Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza nepaunogona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neAwake! Paunenge uchishanyirazve vaya vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo kana kuti mimwe misangano ine chokuita nokunamata asi vasiri kuwadzana nguva dzose neungano, funga nezvokutanga kudzidza navo Bhaibheri uchishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei. June: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Kana vanasaimba vachitova nebhuku racho, vaparidzi vangagovera chero bhuku rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1995 asati asvika.
◼ Magazini matsva eNharireyomurindi neMukai paanongosvika, anofanira kupiwa vaparidzi kuti vazive nyaya dzirimo vasati vaagovera mubasa remumunda.
◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChipiri, March 30, 2010. Nziyo nhamba 8 ne109 dziri mubhuku idzva renziyo ndidzo dzichaimbwa paChirangaridzo. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano musi weChipiri, munofanira kuita misangano iyi rimwe zuva muvhiki iyoyo. Kana kuri kuti Imba yoUmambo inoshandiswa neungano dzakawanda uye zvisingaiti kuchinja kuti muite rimwe zuva, misangano yacho inogona kuregwa kuitwa. Hurukuro dzinonyanyoshanda kuungano yenyu dziri paMusangano Webasa wevhiki yacho dzingabatanidzwa pane mumwe Musangano Webasa weimwe vhiki.