RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/03 p. 7
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 3/03 p. 7

Zviyeuchidzo zveChirangaridzo

Gore rino Chirangaridzo chichachengetwa musi weChitatu, April 16. Vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvinotevera:

◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ranyura.

◼ Vanhu vose, kusanganisira mukurukuri, vanofanira kuziviswa nguva chaiyo uye nzvimbo yachichachengeterwa.

◼ Rudzi rwechingwa newaini zvakakodzera zvinofanira kuwanikwa zvogara zvavapo.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, papeji 17.

◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakakodzera nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kwamunopindira zvogara zvaiswa panzvimbo yazvo.

◼ Imba yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokupindira inofanira kunyatsocheneswa nguva isati yakwana.

◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokufanorayiridzwa mabasa avo, nzira yakafanira yokuaita nayo, uye kukosha kwokupfeka nokutsvinda zvinokudzwa.

◼ Panofanira kurongwa kuti kana pane vakazodzwa vasina kugwinya uye vasingakwanisi kuvapo vazopiwa chingwa newaini.

◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzakarongwa kuti dzishandise Imba yoUmambo imwe chete, ungano dzacho dzinofanira kushandira pamwe zvakanaka kuti vanhu vasazowandisa panosvikira vanhu kana kuti pamusuo, mokufamba namo, uye pokupaka motokari. Zvakanaka kusiyanisa kuchengeta kwacho nemaminitsi 45, kana zvichibvira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe