RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/05 pp. 6-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 3/05 pp. 6-7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Bhurocha raRambai Makarinda! Kana vanhu vakaratidza kuti vanonyatsofarira, varatidze bhuku raZivo, uchiedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri. April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Paunodzokerazve kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano asi vasingasonganiri neungano, edza kugovera bhuku raNamata Mwari. Chinangwa chacho ndechokutanga chidzidzo cheBhaibheri, kunyanya nevanhu vakatodzidza bhurocha raAnodei uye bhuku raZivo. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, uye kana vanhu vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri.

◼ Ungano dzinofanira kupa vaparidzi magazini achangobuda eNharireyomurindi neAwake! padzinongoagamuchira. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vajairane nezviri maari vasati vaagovera mubasa romumunda. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hunofanirawo kupiwa vaparidzi pahunongouya. Vanhu vanogona kuhupiwa kuChidzidzo Chebhuku Cheungano.

◼ Zvirongwa zvokufamba pazvinosanganisira kupinda misangano yeungano, gungano, kana kuti kokorodzano yoruwa kune imwe nyika, chikumbiro chako chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kuhofisi yebazi rinotarisira basa munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeYearbook yegore rino.

◼ Vanyori veungano vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Aya anogona kuodwa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Chengetai angangokwana gore rose.

◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChina, March 24, 2005. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano musi weChina, iyi inofanira kuchinjirwa kune rimwe zuva revhiki kana Imba yoUmambo isiri kushandiswa. Kana izvi zvisingaiti uye musingakwanisi kuita Musangano wenyu Webasa, hurukuro dzinonyanyoshanda kuungano yenyu dzingabatanidzwa pane mumwe Musangano Webasa.

◼ Vaparidzi vanoverengeka vakaridzira hofisi yebazi runhare nezvedzimwe nziyo dzoUmambo dzakarekodhwa dzinoimbwa nomusambo wakakurumbira dziri kuparadzirwa pakati peZvapupu zvaJehovha mazuva ano. Vanoshamisika kana nziyo idzi dzichitenderwa nesangano. Tinoziva nezvenziyo idzi dzakarekodhwa uye tingada kukuzivisai kuti hatidzitenderi. Tapota musaparadzira kana kutora nziyo idzi paIndaneti. Tinovimba kuti mashoko aya achajekesa izvi.

◼ Mabhuku Matsva Aripo: Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose—Chichewa, Chirungu Rambai Makarinda!—Chichewa, Chirungu, Xhosa, Zulu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe