Kuramba Uchipa Ngwariro Kubasa Rokukurumidzira Rokuita Vanhu Vadzidzi
1 Asati abva pasi pano, Jesu akarayira vadzidzi vake ku“dzidzis[a] marudzi ose.” Izvi zvaida kuti vaite nhimbe huru yokuparidza nokudzidzisa nokuita kuti basa ravo ripararire mupasi rose rinogarwa. (Mat. 28:19, 20; Mabasa 1:8) Vakaona basa iri semutoro—wakaoma zvikuru kutakura here? Kwete maererano nomuapostora Johane. Pashure pokupedza makore 65 somudzidzisi, akanyora kuti: “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirayiro yake; mirayiro yake hairemi.”—1 Joh. 5:3.
2 Zvakanyorwa muMagwaro pamusoro pebasa rakaitwa navaKristu vapakuvamba zvinobvumikisa kuti vakashanda basa ravo rokuita kuti vanhu vave vadzidzi vaJesu Kristu nokukurumidza. (2 Tim. 4:1, 2) Havana kuita izvi, nemhaka bedzi yokuti ibasa, asi nemhaka yechishuvo chavo chorudo chokurumbidza Mwari nokuunza tariro yokuponesa kuvamwe. (Mabasa 13:47-49) Nemhaka yokuti vose vakava vadzidzi vakadzidzisawo vamwe pashure, ungano yechiKristu yakakura nokukurumidza muzana rokutanga ramakore.—Mabasa 5:14; 6:7; 16:5.
3 Basa Rokuita Vanhu Vadzidzi Rinokurumidza: Basa gurusa rokuita vanhu vadzidzi risati ramboitwa riri kuitwa muzana rino remakore rechi20! Kusvika pari zvino, mamiriyoni avanhu akagamuchira mashoko akanaka ndokurarama mukuwirirana nawo. (Ruka 8:15) Sezvo nguva iri kuperera gadziriro ino yezvinhu, “muranda akatendeka neakangwara” akatipa zvishandiso zvinoita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vadzidze chokwadi nokukurumidza.—Mat. 24:45.
4 Muna 1995 takagamuchira bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, uye muna 1996 rakateverwa nebhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Pamusoro pebhuku raZivo, chinyorwa cheNharireyomurindi, yaJanuary 15, 1996, peji 14, chakataura kuti: “Bhuku iri rine mapeji 192 rinogona kudzidzwa munguva pfupi, uye ‘va[no]da upenyu’ vanofanira kukwanisa kudzidza zvakawanda zvakakwana mariri zvokugona kuzvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa.”—Mabasa. 13:48, NW.
5 Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo yaJune 1996, “Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo,” yakatipa nharidzano iyi: “Zvichitsamira pamamirire ezvinhu nemano zvomudzidzi wacho, kungava kunobvira kuti mufukidze maganhuro akawanda zvikurusa murusando rumwe rweinenge awa, pasina kumhanya mufundo yacho. Vadzidzi vachaita fambiro mberi iri nani apo vose vari vaviri mudzidzisi nomudzidzi vanochengeta rangano yavo yefundo vhiki imwe neimwe.” Nyaya yacho yakapfuurira kuti: “Kunofanira kukarirwa kuti; panozosvika nguva apo munhu anopedza fundo yebhuku raZivo, uchokwadi hwake noukuru hwokufarira kubatira Mwari zvichave zvava pachena.” Bhokisi Remibvunzo romuUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996 rakatsanangura kuti: “Kunokarirwa kuti munhambo pfupi zvikuru yenguva, mudzidzisi anobudirira achakwanisa kubatsira mudzidziwo zvake wapachokwadi kuwana zivo yakakwana yokuita chisarudzo chokuchenjera chokubatira Jehovha.”
6 Bhuku raZivo Rinowana Zvibereko: Pakabhabhatidzwa mumwe mukadzi muduku, akatsanangura manzwire ake pamusoro pokufunda bhuku raZivo. Kwenguva yakati, akanga afunda bhuku raKurarama Nokusingaperi. Pakaburitswa bhuku raZivo, hanzvadzi yaimuitisa fundo yakachinjira kubhuku idzva. Nokukurumidza mudzidzi wacho aigona kuona kuti aifanira kuita chisarudzo, uye akasundwa kufambira mberi nokukurumidza kubva panguva iyoyo zvichienda mberi. Mukadzi muduku iyeyo, zvino yava hanzvadzi yedu, inoti: “Bhuku raKurarama rakandibatsira kuda Jehovha, asi bhuku raZivo rakandibatsira kusarudza kumubatira.”
7 Rangarira kukurumidza kwakaita mumwe mukadzi kudzidza chokwadi. Pashure pokufunda kechipiri, akapinda musangano paHoro yoUmambo pashanyo yomutariri wedunhu. Vhiki iyoyo, paaifunda kechitatu, akamuudza kuti akanga azvitsaurira kuna Jehovah uye aida kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Akaonekwa navakuru, avo vakamutendera kuva muparidzi, uye vhiki yakatevera yacho akatanga basa romumunda. Akabatikana zvikuru mukufunda kwake Bhaibheri zvokuti akakumbira mazuva kubasa kuitira kuti afunde kaviri kana kuti katatu pavhiki nokupedza nguva yakati wandei muushumiri. Dzimwe nguva, vaifukidza maganhuro maviri kana kuti matatu panhambo yokufunda imwe neimwe. Akatanga kushandisa zvaaidzidza mumativi ose oupenyu hwake, akapedza bhuku raZivo mumavhiki mana, uye akafambira mberi kusvika abhabhatidzwa!
