Tinofanira Kuva Vadzidzisi, Kwete Vaparidzi Bedzi
1 Zvakacherekedzwa kuti “Zvapupu zvaJehovha zvakazadza chaizvoizvo pasi nokuparidza kwazvo.” Izvi zvave zvichibvira sei? Kwete noukuru hwevanhu kana kuti simba, asi kupfurikidza nomudzimu waMwari unoshanda pavabatiri vake sezvo vanoshandisa gadziriro dzakasiyana-siyana kuti vaite basa ravo rokuparidza nokudzidzisa.—Zek. 4:6; Mabasa 1:8.
2 Pepa rakadhindwa mutoo unobudirira wekuita nawo basa redu rokuparidza. Mumakore apfuura, mabhiriyoni emabhuku, mabhukwana, mabhurocha, magazini, nematurakiti zvave zvichidhindwa nokuparadzirwa neZvapupu zvaJehovha kuti zvibetsere kuzivisa mashoko akanaka oUmambo. Mishumo iri mu1997 Yearbook inoratidza kuti kubudiswa kwemabhuku kwasvika mwero isati yambosvikwa. Kusvika panguva ino, makopi anopfuura mamiriyoni 91 eNew World Translation akadhindwa. Mugore rimwe nhamba yemagazini eNharireyomurindi neMukai! akadhindwa muUnited States akawedzera ne7,1 muzana. MuGermany, kudhindwa kwemagazini kwakakwira ne35 muzana. Chinopfuura chikamu chimwe muzvitatu chemagazini aidhindwa ikoko akanga ari emunda weRussia.
3 Nei mabhuku akawanda kudaro achidikanwa? Munyika yose, kwave kune kudavidza kunofadza kukurudziro yatakapiwa yekupupura kwose kunogona kuwanwa vanhu. Sezvo vakawanda vedu tiri kufutunudza basa redu rekuparidza—munzvimbo dzavose, mumigwagwa, uye mundima dzebhizimisi—mabhuku akawanda zvikuru ari kugoverwa kuvanhu vanoratidza fariro yakati. Vakawanda vaivava havawanzova, kana kuti havana kutombova, nemukana wekunzwa shoko roUmambo munguva yakapfuura. Kuti dzisvitse chinodikanwa ichi, ungano dzinogara dzine mhatsa yezvinyorwa zvokushandisa mumativi ose oushumiri.
4 Vavariro Yedu Mukuparadzira Mabhuku Ndeyei? Vavariro yedu haisi yekungogovera mabhuku. Basa rekuita vadzidzi rinobatanidza mativi maviri—kuparidza uye kudzidzisa. Kutanga, tine ropafadzo yekuparidza mashoko akanaka oUmambo, tichiita kuti vanhu vazive kuti ndiyo tariro bedzi yorudzi rwomunhu. (Mat. 10:7; 24:14) Mabhuku edu akavakirwa paBhaibheri mutoo wakabvumikiswa kwenguva refu uye unobudirira wekunyandura kufarira uye kupa zivo pamusoro poUmambo kuvamwe.
5 Chechipiri, kana tichizoita vadzidzi, tinofanira kudzidzisa zvinhu zvose zvakarayirwa naJesu. (Mat. 11:1; 28:19, 20) Zvekare, mabhuku anoita rutivi runokosha mukuroverera kwedu chokwadi mumwoyo yevadzidzi, achivabetsera kuti vave vadzidzi.
6 Avo vanogamuchira mabhuku vangava ‘vanzwi veshoko,’ asi hazviwanzoita kuti vave vaiti varo kana vakasiyiwa vakadaro. (Jak. 1:22-25) Vashoma vanova vadzidzi kutoti mumwe munhu akavatungamirira. (Mabasa 8:30, 31) Vanoda mudzidzisi kuti avabetsere kuzvibvumikisa pachavo chokwadi chinowanwa muMagwaro. (Mabasa 17:2, 3) Vavariro yedu ndeyokuvabetsera kufambira mberi kusvika pakuzvitsaurira nokubhabhatidzwa uye kuvarovedza kuva vakakwaniriswa zvakakwana kudzidzisa vamwe.—2 Tim. 2:2.
7 Vadzidzisi Vokuwedzera Vanodikanwa Zvikurusa: Patinoparidza, tinozivisa mashoko akanaka pachena. Kudzidzisa, zvisinei, kunobatanidza kurayiridza mumwe munhu zvinofambira mberi. Nepo kuparidza kuchiita kuti vamwe vazive shoko roUmambo, kudzidzisa kunobetsera vanhu kugamuchira mashoko akanaka uye kuita chiito pamusoro pawo. (Ruka 8:15) Mudzidzisi anoita zvinopfuura kungozivisa; anotsanangura, zvikonzero nokupwisa kwakanaka, anopa zvibvumikiso, uye anonyengetedza.
