Munhu Wose Anogona Kudzidza Kubva Pavhidhiyo Inonzi Noah—He Walked With God
Verenga kana kuti dzokorora Genesi 6:1 kusvika ku 9:19. Zvadaro ona vhidhiyo yaNoah, uye funga kuti ungapindura sei mibvunzo iyi: (1) Nyika yakanga yakaita sei muzuva raNoa, uye yakasvika sei pakuva yakadaro? (2) Chii chakaita kuti Noa anyanye kudiwa naMwari, uye Mwari akamupa basa rei, uye nei? (3) Areka ingangova yakavakirwa kupi, zvakatora nguva yakareba sei, uye yakanga yakakura sei? (4) Kunze kwokuvaka areka, chiizve icho Noa nemhuri yake vaifanira kuita? (5) Unofunga kuti muareka makanga makadini pakangovharwa musuo? (6) Waizodai wakanzwa sei pashure pokupukunyuka Mafashamo? (7) Nguva nenguva tinogara tichiona chiyeuchidzo chipi cheMafashamo, uye chinorevei? (8) Nhoroondo yeBhaibheri yaNoa yakudzidzisa chii nezvako, mhuri yako, uye basa ratakapiwa naMwari kuti tiite? (9) Unoda kubvunza Noa nemhuri yake mibvunzo ipi pauchavaona muParadhiso? (10) Unoronga kushandisa sei vhidhiyo yaNoah iye zvino?