RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/99 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 9/99 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$20. October: Kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi ($120 gore rimwe; $60 mwedzi mitanhatu) neMukai! ($60 gore rimwe). Uko fariro inowanikwa pashanyo dzedzokerero, edzai kutanga fundo yeBhaibheri muchishandisa bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi wa1 September kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Pazvinenge zvaitwa, zivisai ungano mushumo weakaunzi unotevera paunenge waraviwa.

◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kuhwirudzura mirayiridzo yakapiwa pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, ine chokuita nevapi nevapi vakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musonganiro vangava vachifunga kudzorerwazve.

◼ Zvinokosha kuti mapoka evanhu 20 kana kupfuura anoronga kushanyira zvivako zveSosaiti atange anyorera hofisi yedu tsamba. Tapota tumirai mashoko enhamba yevari kuuya uye zuva racho nenguva zvokushanyira bazu. Musati mashanya, tapota hwirudzurai Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1998.

◼ Vanosonganirana neungano vanofanira kutumira kuzvinyoresa kwavo kwokugamuchira Nharireyomurindi neMukai! kutsva nekwokumutsidzira, kusanganisira kuzvinyoresa kwavo pachavo, nokuungano.

◼ Sosaiti haiitiri odha yemabhuku muparidzi mumwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chiitwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano isati yatumirwa kuSosaiti kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku avo pachavo vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota yeukai kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Kupera kwevhiki kwa5 na6 June kwaikosha mukuvaka Horo dzoUmambo muZimbabwe. Pakupera kwevhiki ikoko, Horo dzoUmambo sere dzakatsaurirwa kuna Jehovha; ina muBulawayo uye ina muHarare. Zvinhu zvakaitika zvakarondedzerwa panguva idzi zvakaratidza kuti hama dzakashanda sei kuti dziwane nzvimbo uye kuti dzivake horo dzacho. Vose vaibatanidzwa vakaonga kubatsira kwakaitwa neMatare Ekuvaka Emunharaunda uye Mapoka Ekuvaka eBheteri. Pamwe chete, Horo dzoUmambo 14 dzakatsaurirwa mugore rebasa ra1999. Tinokurudzira vaparidzi vose kushandira pamwe negadziriro chaidzo dziri kuitwa zvino dzokuvaka dzimwe horo dzakawanda munguva pfupi zvikuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe