Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna February: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri ne$13,00 (rine butiro repepa: $10,00). March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$13,00 (rine butiro repepa: $10,00). Nhamburiko inopfuura inowanzoitwa ichaitwa kuti titange fundo dzeBhaibheri dzepamusha. April naMay: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi neMukai! Garai mune bhurocha raAnodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha.
◼ Kutanga nevhiki ya22 March 1999, bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama richange richifundwa paFundo Yebhuku Yeungano. Ushumiri Hwedu hwoUmambo huno hune purogiramu yefundo yacho yakakwana. Mungaita imwe kopi ndokuiisa mukopi yenyu yebhuku racho kuti mupote muchitarisa zviri nyore. Mirayiridzo yemadzidzirwo achaitwa sumo yebhuku iri inotsanangurwa mundima 5 ye“Kufunda Munhu Mukurusa Ati Amborarama” papeji 1 yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1992.
◼ Munyori nemutariri webasa vanofanira kuhwirudzura basa remapiyona enguva dzose ose. Kana pane vari kunetseka kusvika pamaawa anodiwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabatsirwe. Nokuda kwemazano, hwirudzurai tsamba dzepagore dzeSosaiti S-201 dzemusi wa1 October. Onaiwo ndima 12-20 dzewedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1986.
◼ Vaparidzi vakaronga kushanda ndima isina kugoverwa mumwedzi iri kuuya vanofanira kuronga kugovera bhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo mubasa ravo romumunda.
◼ Mutariri Webasa: Tapota kurukurai neungano zvamakaronga pamusoro pokushanda ndima isina kugoverwa kana kuti isingawanzoshandwi. Kurukurirano iyi inofanira kudzokororwa kamwe chete pamwedzi woga woga kusvikira basa racho rapera. Munofanira kufanogadzirira ndokuita kuti ungano irambe ichiziva. Ungano yenyu iri kuronga kubatsira ungano yekumaruwa kupedza ndima yayo here? Makaonana nemutariri anotungamirira weungano iyoyo kuti mumuudze nezvezuva ramuchasvika here? Chokufambisa chakavimbika chakarongerwa boka here kuitira kuti munhu wose adzoke kubasa musi weMuvhuro? Sosaiti yakaudzwa nezvezvirongwa izvi here? Tine chokwadi chokuti muchafadzwa nokubatanidzwa mubasa iri kubva muna May kusvika muna September.