‘Paridza Shoko raMwari Kwazvo’
1 Paunoonga nomwoyo wose kugamuchira chimwe chinhu chakanaka, hauzviratidzi nemaitiro ako here? Chokwadi unodaro! Maererano nokunaka uye mutsa worudo zvinoratidzwa naJehovha kune vanhu, cherechedza kuti muapostora Pauro akaita sei. Akati: “Mwari ngaaongwe nokuda kwechipo chake chepachena chisingarondedzereki”! “Chipo chepachena” ichocho chinosanganisirei? “Mutsa mukuru usina kufanirwa waMwari” wose watakaratidzwa, kuratidzwa kukuru zvikuru kwaiva chipo choMwanakomana wake akapiwa sorudzikinuro rwezvivi zvedu.—2 VaK. 9:14, 15; Joh. 3:16.
2 Kuonga kwaPauro kwaingova kwemashoko chete here? Aiwa! Akaratidza kuonga kwake kwakadzama munzira dzakawanda. Aiva nehanya zvikuru nokugara zvakanaka mumudzimu kwevamwe vaKristu uye aida kuita zvaaigona kuvaita kuti vabatsirwe zvakazara nomutsa worudo rwaMwari. Nezvevakadaro, Pauro akati: “Zvataiva norudo rukuru kwazvo nemi, takafara zvikuru kukupai, kwete mashoko akanaka aMwari bedzi, asi mweya yeduwo, nokuti makadiwa nesu.” (1 VaT. 2:8) Kuwedzera kubatsira vaya vakanga vatova nhengo dzeungano kutsvaka ruponeso rwavo, Pauro akaparidza mashoko akanaka asinganeti, achifamba makiromita zviuru nezviuru panyika nomugungwa kuti awane vaya “vaida upenyu husingaperi.” (Mab. 13:48) Kuonga kukuru kwaiita Pauro zvose zvaakanga aitirwa naJehovha kwakamuita kuti a“paridze shoko raMwari kwazvo.”—VaK. 1:25.
3 Kuonga kwatinoita zvose zvatakaitirwa naJehovha hakutiiti kuti tide kuyamura vaya vanoda kubatsirwa mumudzimu vari muungano yedu here? (VaG. 6:10) Uye hatinzwi tichida kushanda zvakazara sezvatingagona mubasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo mundima yedu yose here?—Mat. 24:14.
4 Mukana Wokuratidza Kuonga: Gore rimwe nerimwe Chirangaridzo chorufu rwaKristu chinotipa mukana unokosha wokuratidza kuonga zvatakaitirwa naJehovha naJesu. Uyu hausati uchingovawo zvawo mumwe musangano kana kuti kungorangarirawo chimwe chiitiko. Jesu akati: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Chirangaridzo chorufu rwaKristu inguva yokufungisisa kuti Jesu munhu worudzii. Inguva yokuziva kuti nhasi mupenyu uye ari kuita basa, nokuti akapiwa mbiri noumambo nokuda kwoupenyu hwake hwokutendeka uye hwokuzvibayira. Kuchengeta uku ndomumwewo mukana wokuratidza kuzviisa kwedu pasi paKristu somusoro nokuti anotungamirira zvinhu uye mabasa eungano yechiKristu. (VaK. 1:17-20) Vanhu vaMwari vose vanofanira kuva paChirangaridzo chorufu rwaKristu nenzira yokuremekedza. Gore rino chichaitwa zuva ranyura musi weChina, March 28, 2002.
5 Nemhaka yokuti vanhu vakashanda zvakaoma gore rapera kuchengetwa kweChirangaridzo kusati kwasvika, takava nenhamba yepamusoro-soro yevakapinda vanosvika 73 445 muZimbabwe. Gore rino vangani vachapinda? Kuwanda kwavo kuchabva pakuti isu ‘tashanda nesimba nokubishaira,’ kubatsira vakawanda sevatinogona kuti vapinde.—1 Tim. 4:10.
6 Kuwedzera pakupinda Kudya kwaShe Kwemanheru, tingakwanisa kuwedzera basa redu romumunda. Pasina mubvunzo, makumi ezviuru zvehama nehanzvadzi vachaita upiyona hwebetsero kwemwedzi mumwe kana kupfuura. Gore rimwe nerimwe kwemakore mashanu akapfuura, takava neavhareji yemapiyona ebetsero 7 898 mumwaka weChirangaridzo, kubva muna March kusvika kuna May. Ungaronga zvinhu zvako kuti uve neropafadzo yokuita upiyona hwebetsero gore rino here? Yaizova nzira yakanaka kwazvo yokuratidza kuonga kwako nomwoyo wose chipo chaMwari chorudo chechibayiro chaKristu. Unogona kuva nechokwadi nezvechikomborero chaJehovha, sezvinoratidzwa nezvakaitika zvinotevera.
7 Imwe hanzvadzi inoshanda kunyika nguva yakazara yakanyora zvakaitika kwairi nezvoupiyona hwebetsero March wapfuura ichiti: “Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 2001 hwakakurudzira munhu wose ane mamiriro ezvinhu aimubvumidza kuita upiyona hwebetsero mumwaka weChirangaridzo. Sezvo March aiva neMigovera mishanu, izvi zvakanyatsopindirana nepurogiramu yangu. Saka ndakasarudza kukumbira kupayona.” Payakatanga mwedzi wacho, yakavavarira kuedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha. Yakabudirira here? Hungu, muawa yayo yechi52 yokupupurira mwedzi iwoyo! Yakagumisa nokuti kudini? “Pane zvikomborero zvakaisvonaka patinowedzera basa redu.”
8 Mhuri inopayona pamwe chete inobatsirwa nechii? Mhuri yevanhu vana yakapayona April wapfuura yakauona kuva mwedzi ucharamba uchiyeukwa. Amai vacho vakati: “Zuva rimwe nerimwe taiva netariro yakanaka chaizvo, sezvo takanga takabatana muushumiri! Kukurukurirana zvataiita zuva nezuva mubasa romumunda kwaiita kuti nguva yezvokudya inakidze zvikuru.” Mwanakomana wacho akati: “Ndakanakidzwa nokushanda naBaba mubasa romumunda mukati mevhiki, panguva yavanowanzoshanda kunyika.” Baba vacho vakawedzera kuti: “Somusoro wemhuri, ndakagutsikana kuziva kuti taishanda pamwe chete mubasa rinokosha zvikuru renguva yedu.” Mhuri yenyu ingapayona pamwe chete here? Madii kukurukura semhuri ndokuona kana zvichiita kuti mhuri yenyu yose iite upiyona hwebetsero mumwaka uno weChirangaridzo?
9 Tingaita Kuti March Uve Mwedzi Wedu Wakanakisisa Here? Kutanga kwa2001, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwakataura izvi: “April—Nguva Yokuti Tishande Nesimba Neyokubishaira.” Vanhu vakaita sei? Nhamba dzepamusoro-soro dzinoverengeka dzakasvikwa. Pakava nenhamba yatisati tambosvika yepamusoro-soro yomwedzi mumwe yemapiyona ebetsero 6 646. Uyezve, takava nenhamba itsva dzepamusoro dzemagazini akagoverwa, kushanya kwokudzoka, nezvidzidzo zveBhaibheri. Unoyeuka here mufaro wakava muungano yenyu nokukurumidza kuitwa kwebasa romudzimu mumwedzi iwoyo unokosha? Gore rino tingaita zvakadaro kana kuti kutoita zvinopfuura zvakaitwa izvozvo here? Kana tose tikashanda nesimba, March 2002 ungava mwedzi wedu wakanakisisa. Nemhaka yei tichiti mwedzi waMarch?
10 Pane zvikonzero zviviri nei March uchifanira kuva mwedzi webasa unokosha. Chokutanga, Chirangaridzo chichaitwa March ava kunopera, zvichitipa mukana wakanaka wokukoka vakawanda sevatinokwanisa kwokutanga kwemwedzi wacho kuti vapinde. Chechipiri, gore rino March une kupera kwevhiki kwakazara kushanu, zvichiita kuti zviitire nyore kuita upiyona hwebetsero vaya vanoshanda kunyika kana kuti vanoenda kuchikoro. Wadii kugara pasi iye zvino ndokuronga purogiramu inoshanda, uchishandisa karenda iri muwedzero ino? Kuita upiyona hwebetsero kunogona kuva nyore kupfuura zvaunofunga. Somuenzaniso, ukaronga kuita maawa 8 ebasa romumunda kupera kwevhiki kumwe nokumwe pakupera kwevhiki kushanu kwacho, ungada kuronga maawa 10 chete okuwedzera mukati momwedzi wacho anenge asara kuti usvitse maawa 50 anodiwa.
11 Vakuru vangabatsira sei vose vari muungano kuti va“paridze shoko raMwari kwazvo”? Itai kuti vafarire kuburikidza nehurukuro dzepamisangano uye kukurukurirana navo somunhu mumwe nomumwe. Vaitisi veChidzidzo Chebhuku Cheungano nevanovabatsira vangatanga ivo kutaura nomumwe nomumwe ari muboka ravo ndokumubatsira. Mashoko mashomanana omutsa anokurudzira kana kuti mazano anobatsira ndiwo angangodiwa. (Zvir. 25:11) Vakawanda vachaona kuti nokuchinja zvishoma purogiramu yavo, vanogona kuva neropafadzo yokushanda semapiyona ebetsero. Muungano dzinoverengeka, vakuru nevashumiri vanoshumira nevadzimai vavo, vakawanda, kana vasiri vose, vakaita muenzaniso wakanaka kwazvo nokuita upiyona hwebetsero pamwe chete mumwaka weChirangaridzo. Izvi zvakakurudzira vaparidzi vakawanda kupayona pamwe navo. Nemhaka youtano husina kunaka kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu, vamwe vaparidzi havangakwanisi kupayona, asi vanogona kukurudzirwa kuratidza kuonga kwavo nokuita zvose zvavanogona muushumiri pamwe chete neungano yose.
12 Kubudirira kunoenderana nokunyatsoronga kunenge kwakaitwa nevakuru. Misangano yebasa romumunda inofanira kurongwa panguva dzakakodzera vhiki yacho yose. Kana zvichibvira, mutariri webasa achafanogovera hama dzinokwanisa kuti dziitise misangano yose yebasa. Kugadzirira kwakanaka kuchadiwa kuitira kuti misangano iyi ive pakati pemaminitsi 10 kusvika ku15, kusanganisira kuronga mapoka, kugovera ndima, uye kunyengetera. (Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2001.) Ungano inofanira kutsanangurirwa purogiramu yebasa yomwedzi wacho zvakajeka uye inofanira kunamirwa pachikwangwani chemashoko.
13 Ndima yakakwana inofanira kuvapo. Mutariri webasa anofanira kuonana nehama inoona nezvendima kuti vaite zvirongwa zvokushanda ndima dziya dzisingapedzwi nguva dzose. Vanofanira kusimbisira kuti vanhu vaparidzire vaya vaiva vasiri pamusha, vapupurire pamigwagwa uye pachitoro nechitoro, uye kuita uchapupu hwemanheru. Kwazvakakodzera, vaparidzi vangabatsirwa kuti vapupurire norunhare.
