Purogiramu yoMusangano Webasa
Vhiki Inotanga naJanuary 10
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achishanda mundima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 1 neAwake! yaJanuary 8. Dzimwewo mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa. Mune mumwe muenzaniso wacho enzanisira kugoverwa kungaitwa magazini acho kune woukama asiri Chapupu.
15 min: “Akarerwa Nemashoko Okutenda.”a Verenga uye kurukura magwaro arimo kana nguva iripo.
20 min: “Edza Kuchinja-chinja Nzira Yaunotanga Nayo Mharidzo.” Kukurukurirana nevateereri peji 6 yewedzero. Iva nemienzaniso miviri inoratidza kuti ungatanga sei kutaura nomunhu uchishandisa bhuku riri kugoverwa mumwedzi wacho. Mumuenzaniso mumwe nomumwe, ita kuti muparidzi averenge rugwaro rumwe runotaura chinetso chataurwa nasaimba.
Rwiyo 143 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 17
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Vechiduku—Muri Kufambira Mberi Mune Zvokunamata Here? Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaApril 1, 2003, pamapeji 8-10. Taura zvinangwa chaizvo, zvinokwanisika, uye kurudzira vechiduku kuti vazvirongere zvinangwa chaizvo zvokunamata.
20 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 5.”b Ivawo nomuenzaniso womudzidzisi ane unyanzvi achikurukura nomuparidzi mutsva kuti misungo inotaurwa mundima 4-5 ingadziviswa sei.
Rwiyo 78 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 24
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro.
25 min: “Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzomuenzaniso.”c Shandisa mibvunzo iripo. Taura kuti mapeji 3-5 ewedzero yomwedzi uno ane mharidzo dzemabhuku atichange tichigovera. Tinofanira kuchengeta wedzero yacho kuti tigoishandisa gore rose. Pashure pokukurukura nyaya yacho, kurukura kuti tingagovera sei bhuku raSwedera Pedyo naJehovha muna February. Enzanisira mharidzo mbiri. Dzingabva pamharidzo dzomuenzaniso dziri papeji 3 kana kuti pane dzimwe mharidzo dzingabudirira mundima yenyu.
Rwiyo 200 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 31
10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJanuary. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achishanda mundima yenyu) enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJanuary 15 kana kuti Awake! yaJanuary 22. Dzimwewo mharidzo dzinoshanda dzingashandiswa.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: Uri Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva Here? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva pamashoko okutanga ekabhuku kaKunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2005. Kurukura kudiwa kwokuti tose tive nemaminitsi mashomanana zuva rimwe nerimwe okukurukura rugwaro netsanangudzo dzacho. Fanoronga kuti mumwe kana kuti vaviri vataure purogiramu yavo yokukurukura rugwaro rwacho uye kuti vakabatsirwa sei. Gumisa nokukurukura kwenguva pfupi rugwaro rwegore rwa2005.
Rwiyo 184 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naFebruary 7
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: Batsira Vatsva Kuti Vadzidze Kuda Mwari Nomuvakidzani. Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJuly 1, 2004, papeji 16, ndima 7-9. Taura kuti munhu mumwe nomumwe ari muungano angaita sei pakubatsira vatsva kuti vave vadzidzi vaKristu.
20 min: Jehovha Haanyimi Chero Chinhu Chipi Zvacho Chakanaka. (Pis. 84:11) Bvunzurudza hama nehanzvadzi shomanana dzakaramba dzakatendeka mumiedzo. Dzakasangana nezvinetso zvipi? Chii chakadzibatsira kutsungirira? Dzakawana mufaro nezvikomborero zvipi?
Rwiyo 104 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.