Shandisa Bhuku raNamata Mwari Kuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri
Bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi rakaitirwa kubatsira vatsva kufambira mberi muchokwadi uye kuwedzera kuonga kwavanoita Jehovha nesangano rake. Ringashandiswa nevanhu vanodzidza Bhaibheri sebhuku rokudzidza rechipiri. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2000, papeji 4, hwakatsanangura kuti: “Kana zviri pachena kuti munhu ari kufambira mberi, kunyange zvazvo achiita zvishoma nezvishoma, uye kuti ari kuonga zvaari kudzidza, ipapo enderera mberi nechidzidzo cheBhaibheri mubhuku rechipiri kana bhurocha rinonzi Anodei uye bhuku rinonzi Zivo apera. . . . Muzviitiko zvose, bhurocha rinonzi Anodei uye bhuku rinonzi Zivo anotanga kudzidzwa. Chidzidzo cheBhaibheri, shanyo dzokudzoka, uye nguva inopedzwa pakuenderera mberi nokudzidza zvinofanira kuverengwa ndokushumwa, kunyange kana mudzidzi wacho akabhabhatidzwa asati apedza bhuku rechipiri.”
Ndianizve angabatsirwa nechidzidzo cheBhaibheri mubhuku raNamata Mwari? Nyaya iyoyo inoenderera mberi ichiti: “Kana uchiziva nezvavamwe vakadzidza [bhurocha raAnodei uye] bhuku rinonzi Zivo munguva yakapfuura asi vasina kumbofambira mberi kusvika pakuzvitsaurira nokubhabhatidzwa, ndiwe ungatanga kuona kana vangada kumutsidzira kudzidza kwavaiita Bhaibheri.” Ngatiedzei nepatinogona napo kutanga kudzidza bhuku raNamata Mwari nevakadaro muna March naApril.