14 Vabatsire Kuti Vaitezve Basa: Pane vapi nevapi vari mundima yeungano yenyu vasingachaparidzi mashoko akanaka here? Vakadaro vachiri nhengo dzeungano uye vanoda kubatsirwa. (Pis. 119:176) Sezvo kuguma kwenyika ino yekare kwava pedyo zvikuru uye nyika itsva iri pamberi apa, tine chikonzero chakanaka chokuita zvose zvatinogona kubatsira vaya vasingachaiti basa. (VaR. 13:11, 12) Kwemakore mashanu akapfuura, vanhu vanopfuura 400 gore rimwe nerimwe vakabvuma kubatsirwa uye vakatangazve kuita basa. Tingaita chii kuti tibatsire vamwe vakawanda kumutsiridza rudo nechivimbo zvavaiva nazvo pakutanga?—VaH. 3:12-14.
15 Dare revakuru richada kukurukura kubatsira kwavangaita vaya vakarega kuita basa makore mashomanana apfuura. (Mat. 18:12-14) Munyori anofanira kuongorora makadhi eChinyorwa cheBasa choMuparidzi obva acherechedza vose vasingachaiti basa. Vanofanira kuedza kupfuura zvavanosiita kuronga kushanya kunofudza kuti vape rubatsiro. Mukuru angada kushanyira mumwe muparidzi nokuda kwokuti aimuziva munguva yakapfuura uye aisonganirana naye, kana kuti vamwe vaparidzi vangakumbirwa kuti vabatsire. Zvimwe vangadzidza nouya zvino asingachaiti basa uye vangava nomukana wokumubatsira panguva ino yaari kuda rubatsiro. Tinovimba kuti vakawanda vevaya vasingachaiti basa vachakurudzirwa kutanga kuparidza shoko raMwari zvekare. Kana vakakwanisa, hapana imwe nguva iri nani yokuti vatange inopfuura yomwaka weChirangaridzo!—Nokuda kwemamwe mashoko ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2000.
16 Vamwe Vanokwanisa Kuparidza Here? Jehovha anopfuurira kukomborera vanhu vake nokuunza “zvinodikanwa nendudzi dzose.” (Hag. 2:7) Gore rimwe nerimwe zviuru zvinokwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Ndivanaani? Vana veZvapupu zvaJehovha uyewo vadzidzi veBhaibheri vanofambira mberi. Tinoziva sei kana vachikwanisa kuva vaparidzi vemashoko akanaka?
17 Vana veZvapupu zvaJehovha: Vana vakawanda vakaperekedza vabereki vavo paimba neimba kwemakore akawanda, kunyange zvazvo vasati vava kushumira sevaparidzi vasina kubhabhatidzwa. March ungava nguva yakanaka yokuti vatange. Unoziva sei kana mwana wako achikwanisa? Peji 100 mubhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu inoti ndepaya “apo mwana anova womuenzaniso mumufambiro wake uye achikwanisa kutaura iye amene kutenda kwake kupfurikidza nokutaura kuna vamwe pamusoro pamashoko akanaka, achisundwa kubva mumwoyo kuita kudaro.” Kana muchifunga kuti mwana wenyu anokwanisa, taurai nomumwe wevakuru ari muDare Rebasa Reungano.
18 Vadzidzi veBhaibheri Vanokwanisa: Mudzidzi weBhaibheri paanenge ava nezivo uye apinda misangano kwenguva yakati, angada kuva muparidzi woUmambo. Kana uri kudzidza nomudzidzi akadaro, funga mibvunzo iyi: Ari kufambira mberi here, zvinoenderana nezera rake uye mano? Akatanga kuudza vamwe kutenda kwake nenzira isina kurongwa here? Ari kupfeka “unhu hutsva” here? (VaK. 3:10) Anokwanisa kuita zvinodiwa kumuparidzi asina kubhabhatidzwa here, zviri pamapeji 97-9 mubhuku raHushumiri Hwedu? Kana achikwanisa, unofanira kuona Dare Rebasa Reungano kuti zvirongwa zvokuti vakuru vaviri vaonane newe uye mudzidzi wacho zviitwe. Kana akakwanisa, vakuru vacho vaviri vachamuudza kuti anogona kutanga kuita ushumiri hwepachena.
