Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” Ya2002
1 “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: Hendei kumba kwaJehovha.” (Pis. 122:1) Pakuongorora mashoko omunyori wepisarema, cherechedza (1) manzwiro aakaita paakakokwa kubatana nevamwe mukunamata Jehovha, (2) shamwari dzakanaka dzaaiva nadzo, dzaifarirawo nomwoyo wose kunamata kwechokwadi, uye (3) kuronga kwaidiwa kuti kukoka kwacho kuitwe, kuungana pamwe chete, uye kuita rwendo rwokuenda kumba kwaMwari.
2 Mashoko omunyori wepisarema haaratidzi manzwiro edu pachedu patinonzwa kuti zvirongwa zvekokorodzano yedu inotevera zviri kuitwa here? Tinozadzwa netariro patinoyeuka mufaro wekokorodzano dzakapfuura uye tariro yokuunganazve kunokosha neshamwari dzedu dzinoda Jehovha. Zvirongwa zvakaitwa zveKokorodzano Yoruwa yemazuva matatu ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” muZimbabwe mose muna 2002. Zvino ndiyo nguva yokuti tiite zvirongwa zvedu zvokupinda uye kubatsirwa zvizere nomutambo wezvokudya zvomudzimu wakatimirira.
3 “Mutariri akatendeka, akangwara,” atanga kugadzirira zvokudya zvomudzimu zvinofambirana nenguva zvichapiwa pakokorodzano. (Ruka 12:42) Ungano imwe neimwe yakagoverwa kupinda kokorodzano yakaifanira kuitira kuti vanhu varege kutsvikinyidzana panzvimbo imwe. Uyezve, hama dzakawanda dzakatanga kuronga madhipatimendi ekokorodzano akasiyana-siyana kuti ‘zvinhu zvose zviitike nenzira yakafanira uye nokurongeka.’ (1 VaK. 14:40) Nezvinhu zvakawanda kudaro zviri kurongwa kuti isu tibatsirwe uye zvitinakire, chii chatingaita isu pachedu kuti tigadzirire kokorodzano?
4 Ronga Iye Zvino Kupinda Mazuva Ose Matatu: Unofanira kukumbira waunoshandira nguva yokusava pabasa kuti upinde purogiramu yose yekokorodzano yawakagoverwa here? Jehovha anonzwisisa kuti vamwe vashandirwi “vakaoma kufadza.” (1 Pet. 2:18) Asi kokorodzano dzedu dzinokosha zvikuru, uye tinoda kuedza zvakaoma kuti tipinde purogiramu yose. Taura naJehovha mumunyengetero nezvenhau dzakadaro, uchitsvaka nhungamiro yake kuti zvikufambire zvakanaka.—Neh. 2:4.
5 Tevera Nhungamiro yeBazi yePokugara uye Zvokudya: Zvakasimbiswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwapfuura kuti taizoda kuti hama nehanzvadzi dzose dzigare mumisha yeZvapupu kana yehama dzokunyama, kana kuti mumahotera, pane kugara panzvimbo dzekokorodzano. Ndiwo marongerwo anoitwa kokorodzano pasi pose uye tine chokwadi chokuti tichawana zvikomborero zvinobva kuna Jehovha kana tikatevera nhungamiro yesangano munhau iyi. Mamwe matare ekokorodzano akatevera nhungamiro iyi gore rapera akashuma kuti akabudirira zvakanaka. Tingada kutora mukana uno kuonga vaparidzi vose vakazarurira misha yavo vapindi vekokorodzano gore rapera. Matare ekokorodzano akawanda akataura kuti aiva nepokugara pakawanda kupfuura pavaigona kushandisa. Tinokukurudzirai imi mose muri mumaguta anoitirwa kokorodzano kuti mutange kufunga iye zvino nezvokupa hama nehanzvadzi dzenyu pokugara panguva yekokorodzano.
6 Pakanga pasina urongwa hwezvokudya pane chero kokorodzano dzakaitwa mumaguta gore rapera. Kokorodzano dzakawanda duku dzaiva nezvokudya musi weChishanu noMugovera manheru uye Mugovera neSvondo mangwanani. Kana muri kupinda imwe yekokorodzano duku, dare rekokorodzano richakuzivisai kuti zvirongwa zvipi zvichava pakokorodzano yenyu. Zvekare, taizoda kuti tose tizive kuti hapana zvokudya zvipi nezvipi zvichabikirwa pakokorodzano dzomuZimbabwe. Takatoona kare zvazvakanakira, sezvo munhu wose ava kukwanisa kunyatsoteerera purogiramu pane kushanda kumabiko achigadzira zvokudya panguva yepurogiramu.
7 Ungano dziri muguta rinoitirwa kokorodzano dzinokurudzirwa kuzvipira kuita mabasa anoitwa kokorodzano isati yasvika. Pane dzimwe kokorodzano gore rapera vanhu havana kutsigira zvakanaka basa raifanira kuitwa kokorodzano yava kuda kutosvika. Tinovimba kuti tose tichabvuma zviri kukumbirwa izvi. Vanhu vaJehovha vanozivikanwa nokuda kwavanoita kuzvipira.—Pis. 110:3.
