“Izvi Zvinoreva Upenyu Husingaperi”
1 Mashoko aJesu akanyorwa pana Johane 17:3, (NW) anofanira kufungisiswa. Akareva zvaakataura—kupinza zivo yaMwari naKristu zvinoreva upenyu husingaperi! Asi tichave nomubayiro weupenyu husingagumi nokungova nezivo yaJehovha naJesu here? Aiwa. VaIsraeri vaiziva kuti Jehovha aiva Mwari wavo, asi upenyu hwavo hahuna kuratidza kudavira ikoko. Somugumisiro, vakarasikirwa nenyasha dzake. (Hos. 4:1, 2, 6) Nhasi mamiriyoni evanhu anga“shingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.” (VaR. 10:2) Vanofanira kusvika pakuziva Jehovha, “Mwari wechokwadi bedzi,” uye kudzidza kuti vangamunamata sei zvakanaka. Kuti vaite izvozvo, muna September tichange tichigovera bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Mutooi wauchashandisa kugovera bhuku rinonzi Zivo? Hezvinoi zvimwe zvezvinhu zvingakubetsera.
2 Sezvo pfungwa yokurarama nokusingaperi pasi pano iri itsva nokuda kwevanhu vazhinji, sumo iyi ingaita kuti vafarire:
◼ “Tiri kubvunza vavakidzani vedu mubvunzo. Kana mukanzi mugare nokusingaperi munyika yakaita seino, mungada here? [Ratidza mufananidzo uri pamapeji 4-5 mubhuku rinonzi Zivo. Bvumira mhinduro.] Upenyu hwenyu hunogona chaizvoizvo kuva hunofadza zvakadai. Asi chii chamunofunga kuti maizofanira kuita kuti muzvione zvichinyatsoitika kwamuri? [Bvumira mhinduro.] Cherechedzai kuti chiitoi chinodikanwa maererano naJohane 17:3. [Rava.] Bhuku iri riri kubetsera vakawanda kuwana urwu rudzi rwakasiyana rwezivo. Mungada kuva nerenyu pachenyu rokuti murave here? [Bvumira mhinduro.] Pandichashanyazve, tinogona kukurukura chikonzero nei zvine musoro kudavira kuti tinogona kuwana upenyu husingaperi pasi pano chaipo.”
3 Paunodzokera kunoshanyira avo vawakakurukura navo Johane 17:3, ungapfuurira neiyi nzira:
◼ “Pandakamboshanya, ndakakuravirai mashoko anofadza aJesu ari pana Johane 17:3, paakativimbisa kuti kupinza zivo yaMwari neyake kunoreva upenyu husingaperi. Asi vanhu vazhinji vanodavira kuti upenyu huri nani hunogona kuwanwa bedzi mudenga. Munonzwa sei pamusoro paizvozvo? [Bvumira mhinduro.] Kana bhuku randakakusiyirai riri pedyo, ndingada kukuratidzai dzimwe ndima dzeBhaibheri dzinoratidza kuti Paradhiso ichadzorerwa pasi pano. [Kurukurai ndima 11-16 pamapeji 9-10 mubhuku rinonzi Zivo.] Pandichashanyazve, ndingada kukuratidzai chikonzero nei muchigona kuvimba neidzi vimbiso dziri muBhaibheri. Panguva ino, zvichida mungagona kurava chitsauko 2 mubhuku renyu.”
4 Kana wakanga wataura nemunhu wechitendero pamusoro pechikonzero nei kune zvitendero zvakawanda, paunodzokera ungati:
◼ “Pandakapedzisira kutaura nemi, ndakabvunza mubvunzo kana zvitendero zvose zvichingova zvazvo nzira dzakasiyana-siyana dzinotungamirira kunzvimbo imwe chete. Munofungei pamusoro pazvo? [Bvumira mhinduro.] Ndingada kukuratidzai mubhuku randakakusiyirai icho Jesu akataura pamusoro penhau yacho. [Vhura chitsauko 5 mubhuku rinonzi Zivo, uye rava ndima 6-7, kusanganisira Mateo 7:21-23.] Mungashamisika kuti chikonzero nei zvichikosha kwazvo kunyatsoziva chiri kuda kwaMwari. Muchawana kuti ndima dzinotevera dzinorayiridza zvikuru. Ndapota ravai dzasara dzechitsauko chino. Nguva inotevera pandinouya, ndichafara kukuratidzai kukosha kwokuva nezivo yakarurama yeBhaibheri.”
5 Mutoo wakananga kazhinji unobudirira mukutanga fundo dzeBhaibheri. Heino sumo ingangoshandiswa iri papeji 12 mubhuku rinonzi “Kurangarira”:
◼ “Ini ndiri kushanya kuzokugoverai kosi yeBhaibheri yapamusha yapachena. Kana zvichiita, ndinoda kushandisa maminiti mashomanene bedzi okuratidza kuti vanhu vari mune dzimwe nyika dzinenge 200 vanokurukurirana sei Bhaibheri pamusha samapoka emhuri. Tinogona kushandisa chero upi weiyi misoro sehwaro hwekukurukurirana. [Ratidza ndaza yezviri mukati mubhuku rinonzi Zivo.] Ndoupi wamunonyanya kufarira?” Mirira munhu wacho kuti asarudze. Vhura chitsauko chasarudzwa, uye tangai kudzidza mundima yokutanga.
6 Heuno mumwe mutoo unobudirira wakananga uyo waungagona kuedza kuti utange fundo:
◼ “Ndinopa zvidzidzo zveBhaibheri pachena uye ndine mikana mupurogiramu yangu nokuda kwavamwe vadzidzi. Iyi yamuro yekufunda Bhaibheri ndiyo yatinoshandisa. [Ratidza bhuku rinonzi Zivo.] Kosi yacho inopedzwa nemwedzi mishomanana bedzi uye inogovera mhinduro kumibvunzo yakadai sokuti: Nei Mwari achibvumidza kutambura? Nei tichikwegura ndokufa? Chii chinoitika kuvadiwa vedu vakafa? Uye tinogona sei kuswedera pedyo naMwari?” Ipapo bvunza kuti, “Ndingakuratidzirai kudzidza kwacho here?” Kana akaramba kudzidza, bvunza kana munhu wacho angada kuva nebhuku rinonzi Zivo kuti arave ari oga. Kana akavimbisa kurirava, musiyire rimwe.
7 Zivo yakarurama yaMwari naKristu ipfuma yakadini nokuda kwomunhu ari wose anayo! Kuipinza chokwadi kunoreva upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu akakwana. Ngatishandisei mukana uri wose muna September kugovana navamwe zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi.