Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Kuchengetwa kweChirangaridzo kuri paChitanhatu, April 11. Vakuru vanofanira kungwarira zvinhu zvinotevera:
◼ Mukuronga nguva yemusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kutozosvikira pashure pokudoka kwezuva.
◼ Munhu wose, kubatanidza mukurukuri, anofanira kuziviswa nguva chaiyoiyo nenzvimbo yokuchengetera.
◼ Rudzi rwakarurama rwechingwa newaini rwunofanira kuwanwa ndokugadzirirwa.—Onai Nharireyomurindi, yaFebruary 15, 1985, peji 17.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura nejira rakafanira repatafura zvinofanira kuunzwa kuhoro ndokuiswa munzvimbo yazvo pachine nguva.
◼ Horo yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo inoitirwa misangano inofanira kucheneswa zvakakwana pachine nguva.
◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokurayiridzwa pachine nguva pamusoro pomuitiro wakafanira uye mabasa avo.
◼ Gadziriro dzinofanira kuitwa dzokugovera vapi nevapi vevakazodzwa vari ndonda uye vasingakwanisi kuvapo.
◼ Apo ungano dzinopfuura imwe dzinenge dzakarongwa kushandisa Horo yoUmambo imwe cheteyo, panofanira kuva nokutsinhirana kwakanaka pakati peungano kuitira kudzivisa kutsvikinyidzana kusiri madikanwa mumukoto, musuo, pokufamba napo, uye pokupaka motokari.