RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/99 p. 2
  • Misangano Yebasa yaSeptember

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaSeptember
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na6 September
  • Vhiki Inotanga na13 September
  • Vhiki Inotanga na20 September
  • Vhiki Inotanga na27 September
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 9/99 p. 2

Misangano Yebasa yaSeptember

Vhiki Inotanga na6 September

Rwiyo 190

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

17 min: “Uri Kushanda une Chinangwa Here?” Itai kuti mashoko ekusuma asapfuura miniti imwe, uye mobva makurukurirana nemibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro dziri mubhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 88-9. Kurudzirai vose kuti vave venguva dzose uye vanyatsoita ushumiri hwavo.

18 min: “Vabereki—Gadzirai Vana Venyu Muenzaniso Wakanaka.” Sumo pfupi inoitwa nomukuru, ichiteverwa nekukurukurwa kwenyaya yacho nehama mbiri dziri vabereki. Dzinoratidza kuva nehanya pamusoro pekuchengetedza vana vadzo pamiitiro inokuvadza yavanonzwa kuchikoro, muterevhizheni, uye nehama dzisiri Zvapupu navamwe. Hama dzacho dzinokurukura nezvezviito zvisiri zvokuremekedza, kutaura uye mupfekero zvenyika, uye varaidzo isina kunaka. Pavanenge vakurukura kudikanwa kwekugadza muenzaniso wakanaka, vanokurukura nzira dzokuita nadzo kuti pave nekufarira zvikuru fundo yemhuri, misangano yeungano, uye basa romumunda.—Ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1999, mapeji 8-22, neMukai! yechiNgezi yaSeptember 22, 1991, mapeji 8-9.

Rwiyo 101 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na13 September

Rwiyo 171

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: Takaita sei Gore Rapera? Hurukuro inopiwa nemutariri webasa. Hwirudzurai mashoko makuru kubva mumushumo weungano wegore rebasa ra1999. Rumbidzai zvinhu zvakanaka zvakaitwa. Dudzai pangada kuvandudzwa. Taurai nezvekuti ungano yakaita sei mukupinda misangano uye mukuitisa fundo dzeBhaibheri. Dudzai vavariro dzinoshanda nokuda kwegore rinotevera.

20 min: “Izvi Zvinoreva Upenyu Husingaperi.” Pashure pekutsinhira kupfupi kwokutanga pandima ya1, itai kuti vaparidzi vaviri vanokwanisa vaenzanisire mharidzo dziri mundima 2-4. Kurukurai kubatsira kwokushandisa mutoo wakananga wekutanga fundo uye enzanisirai mharidzo dziri mundima 5-6. Simbisirai vavariro yokutanga fundo yeBhaibheri uye kumbirai vateereri kuti varondedzere zvakaitika zveapo fundo yakatangwa pashanyo yokutanga.

Rwiyo 140 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na20 September

Rwiyo 193

12 min: Zviziviso zveungano nezvakaitika mubasa romumunda.

15 min: Zvinodiwa zveungano.

18 min: Shandisai Zvakanaka Bhuku Rinonzi Creator. Hurukuro nemienzaniso. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1999 hwakatsanangura kuti bhuku rinonzi Creator ringagoverwa chero nguva yatinosangana nevanhu avo (1) vasingadaviri muna Mwari kana kuti (2) vanodavira muna Mwari asi vasina pfungwa chaidzoidzo dzokuti iye ndiani kana kuti unhu hwake nezvinangwa zvake ndezvipi. Mibvunzo netsinhiro zviri pabutiro rekuseri zvinoita kuti ufunge zvingashandiswa kuita kuti pave nechido chokurava bhuku racho. Kana kuti peji 152 ingashandiswa nenzira inobudirira. Muparidzi angabvunza kuti: “Tingawana kupi zano rakanakisisa rekupedza kwatingaita zvinetso zvedu zvakaoma zvikuru?” Anogona kuratidza munhu wacho kuti zviremera zvinozivikanwa zvakarumbidza sei Mharidzo yaJesu yapaGomo, kumukumbira kuti asarudze chimwe chezvinhu zvinomwe zvakasimbiswa chinonyanya kumufadza, uye obva arava ndima shomanana pane dzakaratidzwa. Enzanisirai mitoo miviri iyi yokugovera bhuku rinonzi Creator. Kurudzirai vose kuenda nebhuku racho mubasa romumunda, vakagadzirira kurigovera pose pazvakakodzera.

Rwiyo 175 nemunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na27 September

Rwiyo 141

15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vaparidzi kuti vaise mishumo yebasa romumunda yaSeptember. Kurudzirai vose kuronga kuparadzirawo magazini zvakazara muna October. Hwirudzurai mamwe emazano ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996, peji 8, pamusoro penzira dzokugadzirira nadzo mharidzo. Muchishandisa magazini azvino uno, dudzai zvimwe zvinhu zvakanaka zvokutaura uye enzanisirai mharidzo pfupi imwe kana kuti mbiri.

15 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nemukuru.

15 min: “Kunamata Kwechokwadi Kuri Kuwedzera muEastern Europe.” Mukuru anoitisa purogiramu yemibvunzo nemhinduro. Dudzai zvakaitika kana kuti uchapupu hwekuwedzera munyika dzakaratidzirwa, sezvinoshumwa mumaYearbook azvino uno.

Rwiyo 87 nemunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe