Vatariri Vanopa Nhungamiro—Munyori
1 Munyori weungano anoita basa rinokosha rokuva nechokwadi chokuti “zvinhu zvose [zvinoitwa] nomutoo wakafanira zvine mirayiro yazvo.” (1 VaK. 14:40) Somutezo weDare Rebasa Reungano, anotarisira kufambiswa kwemashoko eungano nezvinhu zvakanyorwa zvinokosha. Kunyange zvazvo mabasa ake angasaoneka nomunhu wose sezvinoita evamwe vakuru, mabasa ake anodiwa zvikuru uye anoongwa.
2 Kana tsamba dzikagamuchirwa kubva kuSosaiti kana kuti kuvamwe, munyori anodzirava ndokuona kuti dzapindurwa kana dzichifanira. Anova nechokwadi chokuti tsamba dzinogamuchirwa dzaendeswa kuvakuru vose uye anobva adziisa mufaira kuti dzizoshandiswa. Anonzvera mafomu okuodhesa magazini nemabhuku ndokuatumira kuSosaiti. Anotarisira zvakananga vanotarisira akaunzi nokuzvinyoresa pamwe chete nenhau dzose dzine chokuita nekokorodzano.
3 Sezvo munyori achifanira kutumira mushumo weungano webasa romumunda womwedzi nomwedzi kuSosaiti panosvika zuva rechitanhatu romwedzi, zvinokosha kuti tose zvedu tikurumidze kushuma basa redu romumunda panopera mwedzi woga woga. Anobva anyora mushumo wacho webasa pamakadhi eChinyorwa Chomuparidzi Cheungano. Chero muparidzi upi zvake angakumbira kuona chinyorwa chake chomunhu oga chebasa.
4 Muparidzi paanouya kana kuti kubva muungano, munyori anokumbira kana kuti kutumira vakuru veimwe ungano yacho tsamba yokuzivisa pamwe chete nekadhi reChinyorwa Chomuparidzi Cheungano zvemunhu iyeye.—Ushumiri Hwedu, map. 104-5.
5 Munyori anohwirudzura basa ramapiyona, achiita kuti vakuru, uye kunyanya mutariri webasa, varambe vachiziva nezvezvinetso chero zvipi hazvo zvingadaro zviri kuwanwa nemapiyona. Anoita kuti vaitisi veFundo Dzebhuku Dzeungano vazive vaparidzi vanodarika darika mubasa romumunda. Munyori nemutariri webasa vanotungamirira mukuwiriranisa nhamburiko dzokuitira hanya vasingachaiti basa.—Ushumiri Hwedu hwoUmambo, January 1988, p. 1.
6 Zvatava kuziva zviri nane mabasa omunyori, ngatiitei zvatinogona kubetsera kuti utariri hwake humuitire nyore kuita.—1 VaK. 4:2.