19 Zvakadini naApril uye May? Ichavawo mwedzi inokosha yokuwedzera basa muushumiri hwomumunda. Vakawanda vanoita upiyona hwebetsero muna March vangakwanisa kuitazve muna April uye/kana kuti May. Muna April naMay, kugoverwa kwemagazini eNharireyomurindi neMukai! muushumiri kuchava pakutanga. Akava nemigumisiro inobatsira zvikuru muupenyu hwevaya vakaaverenga! Magazini aya akaita basa guru mukuwedzera kwakaisvonaka kwakavapo pasi pose. Tichaedza kupfuura zvatinosiita muna April naMay kugovera magazini kuvanhu vakawanda sevatinogona. Ronga iye zvino kushanda zvakazara.
20 Nokuda kwokuti basa rokuparidza rakarongwa kuti riwedzerwe, unoda kuwedzera nhamba yemagazini aunowana muungano here? Mugore rebasa rose, tinogovera Nharireyomurindi neMukai! musi woMugovera mumwe nomumwe, riri Zuva redu Remagazini rakasarudzwa. Zvisinei, sezvo vakawanda vachange vachishanda semapiyona ebetsero uye tose tichange tichigovera magazini acho kwemwedzi miviri yakazara, zvaizova zvakanaka kuti uwedzere odha yako yemagazini muungano. Kana ukadaro, tapota zivisa mutarisiri wemagazini ari muungano yenyu pakarepo. Panguva imwe chete, mutarisiri wemabhuku anofanira kuva nechokwadi chokuti maturakiti aUnoda Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? aripo akakwana okuti tose tishandise.
21 Vakawanda vakaonga chikamu chiri muUshumiri Hwedu hwoUmambo chinoti “Zvokutaura Maererano Nemagazini.” Wakashandisa urongwa uhwu nokudzidza mharidzo dzomuenzaniso dzokugovera magazini here? Wadii kushandisa imwe nguva yechidzidzo cheBhaibheri chemhuri yako vhiki imwe neimwe kudzidzira mharidzo idzi?
22 Shandisa Zvakazara Mwaka Uno weChirangaridzo: Somuapostora Pauro, ngatiratidzei Jehovha kuti tinoonga sei “chipo chake chepachena chisingarondedzereki” nokuita zvakazara mabasa omudzimu akarongerwa mwaka uno weChirangaridzo. Izvi zvinosanganisira (1) kupinda chiitiko chinokosha zvikuru chegore, kuchengetwa kwoKudya kwaShe Kwemanheru musi weChina, March 28, 2002; (2) kubatsira vaya vasingachaiti basa kumutsiridza ‘rudo rwavaiva narwo pakutanga’ (Zvak. 2:4; VaR. 12:11) (3) kubatsira vana vedu uye chero vadzidzi veBhaibheri vapi vanokwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa; uye (4) kuita basa rokuparidza evhangeri zvakazara sezvatinogona, kunyange kuita upiyona hwebetsero muna March zvichienda mberi.—2 Tim. 4:5.
23 Tinonyengetera nomwoyo wose kuti tose zvedu tichashanda zvakazara mukuparidza mashoko akanaka oUmambo mwaka uno weChirangaridzo, nokudaro tichiratidza kuonga kwedu kukuru zvose zvatakaitirwa naJehovha.
[Bhokisi riri papeji 8]
Purogiramu Yangu Yebasa Romumunda yaMarch 2002
Svondo Muvhuro Chipiri Chitatu China Chishanu Mugovera
1 2
Zuva
Remagazini
3 4 5 6 7 8 9
Zuva
Remagazini
10 11 12 13 14 15 16
Zuva
Remagazini
17 18 19 20 21 22 23
Zuva
Remagazini
24 25 26 27 28 29 30
CHIRANGARIDZO Zuva
Remagazini
31 ZUVA RANYURA
Ungaronga maawa 50 okuita upiyona hwebetsero muna March here?