Bhokisi Remibvunzo
◼ Munyori anofanira kuitei apo piyona wenguva dzose anotamira muungano?
Munyori anofanira kuzivisa Sosaiti, achishandisa nzvimbo yakagoverwa seri kwoMushumo Weungano (S-1). Anofanirawo kunyorera nokukurumidza munyori weyaichimbova ungano yapiyona wacho ndokukumbira makadhi ose eChinyorwa choMuparidzi weUngano (S-21) ari mumupakwa pamwe chete netsamba yokusuma inobva kuDare reBasa reUngano.
Apo piyona anoita chinjo huru, anowanzova nezvinetso mukugadzikana ndokutanga muitiro wakanaka webasa. Piyona anokuonga zvikuru apo vakuru vanomupa rubatsiro rworudo kuitira kuti kuchinjira kwake kuungano itsva kugova kwakanaka sezvinobvira.
Kana piyona akatamira muungano yenyu, sezvadudzwa pakuvamba-vamba, munyori achatumira kadhi rezivikanwo yapiyona kuhofisi yedu uye Sosaiti ichagovera kadhi idzva rine zita reungano yazvino yapiyona. Kana piyona asiri kuda kupfuurira kuita upiyona mumigariro yake yachinja, ipapo Sosaiti inofanira kuudzwa kupfurikidza nefomu reS-206.