RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/98 p. 7
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Nei Mapfekero Edu Nekuratidzika Kwedu Zvichikosha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Une Mwoyo Wenyama Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 3/98 p. 7

Bhokisi Remibvunzo

◼ Nei tichifanira kungwarira zvikuru kupfeka kwedu nokutsvinda pakushanyira zvivako zveSosaiti muHarare uye mahofisi emapazu munyika yose?

VaKristu vanokarirwa kuchengeta mufambiro wakafanira. Nguva dzose kupfeka kwedu nokutsvinda zvinofanira kuratidzira mufambiro wakanaka noruremekedzo zvinokodzera vabatiri vaJehovha Mwari. Izvi ndezvechokwadi zvikurukuru pakushanyira zvivako zveSosaiti muHarare uye mapazu munyika yose.

Muna 1998, kokorodzano dzoruwa uye dzemarudzi akawanda dzichaitwa. Mazana ehama dzedu dzinobva munyika dzakawanda achashanyira dzimbahwe reSosaiti muSouth Africa pamwe chete nemapazu ari mudzimwe nyika. Pakushanyira zvivako izvi uyewo paimwe nguva ipi neipi, tinofanira ku‘zvirumbidza sevashumiri vaMwari munzira dzose,’ kubatanidza mupfekero wedu wakafanira norutsvindo.—2 VaK. 6:3, 4.

Mukukurukura kukosha kwokupfeka kwakafanira nokutsvinda, bhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu rinotsinhira pamusoro pokudikanwa kwokuchena mumuviri, kupfeka kune mwero, uye kutsvinda kwakanaka patinenge tiri muushumiri hwomumunda uye kupinda misangano yechiKristu. Papeji 131, ndima 2, rinotaura kuti: “Kumwe cheteko kungashanda pakushanyira musha weBheteri uri muBrooklyn kana kuti api naapi amahofisi amabazu eSosaiti. Yeuka, zita rokuti Bheteri rinoreva kuti ‘Imba yaMwari,’ nokudaro mupfekero wedu, kushambidzika nomufambiro zvinofanira kuva zvakafanana nezvinokarirwa isu patinopinda misangano yokunamata paHoro yoUmambo.” Zvinodikanwa zvimwe chetezvo zvinofanira kushandiswa nevaparidzi voUmambo vomunharaunda pamwe chete neavo vanobva kunzvimbo dziri kure vanouya kuzoona nokusonganira nemitezo yemhuri yeBheteri uye kushanyira zvivako zvemapazu.

Zvipfeko zvedu zvinofanira kupesvedzera zvakanaka vamwe pamusoro penzira yavanorangarira nayo kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha. Zvisinei, zvakacherekedzwa kuti pakushanyira zvivako zveSosaiti, dzimwe hama nehanzvadzi dzinowanzova dzisingaitiri hanya mukupfeka kwadzo. Kupfeka kwakadaro hakuna kufanira pakushanyira upi noupi wemisha yeBheteri. Munhau iyi, somumamwe mativi ose oupenyu hwedu hwechiKristu, tinoshuva kuchengeta mwero wakakwirira mumwe chetewo unosiyanisa vanhu vaMwari nenyika kupfurikidza nokuita kwedu zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe. (VaR. 12:2; 1 VaK. 10:31) Zvakanakawo kutaura nevadzidzi vedu veBhaibheri uye vamwe vangave vachishanyira Bheteri kwenguva yokutanga uye kuvayeuchidza ukoshi hwokungwarira kupfeka kwakafanira nokutsvinda.

Naizvozvo pakushanyira zvivako zveSosaiti, zvibvunze kuti: ‘Kupfeka nokutsvinda kwangu kune mwero here?’ (Enzanisa naMika 6:8.) ‘Zvinoratidzira zvakanaka Mwari wandinonamata here? Vamwe vangatsauswa kana kuti kugumburwa nechitarisiko changu here? Ndiri kugadzira vamwe muenzaniso wakanaka here vangava vachishanya kwenguva yokutanga?’ Nguva dzose, kupfurikidza nokupfeka kwedu nokutsvinda, ngati“shongedze dzidziso yaMwari, Muponesi wedu, pazvinhu zvose.”—Tito 2:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe