Kana Ichibudirira, Ishandise!
1 Ushumiri Hwedu hwoUmambo hunopfuurira kutigovera mhatsa yemharidzo dzakakarakadzwa dzokushandisa muushumiri. Izvi zvinotipa pfungwa itsva pamusoro pokumutsa fariro mushoko roUmambo. Kungava kuti unoita nhamburiko mwedzi nomwedzi yokudzidza imwe kana kuti dzinopfuura yemharidzo idzi. Zvisinei, vamwe vaparidzi vanowana kuti panguva yavanenge vashandisa imwe yadzo kwenguva shomanene, chimwe chinyorwa cheUshumiri Hwedu hwoUmambo chinogovera mharidzo itsva. Sezviri pachena zvingava zvisingabviri kuti munhu wose adzidze mharidzo itsva asati agona kushandisa yemunguva yakapfuura.
2 Chokwadika, kune zviuru zvemapiyona enguva dzose nevamwe vaparidzi vanopedzera nguva yakawanda mubasa remumunda. Zvakare, ungano dzakawanda dzinoshanda ndima dzadzo dzose pashure pemavhiki mashomanene. Mumamiriro aya ezvinhu, vaparidzi vanoonga kuva nemitoo mitsva nemifungo yekupa shoko racho. Izvi zvinovabetsera kunatsa unyanzvi hwavo. Zvinoitawo kuti ushumiri hwavo hufadze zvikuru nokubereka zvibereko uye zvinobetsera kuti vakurire zvinetso zvavanosangana nazvo.
3 Mumamiriro ako ezvinhu, kana wakagadzirira mharidzo inobudirira mukusakurira fariro, nepose paunogona pfuurira kuishandisa! Hazvisi madikanwa kurega kushandisa mharidzo inobudirira iri kuva nemigumisiro yakanaka. Ingoichinjira kumabhuku anogoverwa mwedzi iwoyo. Sezvaunohwirudzura zvikarakadzo zvinopiwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo, tsvaka mifungo inofadza yaungada kubatanidza mumharidzo yako.
4 Naizvozvo paunogamuchira chinyorwa chitsva cheUshumiri Hwedu hwoUmambo, yeuka kuti mharidzo dzirimo dzinongova zvikarakadzo. Kana uchigona kudzishandisa, zvakanaka. Asi kana wakatowana mharidzo inova nemigumisiro yakanaka mundima yenyu, ishandise! Chinhu chinokosha ndechoku“pedzis[a] basa rako kwazvo” nomutoo wakaisvonaka, uchiwana vakafanirwa ndokuvabetsera kuti vave vadzidzi.—2 Tim. 4:5.