Bhokisi Remibvunzo
◼ Wakagadzirira mamiriro ezvinhu okukurumidzira here?
Munyika yemazuva ano, “nguva nezvinoitika” zvinowanzobatana kuti zvitange mamiriro ezvinhu anoda kurapa kwekukurumidzira, kusanganisira kumanikidzirwa kuisirwa ropa. (Mup. 9:11) Kuitira kuti tigone kugadzirira zvinhu zvakadaro zvingangoitika, Jehovha akayamura munzira dzakawanda achishandisa sangano rake, asi anotitarisira kuti tive nezvatinoita. Pasi apa pane zvinhu zvokukubetsera.
• Takura kadhi razvino uno reAdvance Medical Directive/Release nguva dzose.
• Iva nechokwadi chokuti vana vako vanotakura Identity Card razvino uno.
• Hwirudzura wedzero yoUshimiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1992, uchidzokorora mataurire aungaita navanachiremba nevatongi maererano nekurapwa kwemwana wako.
• Hwirudzura nyaya dzine chokuita nezvikamu zveropa nezvinotsiva ropa. (Dzinorumbidzwa: Nharireyomurindi dzaOctober 1, 1994, peji 31; June 1, 1990, mapeji 30-1; March 1, 1989, mapeji 30-1; Mukai!, yechiNgezi yaDecember 8, 1994, mapeji 23-7; August 8, 1993, mapeji 22-5; November 22, 1991, peji 10; uye wedzero dzoUshumiri Hwedu hwoUmambo dzaMarch 1993 naAugust 1994. Zvichengetere mufaira kuti uzviwane nyore nyore.)
• Hana yako ngaikusarudzire kana ungabvumira kushandiswa kwemichina inotenderedza ropa kunze kwemuviri kana kuti kana ungabvuma zvinhu zvine zvikamu zveropa.
• Usati waenda kuchipatara, kana zvichibvira, ita kuti vakuru vazive kuitira kuti vagokutsigira uye vagozivisa Dare Rokubata Nechipatara (HLC) kana zvichidiwa. Kana ari mwana muduku, kumbira vakuru kuti vazivise HLC nokukurumidza.
Jekesa Kusada Kwako Ropa: Mishumo inoratidza kuti dzimwe hama nehanzvadzi dzinomirira kuudza chiremba anorapa kuti hadzidi ropa kusvikira paminiti yokupedzisira. Izvi hazvina kunaka kuvarapi uye zvinokuisa pangozi yokuisirwa. Kana vanachiremba vachiziva zvitendero zvako uye zvido zvako zvichitsigirwa nemagwaro akasayinwa ane mirayiridzo yako yakananga, zvinovabetsera kupfuurira vasinganonoki uye kazhinji zvinovaita kuti vaedze imwe mitoo yokurapa pasina ropa.
Sezvo mamiriro ezvinhu anoda kurapa kwekukurumidzira angaitika chero nguva, kazhinji usingamboatarisiri, tora matanho zvino ekuzvidzivirira nevana vako pakuisirwa ropa.—Zvir. 16:20; 22:3.