesa upenyu. Uchafuratira murayiro iwoyo ndokubatikana pakuzviponesa umene chete here? Zvirokwazvo kwete. Vamwe vanotsamira pauri. Upenyu hwavo huri mungozi. Une musengwa mutsika wokuita basa rako kuvabetsera.
3 Takatumwa nenzira youmwari kuti tizivise nyevero. Jehovha achakurumidza kugumisa tsika ino yose yakaipa yezvinhu. Mamiriyoni oupenyu ari mungozi. Kungava kwakarurama here kuti tifuratire ngozi kuvamwe ndokungoitira hanya bedzi kuzviponesa timene? Chokwadika kwete. Tine musengwa mutsika wokubetsera kuponesa upenyu hwavamwe.—1 Tim. 4:16.
4 Mienzaniso Yokutendeka Yokutevera: Muporofita Ezekieri akanzwa mutoro wokuzivisa shoko renyevero kuvaIsraeri vasina kutendeka. Jehovha akamunyevera zvakasimba nezvemigumisiro pashure kana akakundikana kuita mugove wake: “Kana ini ndikati kunowakaipa: Zvirokwazvo uchafa, iwe ukasamunyevera . . . , munhu uyu wakaipa uchafira muzvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.” (Ezek. 3:18) Ezekieri akaita nokuvimbika basa rake kunyange mukutarisana nechishoro chakakomba. Naizvozvo, iye aigona kufara apo marutongeso aJehovha akaitwa.
5 Mazana amakore gare gare, muapostora Pauro akanyora nezvemutoro wake wokuparidza. Akazivisa, kuti: “Ndakachena paropa ravanhu vose. Nokuti handina kutya kukuparidzirai kuda kwose kwaMwari.” Pauro akaparidza pachena uye paimba neimba nemhaka yokuti akaziva kuti kukundikana kuita saizvozvo kwaigona kumuita kuti ave nemhaka yeropa pamberi paMwari.—Mabasa 20:20, 26, 27.
6 Tine kushingaira kwaEzekieri here? Tinonzwa tichisundwa kuparidza sezvakaita Pauro here? Basa redu ndirimwe chetero nezvakanga zvakaita ravo. Tinofanira kupfuurira kuita mutoro wedu wokunyevera vamwe, pasinei zvapo nekusakendenga kwavo, kusaitira hanya, kana kuti chishoro. Zvimwe zviuru zvinogona kugamuchira shoko roUmambo ndokuzivisa, kuti: “Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zek. 8:23) Kuda kwedu Mwari nomunhu biyedu ngakutisunde kusarega. Tine basa rokuparidza!