Vanhu Vanofara Kupfuura Vose Pasi Pano
1 “Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.” (Pis. 144:15) Mashoko iwayo anotsanangura Zvapupu zvaJehovha sevanhu vanofara kupfuura vose pasi pano. Hapana mufaro mukuru unopfuura uya unobva mukushumira Mwari mumwe bedzi wechokwadi uye mupenyu, Jehovha. Sezvo ari “Mwari anofara,” vaya vanomunamata vanoratidza kufara kwake. (1 Tim. 1:11) Zvinhu zvipi zvokunamata kwedu zvinotiita kuti tifare zvikuru?
2 Zvikonzero Zvokuva Vanofara: Jesu akatiudza kuti mufaro unobva paku“ziva zvinodiwa [zvedu] zvomudzimu.” (Mat. 5:3) Kuramba tichidzidza Bhaibheri uye tichipinda misangano yedu yose yechiKristu kunozadzisa zvinodiwa izvozvo. Kudzidza chokwadi cheShoko raMwari kwakatisunungura panhema dzechitendero nezvikanganiso. (Joh. 8:32) Magwaro akatidzidzisawo nzira yakanakisisa yokurarama nayo. (Isa. 48:17) Nokuda kwaizvozvo, tine ukama hwechiKristu hwakanaka musangano redu rehama dzinofara.—1 VaT. 2:19, 20; 1 Pet. 2:17.
3 Tinogutsikana zvikuru nokuteerera zvinodiwa naMwari zvakakwirira zvetsika, nokuti tinoziva kuti izvi zvinotichengetedza ndokuita kuti Jehovha afare. (Zvir. 27:11) Mutori wenhau werimwe pepa akati: “Pasinei nemitemo yazvo yose yakaoma, Zvapupu zvaJehovha hazviratidzi kuti hazvifari. Handizvo. Vaduku pamwe nevakuru [vari pakati pavo] vanoratidza kuti vanofara uye vakadzikama zvikuru.” Tingabatsira sei vamwe kuti vararamewo vachifara sezvatinoita?
4 Batsira Vamwe Kuwana Mufaro: Nyika yakazara nezvinhu zvisingafadzi, uye vanhu vazhinji havana tariro yakajeka yenguva yemberi. Zvisinei, isu tine tariro yakajeka, tichiziva kuti rimwe zuva kusuruvara kwose kuchava chinhu chomunguva yakapfuura. (Zvak. 21:3, 4) Naizvozvo, tinoshingaira kuita ushumiri, tichitsvaka vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti tivaudze tariro yedu uye zvatinotenda nezvaJehovha.—Ezek. 9:4.
5 Imwe hanzvadzi iri piyona yakati: “Hapana chinhu chinogutsa zvikuru kupfuura kubatsira vanhu kusvika pakuziva Jehovha nechokwadi chake.” Ngatiitei zvose zvatingagona kukurudzira vamwe vakawanda kuti vabvume zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Kushumira Jehovha uye kuzvipa kwatinoita kuti tibatsire vamwe kuti vamushumire kunounza mufaro mukuru.—Mab. 20:35.