8 Tarira-tarira Muungano: Kana tichiziva kuti imwe hama kana hanzvadzi inoshayiwa zvokunyama zvingaita kuti zviiomere kupinda kokorodzano, ‘tingawedzera’ rudo rwedu here ndokuibatsira? (2 VaK. 6:12, 13; Dheut. 15:7) Izvi ndizvo zvakakurudzirwa naPauro pana 2 VaKorinde 8:14. Wadii kukoka vakadaro kuti ufambe navo kuenda kukokorodzano? Kana vari mapiyona, vangangodaro vaine zvakaitika zvakawanda zvakanaka zvavangakuudza pamunenge muchienda. Kana vari nhengo dzakura dzeungano, vangava nenhau dzakaitika kare dzechiKristu dzakaisvonaka dzausina kumbonzwa. Kushamwaridzana nehama nehanzvadzi idzi hakungaiti kuti iwe nemhuri yako muite zvakanaka here? Vachaonga zvikuru rupo rwako uye Jehovha achakupa mubayiro.—Zvir. 28:27; Mat. 10:42.
9 Kunyange zvazvo vaya vanoshayiwa chaizvoizvo vachitarisirwa zvikurukuru nehama dzavo dzechiKristu dzokunyama, vakuru nevamwe vari muungano avo vanoziva nezvokushayiwa kwakadaro vangabatsira norudo mukugadzirira. (1 Tim. 5:4) Mafomu Okukumbira Pokugara paanenge aendeswa kuDare Rebasa Reungano, dare racho rinofanira kuongorora kuti munhu wose anokumbira ane unhu hwakanaka here vasati vatumira mafomu aya kuDhipatimendi Repokugara. Munyori weungano anofanira kuisa nhamba dzake dzorunhare pafomu racho kuitira kuti Dhipatimendi Repokugara rigone kutaura naye kana pane mibvunzo ipi neipi. Tumirai mafomu anenge atenderwa kukero yekokorodzano yakaratidzwa seri kwefomu racho.
10 Inzwa Uchida Zvikuru Kuzvipira: Panguva yekokorodzano, mazana evanhu vanozvipira vanobatsira kuita kuti madhipatimendi ashande zvakanaka. Varindiri vanenge vari munhandare uye kunzvimbo dzinopakwa motokari vanoratidza vanhu pokugara uye vanotarisira motokari dzedu muswere wezuva. Dhipatimendi Rokuchenesa rine ropafadzo yokuchengeta mukurumbira wedu wakaisvonaka worucheno, richisiya nzvimbo yedu yokunamatira kwenguva duku yakachena kupinda zvatinenge taiwana yakaita. Tingabatsira mumadhipatimendi aya kana kuti mamwe ayo angashandisa rutsigiro rwedu here? Uchazvipira kubatsira kushanda “nomwoyo mumwe” nehama dzako here?—Zef. 3:9.
11 Vanhu Vanonyatsocherechedza Zvatinoita Here? Pane imwe kokorodzano yoruwa yegore rapera muUnited States, mumwe murume akanga ambomira kudzidza neZvapupu zvaJehovha kwemakore anopfuura 20 akanga achishanda muhotera. Akataurira zvimwe Zvapupu kuti zvino akanga ari kufunga nezvokutanga zvekare kudzidza kwaaiita Bhaibheri uye kuendazve kumisangano. Nemhaka yei? Nemhaka yokubatwa nenzira yorudo kwaaiitwa mazuva ayo Zvapupu zvaiva pahotera yacho.
12 Mumwe mutengesi wepahotera womunyika iyoyo akati nezvehama dzedu: “Boka renyu ndiro rakanakisisa rinogara pahotera dzedu. Vanhu venyu vanoshivirira zvikuru uye vanyoro.” Izvi zvinofanira kuita kuti Baba vedu vokudenga vadade zvikuru pavanotiona tichitevera zano raJesu rokuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka kwazvo vape mbiri kuna Baba venyu vari kumatenga”!—Mat. 5:16.
13 Ngatiratidze mafungiro aMambo Dhavhidhi, uyo aitarisira nomufaro kuenda kuimba yaJehovha yokunamatira. Tinowana zvokudya zvomudzimu zvinokosha pakokorodzano dzedu dzoruwa uye mukana usingaenzaniswi wokushamwaridzana kune rudo. Naizvozvo, tinokukumbirai nomufaro kuti mutange kuita zvirongwa zvenyu zvokupinda purogiramu dzose dzemazuva ose matatu dzeKokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” yegore rino!
[Bhokisi riri papeji 3]
Nguva Yepurogiramu
Chishanu noMugovera
9:30 mangwanani - 5:00 manheru
Svondo
8:30 mangwanani - 3:00 masikati