Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
SEZVO tava pedyo nokuuya kwegadziriro itsva yezvinhu, zvinokosha kuti tirambe tichimirira Jehovha. (Zef. 3:8) Muprofita Dhanieri akati: “Mwari unozivisa zvakavanzika; ndiye wakazivisa . . . zvichazovapo pamazuva okupedzisira.” (Dhan. 2:28) Iropafadzo kurarama pedyo nomugumo wenguva iyoyo yakafanotaurwa nezvayo uye kunzwisisa zvakavanzika zvaJehovha zvaari kuzivisa iye zvino!
Achishandisa “muranda akatendeka, akangwara,” Jehovha ave achizivisa chinangwa chake chokuunganidza “boka guru revanhu” vemarudzi ose vanomunamata munguva dzino dzinonetsa dze“mazuva okupedzisira.” (Mat. 24:45; Zvak. 7:9; 2 Tim. 3:1) Isaya 2:2, 3 inotsanangura iri sangano romunyika yose serinovapo mu“mazuva okupedzisira.” Gore roga roga, kuunganidza uku kunoramba kuchiitika pasinei nemhirizhonga nechisimba zvazara munyika ino.
Kubva muna January kusvikira muna December 2004, takaziviswa kakawanda nezvokukosha kwokuteerera mashoko aJesu okuti: “Rambai makarinda . . . Ivai vakagadzirira.” (Mat. 24:42, 44) Zvechokwadi, zviri kuitika munyika zvine zvakawanda zvazvinoreva kuvaKristu vanonzwisisa “zviratidzo zvenguva,” ndokuita zvinenge zvichitaurwa. (Mat. 16:1-3) Achizadzisa Shoko rake, Jehovha acharamba aine vanhu vake vaakaronga kuti vaite basa rake pasinei zvapo nokushorwa kwavangatarisana nako.
Pasinei zvapo nokuedza kwevamwe kuvhiringidza kana kuti kumisa kuparidzirwa kwoUmambo, hama dzedu dzinoramba dzichitaura chokwadi uye dzichiungana pamwe chete. (Mab. 5:19, 20; VaH. 10:24, 25) MuRussia muna June 2004, dare rokukwirira nyaya romuMoscow rakatsigira dare repasi kurambidza zviri pamutemo basa reZvapupu zvaJehovha ndokuvhara hofisi zviri pamutemo muguta iroro. Zvisinei, hama hadziregi; dzinoziva zvinodiwa naJehovha, uye dzinomuteerera soMutongi pane kuteerera vanhu. (Mab. 5:29) Tine chokwadi chokuti Jehovha achatungamirira vashumiri vake pasinei nomutongo wacho.
MuRepublic of Georgia mumakore mashomanana apfuura, hama dzakarasikirwa nemisha, dzakarwiswa nemhomho, uye dzakaona mabhuku adzo achipiswa. Asi hapana kana chombo chipi zvacho chakagadzirirwa kuvarwisa chakabudirira. (Isa. 54:17) Mugore rebasa ra2004, Zvapupu zvaJehovha zvakabvumidzwa zviri pamutemo zvekare muGeorgia. Kokorodzano dzakaitwa pasina kudzongonyedzwa, uye mabhuku anopinda munyika yacho pasina chinetso. Nhamba itsva dzepamusoro dzevaparidzi nedzevakapinda Chirangaridzo dzakaziviswa.
Hama dzakaiswa mujeri nokuda kwokutenda kwadzo muArmenia, Eritrea, Republic of Korea, Rwanda, uye Turkmenistan. Kunyange zvazvo dzakabatwa zvisina kufanira, dzinoziva chikonzero cheMagwaro chokutambudzwa kwadzo, izvi zvinodzibatsira kuramba dzakavimbika sezvadzinotarisira kununurwa naJehovha.—1 Pet. 1:6; 2 Pet. 2:9.
Sezvaunoongorora Mushumo Wegore Rebasa ra2004 muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2005, uchafara nokuona kunaka kwaJehovha. (Pis. 31:19; 65:11) Tine tariro yokuti mushumo iwoyu uchakukurudzira kuramba uchifamba sezvinodiwa naMwari.—1 VaT. 4:1.
Pane zvakawanda zviri kuramba zvichiitwa kuti vanhu vakasiyana-siyana vaziviswe chokwadi. Somuenzaniso, mavhidhiyo, maDVD, uye zvimwe zvinhu mumutauro wemasaini nemabhuku eBraille zvave zvichigadzirirwa kubatsira matsi nemapofu mune zvokunamata. Vaparidzi voUmambo vakawanda vakadzidza mitauro inotaurwa nevanhu vokune dzimwe nyika vanogara munharaunda yeungano yavo.
Uyezve, mazana emapoka asati ava ungano akatangwa mundima dzinonetsa kusvika. Rimwe bazi rine mapoka asati ava ungano anopfuura 300 ane vaparidzi vanopfuura 7 000. Izvi zvinoratidza kuti pane mukana mukuru wokuva neungano itsva! Uyewo, pavanhu 16 760 607 vakapinda Chirangaridzo gore rino rebasa, vanopfuura mamiriyoni gumi vakanga vasiri Zvapupu. Ichi chiratidzo chakasimba chokuti pachine basa rokukohwa rinofanira kuitwa.
Tinoonga Jehovha nokutikomborera chaizvo uye kutitarisira norudo kwaanoita zuva nezuva. (Zvir. 10:22; Mar. 3:10; 1 Pet. 5:7) Sezvatinoramba tichifambira mberi takabatana ‘mumazuva ano okupedzisira,’ tinoramba tichivimba naJehovha. Pasinei nezvinetso zvatingasangana nazvo, ngatifungisisei rugwaro rwedu rwegore ra2005 runoti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.” (Pis. 121:2) Tapota ivai nechokwadi chokuti tinokudai uye kuti tinogara tichikunyengetererai.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha