RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/98 p. 2
  • Misangano Yebasa yaFebruary

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaFebruary
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naFebruary 2
  • Vhiki Inotanga naFebruary 9
  • Vhiki Inotanga naFebruary 16
  • Vhiki Inotanga naFebruary 23
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 2/98 p. 2

Misangano Yebasa yaFebruary

Vhiki Inotanga naFebruary 2

Rwiyo 166

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvinobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Mashoko Oushe.

15 min: “Zvapupu zvaJehovha—Vaevhangeri Vechokwadi.” Mibvunzo nemhinduro. Hwirudzurai bhokisi riri papeji 19 muNharireyomurindi, yaSeptember 1, 1992.

20 min: “Koka Munhu Wose Ane Nyota.” Hwirudzurai nyaya yacho, muchitaura kuti mharidzo dzakakarakadzwa dzakagadzirirwa sei kunyandura fariro uye kusunda vateereri. Itai kuti munhu mukuru aenzanisire ndima 2-3 kana kuti 4-5 uye pwere ienzanisire ndima 6.

Rwiyo 208 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 9

Rwiyo 96

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo.

20 min: “Kunangana Nechinetso Chekukwira Kwemitengo.” (Ndima 1-18) Kukurukurwa kwemibvunzo nemhinduro kwewedzero. Rangarirai magwaro anokosha kana nguva ichibvumira. Hapana kudikanwa kwokurava ndima.

Rwiyo 220 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 16

Rwiyo 75

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

10 min: Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda Misangano Yeungano. Mukuru anokurukura mapfundo makuru ari muNharireyomurindi, yaAugust 15, 1993, mapeji 8-11, achisimbisa kukosha kwekuva pamisangano yose nguva dzose.

20 min: “Kunangana Nechinetso Chekukwira Kwemitengo.” (Ndima 19-28) Mibvunzo nemhinduro. Pashure pokukurukura mashoko ari mundima 24-28, hama inokwanirisa inofanira kurava imwe neimwe yendima idzi.

10 min: “Jehovha Ndiye Mubetseri Wangu.” Hurukuro youshamwari, inokurudzira inopiwa nemukuru.

Rwiyo 15 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 23

Rwiyo 4

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Hwirudzurai mabhuku anogoverwa muna March. Dudzai mufungo mumwe kana kuti miviri yekusuma bhuku raZivo, muchishandisa mifungo inobva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 1995, peji 8. Simbisai vavariro yekutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha.

15 min: “Kana Ichibudirira, Ishandise!” Mibvunzo nemhinduro. Itai kuti muparidzi mumwe kana kuti vaviri vane ruzivo rwokuzviwanira vatsinhire kubva muvateereri nokupfupikisa pamusoro pemharidzo dzavakapfuurira kushandisa nemhaka yekupfava kwemharidzo dzacho uye migumisiro yakawanwa. Ipapo itai kuti vamwe vagoverane mitoo yakakarakadzwa yemunguva pfupi yapfuura yakanga iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo uye yakabudirira.

20 min: Rovedza Mharidzo Dzako. Hurukuro pfupi yakavakirwa muBhuku Rinotungamirira Rechikoro, mapeji 98-9, ndima 8-9. Simbisai kudikanwa kwekunzvera mharidzo dzedu uye kwekutsvaka nzira dzokubudirira zvikuru. Itai kuti hanzvadzi mbiri dzienzanisire kunzvera kwadzinoita zvadzaita pasuo, vachikurukura kuti vanogona sei kuvandudza. Vanovawo norusando rupfupi rwokurovedza mharidzo yavanoronga kushandisa nguva inotevera, vachipanana zvikarakadzo zvinobetsera. Sachigaro anogumisa nokukurudzira vose kunzvera ndokurovedza mharidzo dzavo.

Rwiyo 103 nemunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe