Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, kana kuti bhuku ripi neripi rekare rine mapeji 192 iro ungano ingava naro. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana vanhu vakafarira pamunodzokera, goverai bhurocha raAnodei, nepfungwa yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri.
◼ Pakushanda ndima isina kugoverwa, vaparidzi vangagovera bhurocha raAnodei kana kuti bhuku raZivo. Mamwe mabhuku angagoverwa kana saimba achitova nemabhuku maviri aya. Vose vanofanira kutakura maturakiti akasiyana-siyana kuitira vasiri pamisha kana kuti vanhu vasingagamuchiri mabhuku. Tinofanira kuedza nepatinogona napo kutevera vanenge vafarira, zvikurukuru kune ndima dzisina kugoverwa dzinogona kusvikwa neungano dziri pedyo.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waMarch 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.
◼ Munyori nomutariri webasa vanofanira kuongorora basa remapiyona ose enguva dzose. Kana pane vari kuomerwa nokusvitsa maawa anodiwa, vakuru vanofanira kuronga kuti vabatsirwe. Nokuda kwemazano, dzokororai tsamba dzepagore S-201. Onaiwo ndima 12-20 dzewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1986.
◼ Chenjererai zvirongwa zvounyengeri zvave zvichiparadzirwa paIndaneti uye netsamba zvokukumbira mari nokuda kwehama dzedu vachinyepera kuti vanoda kubatsira vanhu vakawirwa nenjodzi. Nguva nenguva apo mamiriro ezvinhu anoda kuti matare okuyamura aumbwe kubatsira Zvapupu zvaJehovha nezvinhu, hama dzine mutoro dzichaziviswa. Mipiro yezvinodiwa zvakadaro inofanira kutumirwa kuWatch Tower, Private Bag WG-5001, WESTGATE.
◼ Hurukuro yavose inokosha yemwaka weChirangaridzo cha2002 ichapiwa nomusi weSvondo, April 14. Musoro wehurukuro yacho uchava wokuti “Ramba Uchinyatsorangarira ‘Zuva Rinotyisa’!” Pepa rehurukuro richagoverwa. Ungano dziya dzichange dzichishanyirwa nomutariri wedunhu, dzine gungano, kana kuti zuva regungano chairo kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro inokosha yacho vhiki inotevera. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro inokosha April 14, 2002 asati asvika.
◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:
The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 5—Mutauro Wemasaini wokuAmerica