8 Vakawanda vedu sevanobvira vanofanira kuva vadzidzisi, kwete vaparidzi bedzi. (VaH. 5:12a) Kuparadzira mabhuku rutivi runokosha rwebasa redu, asi kuita chinangwa chechipiri cheushumiri hwedu pakupedzisira kunotsamira pane zvatinoita sevadzidzisi. Kunyange zvazvo tichigona kufadzwa patinokwanisa kugovera mabhuku, kuti tiite ushumiri hwedu zvizere, hatifaniri kurangarira kugovera kwacho sevavariro yedu yokupedzisira. (2 Tim. 4:5) Zvinogoverwa mutoo unobudirira wekuzarura nawo mikana yekudzidzisa chokwadi kuvamwe.
9 Ita Shanyo Dzedzokerero Kuti Utange Fundo dzeBhaibheri: Zvimwe tose zvedu takagovera mabhuku akati, mabhurocha, uye magazini, tichiumba ndaza yeshanyo dzedzokerero. Tinofanira kuronga nguva dzose kudzokera kuti tinyandure fariro. Chinangwa chedu chikuru mukudzokera hachisi chekungogovera mamwe mabhuku chete asi ndechokukurudzira vanhu kurava ndokubetserwa nezvavanotova nazvo. Isu pachedu tingadai takaita fambiro mberi yomudzimu yakaita sei kudai mumwe munhu asina kudzoka adzokazve kuti atibetsere kuwana zivo yakarurama?—Joh. 17:3.
10 Tevera fariro yose nemurangariro wekutanga fundo yeBhaibheri mungava mubhurocha raMwari Anodei Kwatiri? kana kuti mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Izvi zvinyorwa zviviri zvinopa shoko roUmambo nenzira inonzwisiswa zviri nyore. Bhurocha raAnodei rine kosi yefundo yakadzama, inofukidza dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Bhuku raZivo rinogonesa munhu kudzidzisa chokwadi zvakadzama zvikuru, bva norupfave, kujeka, uye kupfupikisa.
11 Purogiramu yekudzidzisa yakapfaviswa, sezvinotsanangurwa muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, inoita kuti zvive nyore kuti mudzidzisi arayiridze uye kuti mudzidzi adzidze. Chengeta kopi yewedzero iyoyo iri pedyo kuti uhwirudzure mitoo yekudzidzisa uye nzira dzakabvumikisa kuva dzinobudirira. Zvimwe zvezvikarakadzo zvainopa zvinobatanidza nzira yekufarira nayo mudzidzi zvechokwadi, mashoko akawanda sei okufukidza muchidzidzo chimwe, nzira yekubata nayo mibvunzo isingabatani nenhau yacho, nzira iyo vose vari vaviri mudzidzisi nomudzidzi vanogona nayo kugadzirira fundo yacho pachine nguva mberi, uye nzira yekutungamirira nayo mudzidzi kusangano raJehovha. Kupfurikidza nokutevera zvikarakadzo zvacho, vakawanda vedu, kubatanidza vatsva zvikuru, vachakwanisa kuitisa fundo dzinofambira mberi.
12 Mishumo Yekubudirira Kwakanaka Kunobva Mumunda: Bhurocha raAnodei nebhuku raZivo akabvumikisa kuva yamuro dzinobetsera mukukurumidzisa kufambira mberi kwekuita vadzidzi. Payakagamuchira bhurocha raAnodei, imwe hama muBolivia nokukurumidza yakarishandisa kutanga fundo nemumwe murume. Mwedzi mina gare gare pakokorodzano yoruwa, mudzidzi uyu akanga ari pakati pevanoda kubhabhatidzwa vanofara!
13 Vakawanda vari kusundwa kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha pashure pokupedza fundo yavo mubhuku raZivo. Muimwe ungano muAngola, nhamba yefundo dzeBhaibheri yaiitiswa nevaparidzi yakawedzera kubva pa190 kusvika ku260 uye kupindwa kwemisangano kwakawedzera nekaviri munhamba kubva pa180 kusvika ku360 mumwedzi mina bedzi pashure pokunge bhuku raZivo ratanga kushandiswa munzvimbo iyoyo. Nokukurumidza pashure pezvo, zvakanga zviri madikanwa kuumba imwe ungano.
14 Pashure pokutanga fundo yayo yokutanga mubhuku raZivo, imwe hama yakataura kuti kuiitisa kuri “nyore kana muitisi akangobvunza mibvunzo, akarava mamwe magwaro anoshanda, uye akava nechokwadi chokuti mudzidzi anzwisisa.” Kunyange zvazvo nguva dzose aifunga kuti vaparidzi vanokwanisa zvikuru bedzi ndivo vanogona kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinofambira mberi uye kuti aisazombozvikwanisa, akaziva kuti aigona, achitaura kuti: “Kana ndichigona, ani naani anogona.”
15 Tinoita chinangwa chedu chekuita vadzidzi patinoitisa fundo dzeBhaibheri serutivi rweushumiri hwedu. Avo vakakudziridza mano okugoverana murutivi urwu rweushumiri vanozviwana zvichigutsa uye zvichitusa zvikuru. Ngazvitaurwe nezvedu kuti isuwo tiri ku“paridza ushe hwaMwari . . . [ti]chidzidzisa zvaShe Jesu Kristu, [ti]singatongotyi.”—Mabasa 28:31.