Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Gore rino Chirangaridzo chichachengetwa musi weChitatu, April 16. Vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvinotevera:
◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ranyura.
◼ Vanhu vose, kusanganisira mukurukuri, vanofanira kuziviswa nguva chaiyo uye nzvimbo yachichachengeterwa.
◼ Rudzi rwechingwa newaini zvakakodzera zvinofanira kuwanikwa zvogara zvavapo.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, papeji 17.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakakodzera nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kwamunopindira zvogara zvaiswa panzvimbo yazvo.
◼ Imba yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokupindira inofanira kunyatsocheneswa nguva isati yakwana.
◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokufanorayiridzwa mabasa avo, nzira yakafanira yokuaita nayo, uye kukosha kwokupfeka nokutsvinda zvinokudzwa.
◼ Panofanira kurongwa kuti kana pane vakazodzwa vasina kugwinya uye vasingakwanisi kuvapo vazopiwa chingwa newaini.
◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzakarongwa kuti dzishandise Imba yoUmambo imwe chete, ungano dzacho dzinofanira kushandira pamwe zvakanaka kuti vanhu vasazowandisa panosvikira vanhu kana kuti pamusuo, mokufamba namo, uye pokupaka motokari. Zvakanaka kusiyanisa kuchengeta kwacho nemaminitsi 45, kana zvichibvira.