8 Murume weimwe hanzvadzi anozvirondedzera so“murume chaiyeiye anonzi asingadaviri.” Rimwe zuva, imwe hama yakakarakadza kufunda naye Bhaibheri nebhuku raZivo pashure pokutenderana kurega fundo yacho pashure pokufunda kekutanga kana pose pose paainge ada. Murume uya akabvuma kumbozviedza, pasinei zvapo nokuva kwake asina kunyatsodzidza kare muuduku uye asina kumbodzidza mabhuku orudzidziso orudzi rupi norupi kwamakore anopfuura 20. Akaita sei paakafunda bhuku raZivo? Akataura kuti: “Zvaifadza kuona kuti bhuku iri rinobatsira kunzwisa Bhaibheri rakanyorwa nomutoo wakapfava zvakadaro. Mashoko acho akanyorwa zvakajeka kwazvo uye zvine mufungo zvokuti nenguva isipi, ndakanga ndava kushuva zvikuru fundo yedu inotevera. Mudzidzisi wangu akatevedzera mitoo yakarongwa neSosaiti nounyanzvi, uye ndichibatsirwa nomudzimu waJehovha, ndakabhabhatidzwa pashure pemwedzi mina. Ndinogona kutaura zvechokwadi kuti kana tikadisisa kudzidzisa, tikapfuurira kutsvaka vane mwoyo yakatendeseka mubasa romumunda, tikashandisa bhuku raZivo namamwe mabhuku anobatsira kunzwisisa Bhaibheri anogoverwa neSosaiti uye, chinokosha kupfuura zvose, tikanyengeterera nhungamiro yaJehovha, tinogona kuva neropafadzo inokosha yokubatsira mubasa rokudzidzisa.” Zviri pamusoro apa chokwadi zvinhu zvisingawanzoitika. Vazhinjisa vavadzidzi vedu havauyi muchokwadi nokukurumidza zvakadaro.
9 Vadzidzi Vanofambira Mberi Nokukurumidza Zvakasiyana: Zvinofanira kubvumwa kuti mano omudzidzisi nomudzidzi weShoko raMwari anosiyana-siyana zvikuru. Kukura mumudzimu kunogona kunonoka kana kuti kukurumidza. Kufambira mberi kunoitwa nevamwe mumwedzi mishomanene kunogona kutorera vamwe nguva yakati rebei. Kukura mumudzimu kwomunhu kune chokuita nedzidzo yake, maongere aanoita zvinhu zvomudzimu, uye madzamire akaita kuzvipira kwake kuna Jehovha. Haasi munhu wose watinodzidza naye ane “pfungwa dzakanaka zvikuru,” dzokufunda Magwaro zuva nezuva, sezvakaita vaBherea vekare vakava vatendi.—Mabasa 17:11, 12, NW.
10 Ndicho chikonzero nei wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1998, “Dziri Kudikanwa—Fundo dzeBhaibheri Dzakawanda,” ichipa nhungamiro iyi inoshanda: “Chokwadika, havasiri vadzidzi vose veBhaibheri vanofambira mberi pamwero wakafanana. Vamwe havafariri zvinhu zvomudzimu sezvinoita vamwe uyewo havakurumidzi kubata zviri kudzidziswa. Vamwe vanorarama upenyu hwokubatikana zvikuru uye vangasakwanisa kupa nguva inodikanwa kufukidza ganhuro rakazara vhiki imwe neimwe. Nokudaro, muzvimwe zvinoitika kungava kuri madikanwa kuita runopfuura rusando rumwe rwefundo kufukidza maganhuro akati uye mwedzi yokuwedzera kupedza bhuku racho.”
11 Vanoita Vanhu Vadzidzi Vanoramba Vari Pakati Nepakati: Zvinokosha kuyera mafambire ari kuita fundo yacho maererano nemamiriro ezvinhu nemano zvomudzidzi. Sezvo tiri kukurudzirwa kutanga fundo mubhurocha raAnodei, zvingatora mwedzi miviri kana mitatu kurifukidza bhuku raZivo risati ratangwa. Kana tikashandisa zvikarakadzo zvose zvakarongwa muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, kupedza bhuku raZivo kungada mimwe mwedzi mitanhatu kusvika kumipfumbamwe. Vamwe vakangotanga nokufunda bhuku raZivo vakachinjira kubhurocha raAnodei kuti vabatsire mudzidzi kunzwisisa zvokwadi dzinokosha dzeShoko raMwari nokukurumidza zvikuru. Pashure kufunda bhuku raZivo kwakapfuuridzirwa. Kana fundo ikatangwa mubhuku raZivo uye ikafambira mberi zvakanaka, zvingava zvakanaka kufunda bhurocha raAnodei pashure pokupedza bhuku racho. Muzvinoitika zvose zviri zviviri hatidi kutadzisa mudzidzi kunzwisisa zvakanaka nemhaka yokuti tinoda kupedza. Mudzidzi wose anoda hwaro hwakasimba hwekutenda kwake kutsva muShoko raMwari.
12 Tichiziva nguva yatiri kurarama mairi, kubatsira vanhu kudzidza chokwadi kunofanira kuitwa nokukurumidza zvikuru kupfuura zvati zvamboitwa. Kunze kwokuramba tichinyengeterera fundo dzeBhaibheri itsva, ngatinyengetererei avo vatiri kutofunda navo. Ipapo tichafara kuramba tichibhabhatidza vadzidzi vakawanda “mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.”—Mat. 28:20.